Você está na página 1de 9

Makuhwa mu Church

Options for this story Title: An Enemy from within (Part 2) Scripture reading 1 Kings 13:7-25 Panotanga mamwe maSeries kana maSoap vanotanga ne previously havangotange nekupinda paEpisode yemusi iwowo but vanotanga nemaSeconds mashoma or even a minute yavanobuditsa maHiglights ezvakaitika in the previous episode(s). So tisati tapinda paMharidzo yanhasi, let us start ne previously kuitira kuti vamwe vasina kuverenga part 1 vagone kubata kwakatangira nyaya so that vave neFull understanding yeShoko rese. paPart 1 takaona a Man of GOD vakatumwa naMwari on a mission kuna Jeroboam but ainge audzwa kunzi rega kudya chingwa, kumwa mvura or kudzokera using the same road yawauya nayo. After finishing basa raainge apihwa naMwari, Jeroboam tempted this man of GOD achimuti huya kumba kwangu so that you can eat. Munhu waMwari akaramba akati hazviite, even if ukandipa half yeimba yako, I will not come with you nekuti shoko raMwari randirambidza kudya kana kumwa. Man of GOD ava vatisina kunzwa zita ravo vakabva vapinda muRoad vachidzokera zvavo kumaraini kwavo. It happened kuti kune vana veMuporofita watisina kuudzwa zita rake vakaona zvese izvi zvakaitika vachibva vaenda kunoudza baba vavo. This old prophet achinzwa nyaya idzi akabva atora dhongi rake akapinda muroad achitera munhu waMwari uyu ainge ava kudzokera kumba kwake. Old prophet kwakuona munhu waMwari akagara pasi pemuti kwakumuti dzoka kumba ndikupe food. Shasha ikaramba ikati kwete ndanzi naMwari dont eat bread or drink water. Old prophet vachibva vanyepa zvikanzi kana neniwo ndiri muporofita sewe and an angel yauya kuzondiudza shoko raMwari kuti dzosa munhu iyeye kumba kwako kuti adye chingwa nekumwa mvura. Ndipo pataka gumira paPart 1, takasiya munhu waMwari audzwa naOld prophet kuti dzoka kumba kwangu udye nekuti mutumwa auya neshoko raMwari rekuti udzoke. Have you noticed kuti mazita evanhu ava hatina kumaudzwa, umwe angonzi Man of GOD (Munhu waMwari) mumwe wacho achibva anzi Old Prophet (muporofita mutana). Their actual names are not given but tangoudzwa maTitle avo. Izvi zvinongoreva kuti it can be anyone, iwewe you can be the man of God, or you can be the old prophet, uchaona kuti muLife yedu yanhasi zvinhu zvakaitika pakati pevanhu 2 its also happening today between many people. So rega kufunga kuti inyaya dzeku Israel chete but ziva kuti imo muno muZimbabwe it can happen to you, iko kuSouth ikoko chinogona kutochaya, iko kuMoza ikoko it might be you. it can happen to anyone. Old Prophet vakasvika vakaona munhu waMwari akagara pasi pemuti handiti, remember kuti this person haasi kudya kana kumwa mvura. So chinogona chamutuma kugara pasi inyaya yenzara or kuneta, since ari

kufamba journey netsoka apa anzi naMwari rega kudya. There are times dzekuti you can get tired, unosvika paunoneta and panguva iyoyo ndipo panowanzokuuya miyedzo. waneta nekushaya mukomana ari serious, vese varikuda kukushandisa chete, at that moment yaunenge waneta woti regai ndigare pasi, let me take a leave from maRelationships, ndipo panowanzo kuuya ana Old prophet kuzokunyengera, ndipo panowanzo kuuya mumwe brother anokunyepera zvekuti unopedzisira wawira mumaProblems. Uchifunga kuti he is honest but iye aine the same motive ine vamwe vakomana vekunyika. There comes a time yekuti unoneta uchiti ahh I have been praying for a very long period but situation yangu yaramba kuchinja, nhamo yaramba kupera, mari yaramba kubatika, hurwere hwaramba kupera, basa raramba kubatika, ipo paunoneta ipapo and you decide to take a rest, you decide kuti ahh zvekuChurch zvacho rega ndimbosiya, kana kunamata kwacho rega ndimbomira, ndipo muvengi paanotora advantage, he comes kwauri aine mission yekukurasisa. Ndipo paunopihwa maIdeas ekuita zvinhu zvinopesana neShoko raMwari. munhu waMwari akaonekwa akagara pasi peMuti, zvekuti dai akaramba achifamba maybe old prophet vaigona kutadza kumubata, but the fact that he took time yekugara pasi, ndizvo zvakazoita kuti abatwe. Rega kugara pasi, no matter waneta, keep on moving, hongu you have been praying for this and that for a long time but hazvisi kufamba, but rega kuStopper nekuti the moment yauchati let me take a rest, ndipo pauchabatwa nemiyedzo yekutadzira Mwari. Be alert every time. Dont take a rest from praying. Old Prophet vakaudza munhu waMwari zvikanzi kana neniwo ndiri muporofita sewe and mutumwa auya kuzondiudza shoko raMwari kuti dzosa munhu iyeye kumba kwako kuti adye chingwa nekumwa mvura bata mashoko ekuti ndiri muporofita sewe, I am a Prophet like you. yahh ndiyo imwe one strategy isina kumira mushe manje iyi. Elder vanogona kukudza kuti shamwari ngatiite dhiri iri iwe wobva wati hazvite nekuti zvine chitsotsi mukati, but he will tell you kuti I am a Christian like you, ndiri muChristu sewe. Brother vanogona kukudza kuti lets us sleep together, iwe uchiti its fornication hazviite, he will tell you kuti iwe im a Christian like you. iro statement rekuti I am a Prophet like you, mudhara uyu arikuedza kuudza mumwe wake kuti shamwari, there is nothing special about you, gift yauinayo ndinayowo futi. Mumwe mutendi chaiye can tempt you achishandisa statement irori iri, ndiri Pastor sewe, regai kupusa munhu waMwari, vanhu ngavakupei mari ava muri kuvaregerera. ndiri muChristu sewe, usajairirwe naMai nhingi, tell her where to get off. ndiri munhu waMwari sewe, hapana chakamboipa kuti uite small house. the enemy from within anoda kukuisa muSame bracket naye zvekuti

unosvika paPoint yekuti unoti haa shuwa he is right, she is right rega ndiite zvaataura. We are all the same. Munhu waMwari anyatsoudzwa kunzi rega kudya kana kumwa mvura but here comes another Old prophet with a different message. Bible rinoti kuna Galatians 1:8 But even if we (or an angel from heaven) should preach a gospel contrary to the one we preached to you, let him be condemned. kunyange isu kana mutumwa anobva kudenga akaparidza vhangeri risati riri ratakakuparidzirai, ngaatukwe nokusingaperi! muChurch umu mazara vanhu vanoparidza vhangeri rinopesana neShoko raMwari, iye Mwari vachiti turn left, iye anenge achiti turn right. Ivo Mwari vachiti dont eat or drink, but iye Old Prophet arikuti eat and drink. But Bible rati even if an angel preaches a different message, let him be accursed. But hona manje zvakaita munhu waMwari, he fell for the lie, kwakuterera old prophet instead yekuterera Mwari. Rega kuva munhu anoterera Mufundisi, Bishop, Apostle, Prophet, etc kupfura Mwari. Let GOD be above everyone, avo vese avo vanhu venyama they can lie to you just like zvakaitwa naOld prophet to the Man of GOD. so iva munhu anoterera Mwari more than vanhu vaMwari. Im not saying usaterere vatungamiri but ndiri kuti kana Mutungamiri akaparidza vhangeri rinopesa neShoko raMwari then iwewe sarudza kuterera Mwari than kuterera munhu. Take this example, David akaudza Prophet Nathan kuti ndinoda kuvaka Temberi yaJehovah, zvikanzi naProphet go ahead uite zvese zviri muMoyo mako Mwari anewe. But Mwari vakazoenda kuna Prophet vakamuti enda unoudza David kuti iwe haungandivakire temple. (2 sam 7). Nathan was a true Prophet but anoudza David kuti vaka hako Temberi Mwari anewe, but ivo Mwari vachiti kwete usavake. so nyaya haizi yekungogumira pane zvinotaurwa naProphet, Bishop, Pastor, Apostle etc etc but ndezve kunzwawo kuti Mwari wacho ari kuti kudii.shuwa Prophet vanogona kukupa go ahead but ivo Mwari vachiti stop. Mufundisi vanogona kukupa advice based on experience yavo rather than on what GOD wants, so chikuru gona kuita hukama naMwari hwakasimba zvekuti unopota uchibvunza ivo Mwari vacho direct. Im not against any Minister, Its good kuterera nekubvunza vanhu vaMwari, but its far much better kupota uchibvunza Mwari wacho through prayer kuti unyatso bate zvokwadi. An enemy from within, Jeroboam akatadza kukanganisa munhu waMwari but the old prophet akazvigona. Hongu pfambi dzekubhawa dzinogona dzakatadza kukupinza muhupombwe mazuva awaidhakwa, but iwo madzimai emuChurch iwayo can lead you into adultery. hongu boys rawaitamba naro kumaraini vakatadza kukupinza muzvinhu zvakaipa but ana brother vemuChurch can push you into bad things, hongu maFriends ekunyika vakatadza kukupinza muLife yemaSugar daddy but ivo vasikana vemuChurch ivavo can push you into it. there is an enemy within the camp, paita muvengi pakati pedu.

Munhu uyu haana kunzi False prophet but anzi Old Prophet, muporofita mutana. Zvichireva izvo kuti he is a Prophet of Jehovah. Hatina kuudzwa kunzi ainge achiri kuporofita here kana kuti kwete zvichida maybe akarasa network but he is still a prophet, but hona anoita tsika yekunyepa. So you can meet someone anotonzi a Prophet, Evangelist, Pastor etc but chinangwa chake hachina kumira mushe, akaLoader manyepo mukati. Old Prophet munhu ane experience nezvinhu zvaMwari since he is old, so anogona kukushandisira experience more than revelation yabva kunaMwari. there are people vane experience neshoko raMwari zvekuti they can twist it to mislead you, rinogona kumonyororwa Bible zvekuti wega unofunga kuti yaaah this is correct but iwo ari manyepo. So kana iwewe usingazivewo shoko raMwari uri paTight, because kana rakashandiswa zvisirizvo you wont be able to know kuti is this wrong or right. Zvakuda kuti ugare uri munhu anoverenga shoko, meditate on the word of GOD zvekuti if someone tries to twist it, unogona kuzvibata faster faster. Imwe mistake yakaitwa nemunhu waMwari, after audzwa kunzi lets go back home kunodya. He never took time to ask GOD, haana kumbobvunza Mwari through prayer kuti Nhai Ishe ichokwadi here kuti mati ndidye zvangu. After being convinced naOld Prophet he just listened instead yekuti abvunze Mwari kuti ichokwadi here ichi. How many times paunoudzwa zvinhu zvinopesana neShoko raMwari but you dont take time yekunamata uchibvunza Mwari kuti ichokwadi here chiri kutaurwa nemunhu uyu. hongu old Prophet vataura zvavataura, but pindaiwo paPrayer munhu waMwari mubvunze Mwari wacho kuti ichokwadi here ichi chiri kutaurwa nemutana uyu. Hongu mufundisi vataura havo zvavataura but pindawo paPrayer ubvunze Mwari kuti is this correct. Problem ine vanhu vazhinji ndeye kuti akanyaya kubatwa neChurch doctrine more than Shoko raMwari ndosaka uchimunzwa achiti church yedu hairambadze chakati nechekuti. Church yedu inobvumidza chakati nechekuti. O.k. watiudza nyaya yeChurch yenyu, ko iye Mwari anoti kudii pamusoro pechinhu ichocho, what is GOD saying about that thing what is the Bible saying about that thing. Hongu Old Prophet vati idyai tsano, but Mwari varikuti kudii. Hongu church yakupa green light but what is GOD saying. Hongu shamwari yako yaunopinda nayo church yati its o,.k but ko Mwari varikuti kudii. Dai tagona kuterera Mwari more than kuterera vanhu. Kana vanhu vachinge vaparidza shoko rinopesana neshoko raMwari, let us choose to follow the Word of GOD than the word of men. Kana wapihwa zvima explanations or huTheology theology zvinokuvhiringa, pinda muPrayer and ask GOD for answers, nekuti vanhu vachenjera ufunge, unogona kushandisirwa zvima greek words, maHebrew words, ugopihwa rimwe ziDefinition rinokutenderedza musoro zvekuti unosara wava neConfusion. You can be misled nevanhu vakachenjera, so rega kuda kuthemba

nepfungwa dzako but pota uchibvunza Mwari kuti is this true. Jeremiah 33:3 inoti Call unto me, and I will answer thee, and shew thee great and mighty things, which thou knowest not. Mwari vanotoda kuti uzive zvokwadi, so pota uchivabvunza zvausiri kunzwisisa than kukabira zvese zvese. Initially ndichirevenga nyaya iyi ndakafunga kuti inokwana pa1 sermon, but ndichitnga kuyiparidza ndakaona kuti inoda 2 maParts but right now ndatoona kuti inotoda part 3, so kwanhasi togumira pano, and mangwana we go on to part 3. Mwari vachinditungamira, part 3 must bring a conclusion but kana ikatadzawo I will keep on continuing kusvika Mwari pavenge vandisvitsa. But the main point from Part 2: kana ukanzwa shoko rinopesana nezviri muBible, rega kungokabira but bvunza Mwari through prayer. Terera Mwari more than kuterera zvinotaurwa nevanhu.

Makuhwa mu Church

Options for this story Nhasi ndiripanyaya yebonde. People tend to relax and overlook sex issues especialy when they get married. Kutaura chokwadi bonde ndorinoita kuti r/ship igare. Mumba mukaita nhamo, mukashaikwa chikafu, school fees etc asi bonde ririmo, mukadz anoshingirira asi mukawana zvese bonde rikaita lack, ummmmmmmm panonetsa. Its not because vakadzi vanoda bonde stereki but its because they feel and knw and believe kuti we man need sex mo than anything else so moment yaunotanga kuita weak, paunotanga kurova one round paweek, paya paunotanga kustragola kepedza one round, paunotanga zvako zvekuti tofo tofo forototo, paunenge wakaneta everyday, paunoshaya apetitte mwedzi wese she wont believe kuti its true but she wll think kuti u r getting it from somewhre else. She feels useless and mostly anotanga kuhura as a revenge to wats hapening. Ndinonzwa hangu vamwe varume vachitaurirana. Hanzi iii dog staira haiite kuti uirove nemukadzi wemumba. Hanzi ah staira iyoyo yakapenga bt haizoiti kuti uiite namai mfana. Hanzi mukadzi wemumba haaite kupeta so. Ok fine. Unofanira kuiita nani staira iyoyo? Unofanira kupeta ani? Ok ko kana mukadzi wako iriyo yaanoda anofanira kuiitwa nani? Nokuti chinonaka chinodiwa nemunhu wese. Pabonde usarespecta munhu. Haasi mwana wamai vako. Zvacho zvaunoti handingaiti naye ndozvaanotoda ende ndozvaachandotsvaga kunze izvozvo. Ende kunze haanzwirwi tsitsi aiwa. Anondopetwa zvokuti ukamusvikira unotadza kuona kuti gumbo nderipi musoro uripapi, iye aripapi. Unofunga kuti angakanganwa zvakadaro iwe uchingomuti everyday chegotsi. Everyday rara nemusana. Please pabonde do whatever u can do, do whatever u know, try whatever possible, nemukadzi

wako iyeye. Ita zvinoita kuti asakucompeya naex wake. Chero musi waanofunga kuhura ngaashaye chitsva. Make her find nothing new and no reason to fuck around. Nemiwo vakadzi let hm find no reasn to leave u for another woman. Rega ahure neshavi rakewo kwete kuti murume anohura coz u r lacking something. Communicate naye. Tell hm wat u want and ask hm what he wants. Mogezawo, mogera, mogara murismart muchinhuwirira. Movabikirra zvinonaka, kusunungukawo kuti ashaye musiano wenyu naSusan. Mukadaro, munochembedzana

Makuhwa mu Church

Options for this story An Enemy from Within (Part 3) Scripture reading 1 Kings 13:7-25 Combi kana achiLoader paMushika-shika (Panzvimbo pasina rank pasingabvumidzwe) do you know kuti mapurisa eKanzuru or eZRP anouya ari muCiv, vakapfeka hembe dzekumba and anoita sePassenger, he hets into the car, once avamo mukati ndipo paunozumunzwa achiti ehh driver wasungwa and he produces his I.D. car. Haaburitse I.D. ari panze peCombi or kutaura mashoko ekuti driver wasungwa but anomirira kuti atange apinda mukati. iwewe saHwindi unenge uchingoti he is just a passenger pawamuona achipinda nekuti anga asina uniform but you will be surprised kuzoona achiti masungwa, and even driver akada kutiza zvinonetsa because officer vagara vatopinda muCombi kare. You have entertained an enemy, matendera kuti muvengi apinde muArea yaasingafanire kupinda. Im not saying kuti mapurisa are enemies but ndiri kuda kubitsa point yekuti once you allow someone into your radius of trust, then that person can take advantage of your closeness to bring you down. Just like nyaya yaMunhu waMwari watiri kufamba nayo, akaudzwa naMwari kunzi rega kudya chingwa or kumwa, but he failed kuterera shoko iroro nekuti he allowed the Old Prophet kutambira pedyo naye akagamusira amunyepera kuti Mwari vakabvimudza hako kuti idya chingwa and imwa mvura. An enemy from within. Aripo mumwe murume akanzwa kunzi maTsotsi anetsa murokesheni, iye akati solution yangu regai ndiise maBurglar bars, but akashamisika kungoona property ichipera mumba 1- 1 nekuti asiziva kuti 1 wematsotsi anetsa was his own son. Hongu maBurglar bars maisa zvenyu baba but mune imwe mbavha yamakachengeta mumba imomo, anopota achitora zvinhu achitengesa. There is an enemy from within. So muChurch tinogona kuita same problem yekuti pane muvengi pakati pedu, there are wolves in sheep clothing, there are agents of the devil pakati pedu. Anotopfekawo uniform yeChurch but moyo wake akapfeka bhachi rekwa satan. Atorine chigaro muChurch but moyo wake

wakagarwa nasatan. ndiMufundisi but havasi kufundisa zvaMwari vari kufundisa zvasatan. There is an enemy from within, kune muvengi aripo pakati pedu, and we need to be careful. Ukaverenga the parable of tares iri pana Matthew 13:24-30 unoona kuti muvengi haana kuuya kuzodzura mbeu yakanaka but akauya kuzomwaya mbeu yesora, inoder to cause confusion. So even nowadays muChurch munogona kuita imwe mbeu yakaunzwa nasatan kuzovhiringa programme and we need to be on the look out. Munhu waMwari after he was convinced by the Old Prophet kuti hanzi handei kumba so that we can eat, akabva apinda muRoad vakananga kumba kwemuporofita uyu. vakasvika kumba zvakanaka vachibva vagara patafura and they started to eat. Iye Mwari ataura kuti rega kudya but iye ava paTable and he is eating. Idzo nyaya dzinenge dzichitsva, muchizora butter paChingwa, neJam plus dovi pamusoro. We dont know kuti munhu waMwari anga ava nenguva yakareba sei without eating zvichida nzara inenge yarova zvekuti anonyatsonzwa kufara achidya chikafu yet iye Mwari vati regedza kudya. Shuwa unogona kutonakirwa nekutyora shoko raMwari, almost every sin is exciting, chivi chinokidza ufunge but maEffects acho ndiwo anovava. You can be mislead nemurume/mukadzi/sister/brother vemuChurch kuti muite hupombwe, and it can be exciting but mhedzisiro yacho ndiyo ichavava. You can be misled nemumwe mutendi kuti muite madhiri akaipa and zvinogona kutonakidza for sure muchidya maProfits acho, but mhedzisiro yacho ndiyo yakaipa. You can be mislead nemushumiri anoparidza vhangeri rinotapira, munenge muchinakirwa henyu, but mhedzisiro yacho is hell. Munhu waMwari vainakirwa patafura but tarisa zvakazoitika kumberi. Old Prophet vakaparidza vhangeri reEating kumunhu ane nzara. Hakuna sermon inotapira sekuudzwa kunzi huya udye apa uine nzara. Old Prophet vakagona kuparidza vhangeri rinofadza munhu waMwari but richiita kuti vatadzire Mwari. Chenjera hama pulpit yazara vanhu vanogona kuparidza vhangeri raunoda kunzwa iwewe rather Mwari ravanoda kuti unzwe. Old Prophet vakaita research vakaona kuti munhu uyu haana kudya so ane nzara, let me preach to him vhangeri rekuti huya udye. There are people vanogona kukuparidzira shoko based on their research rather than based on what GOD wants. Anoita research yake obva aona kuti marovha akawanda stereki, uyo obva agadzira sermon, bring a 20, hunza $50 so that I can pray for you uwane basa. Anoita research yake obva aona kuti vasikana vari kuda michato, and he goes on to preach, huya nemazai nemukaka ndikunamatire, gore rino unochata chete. Sermon yacho inenge iri based on your needs and wants instead yekuti ive based pane shoko raMwari. Old Prophet vaona kuti munhu waMwari ane nzara so regai ndimudeidze paDen kuti adye. But hona manje that invitation yekunzi handei kumba tinodya irikupesana neShoko raMwari yet irikubva kuna prophet

There are some invitations anogona kuitwa nevatendi but achipesana neshoko raMwari. You can be invited kuti handei kuParty tinongoita 1-1 maBeers, and 1 becomes 2, 2 becomes 3, 3 becomes 4, kusvika madhakwa. You can be invited kunzi handei kumba kweFriend yangu nemukomana wako but iye aine zvaari kuda kuita kana masvika ikoko. You can be invited nemusikana wako wemuChurch chaiye kunzi huya kumba kwedu vabereki havako, and uine yawakarongerwa ikoko. And its very difficult to turn a down an invitation inobva from another Christian whom you trust than invitation inobva kune munhu wemunyika asinganamate. Thats why uchiona kuti Jeroboam haana kukwanisa kurasira Munhu waMwari but the Old Prophet succeeded. There is an emeny from within, anoda kurasisa vanhu. Vari pakati pekudya then the Word of the Lord came kune muporofita wekunyepa uya uya. Mwari vambenge vakanyarara all along muchizora butter paChingwa, muchisa maAvocado, maOnion, madomasi, pakati peChingwa nemaJiggies ipapo futi. Up until GOD spoke. Hongu right now munogona muine zvinhu zvamuri kubata muchinakidzwa, ivo Mwari vachiita kunge vakanyarara but rega ndikuudze kuti GOD sees everything, kana uri mumwe dai wasimuka patafura apa ureurure kunaMwari uchikumbira rureregero. Get up from that sinful table. Simuka mune zvakaipa zvaungave wakapinzwa nemumwe mutendi, get up chisati chachaya nekuti any time shoko raMwari rinogona kungodzika, any time Jesu anogona kungodzoka. Shoko richiburukira pana Old Prophet, he cried out achiudza munhu waMwari uyu wekusatera achiti Zvanzi naJehovah, zvausina kuterera muromo waJehovah, ukasachengeta mirayo wawakarayirwa naJehovah Mwari wako, ukadzoka ukadya zvokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako apa imagine shoko rinogona rakauya akabata chingwa achitoda kudya. Be very careful Jesu anogona kudzoka iwe wakabata small house yako yemuChurch, wakabata mari yemadhiri ari illegal awakaita namuDeacon, wakabata crango yawapihwa neBrother vemuchurch. Munhu waMwari achipedza kudya akabva apinda paRwendo rake kuti achidzokera kumaraini kwake. Achibva apihwa donkey rekuenda naro by the old prophet. And ari munzira akasangana neShumba, it attacked and killed him. Hona chinhu ichi, shumba iyi chaituma kuti iuraye munhu waMwari haizi nzara, nekuti dai iri nzara dai yakamudya but yakamuuraya chete and ichibva yamira paside pechitunha. Shumba nekukara kwayo haina kudya munhu, yangaouraya ichibva yamira zvayo paSide. As a testimony yekuti nyika yese muone kuti izvo hazvisi zvega izvi, dai akadyiwa taigona kuti haaa yanga iine nzara shumba, but kusadyiwa kwake kuitira kuti nyika yese ione kuti this not just an ordinary lion attack but pane nyaya. Ukaverenga 1 Peter 5:8 unonzwa satan achifananidzwa neshumba inowomba

(Be sober, be vigilant; because your adversary the devil, as a roaring lion, walketh about, seeking whom he may devour). ngatingwarire hama, the enemy from within can open doors for us to be attacked. Satan inyoka and nyoka ine tsika yekuruma chaisingadye. Just like zvaitwa neshumba iyi yaura munhu but haina kumudya. Zvakuda kuti uvimbe naMwari, zvakuda kuti uve neGift of Discernment inouya nekugamuchira Mweya Mutsvene kuitira kuti ukwanise kuSeperator the devil from GOD. ugone kuziva kuti iri igava iri rakapfeka dehwe raHwai. We are now in the last days and the devil is using any tactic he can to mislead people and you need to have a strong relationship with GOD kuti urege kurasika

Você também pode gostar