Você está na página 1de 64

[23/05 20:18] Blexii:

*munhu uya adzoka!*

*MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 01*

(The knock) *ko ko ko ko ko*.........


(The knock again) *ko ko ko ko ko ko ko ko*.

Bbe....bbe...pane arikunoka padoor.

*ummm asi murikuvhumuka kan ddy, indava kungonzwa zvenyu mega mega*.

Serious bbe ndainzwa 2 tyms dzese pachinokwa.

(The knock again) *ko ko ko ko ko ko*

Wainzwaka wange urikut ndrikunyepa.

Hama wadiwa hana yangu yakarova, koo ainokao padoor aiva ani nguva dzakadaro. Dzimwe
pfungwa dzaindit daira dzimwe dzichit usadaire siya zvakadaro. Munhu wandakatanga kufungira
kut ndiye ari kuknocker door aiva Simon. Simon ainge anetsa mumaraini nenyaya yekushanyira
vakadzi vanogara vega achida kuvabata chibharo. Ini vanhu vese vaingoziva kut nguva zhinji
ndenge ndri ndega, madhiri andaiita kana murume vangu asipo hapana aimaziva coz ndaiita
husiku. Saka knock iyi ndakatofungira kut ndiSimon chete, nhas afunga kumbozama pano.

Munhu wepiri wandakafungira murume vangu. Asi chakandinetsa ndechekut pese paaiuya
aindifonera kut nhas ndrikuuya. Kana ari murume vangu why nhas auya asina kumbondifonera,
asi pane akamuudza kut bbmn ndivo varikusara vachiita daddy kana iye asipo?. Madeals edu
bbmn taiita husiku saka hapana aitombozviziwa. Nguva zvedi yakange yareba murume vangu
asat auya kumba achit basa riri kuwandisa saka ndakafungidzira kut anogona kuva iye but
pakusafona apo ndopaiti ndidoubte.

(The knock again) *ko ko ko ko ko ko*

Apa hana yakat wedzerei kurova zvisingaiti, ukuo bbmn vakabva varamba vakangonyarara.
Ndakatanga kufunga kut kana ari murume wangu zvedi koo bbmn ava ndovahwandisa papi imo
mumba macho maisava kana nebed maingova neform rubber 10inch. Hembe dzaitogara muma
monach dzimwe pamutariko ndaisava newardrobe. Ndakat regai ndidaire ndinzwe kut ndian
ndokubva ndadaidzira kut *ndian?*.

Ndakanzwa inzwi remurume wangu richit *ndin Welly...,vhura door bbe*.


.

*End of Chapter 01*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 02*

Ndakaita kupera simba, ndakashaya kut ndozviiita seiko nhas. Rina manyanga chokwadi
hariputirwe, gava range radambura musungo, change chatobvondoka. Ndakaona kuparara
kwemusha wangu asikana. Ndakatora fon yangu kut ndilyte but ndakatadza kuziva zvandaiita
ndatoshaya kut ndobatidza cei lyt refon. Ndakaona future yeupenyu hwangu ichiuya mupfungwa
mangu, zvechokwad ndakange ndazviparira kuya kunonzi kuigochera pahutsi. Ndakaona nhamo
yatondimirira ndikaona nyadzi dzandimirira ndikaonazve kuva chiseko chenyika kwandimirira,
zvese izvi zvaiuya pamwe chete mupfungwa dzangu. Mibvunzo ichiitao kunaya , saka ndichaitwa
cei, ndikadzingwa nchaenda kup iko kumba kusina anondida, koo vana vanyamunhu vachaita cei,
koo vakarwa ndinobata ani, koo vakakuvadzana umwe akafa, ndozozvitangirao papi ini.
*koo nhai bby ukuya ere*, ndakatoita kuvhunduka coz pfungwa dzangu dzakange dzave kure.
Ndakachikwinisao kulyter touch yefon ndikatoona bbmn vakatorara zvao sevari mubedroom mao,
koo aida kudii zvake imo mumba macho paisava nepekuhwanda. Ndakasimuka ndikaenda padoor
apa ndaive ndakangopfeka pent chete. Ndasvika padoor ndakat *heya heya welly*, iye ndokutio
*yahe yahe bby*. Iyi yaiva communication code yedu yataishandisa kut tinyatsozivana kut uyu
mumwe wangu chaiye. Ndakakinura door apa maoko achiita nhetemwa nekutya, ndakavhura door
ndiye dhuma dhuma nemurume wangu. Apa ainge auya nemazigirosari hobho hameno kut ainge
amboita matakurirei zvinhu zvakawande kudaro.
*He-e-es ddy koo kusandifonerao kut mu-mu-murikuuya*. Welly akabva abatidza rimwe zitouch
raaiva naro ndokuvheneka, asikana ndakakaita kuvhunduka ndichidedera ndokubva ati *chii
chrikuitika?, ukutyei hee*. Ndakabva ndazvibatisao ndega askana, ndakabva ndacheuka kutarisa
mubedroom apa kafon kachibva kadonha. Welly akabva ati *asi mune arimumba kan, suduruka
ndione*. Ndakaitwa kusundirwa uko ndokubva ndatiza ndikanomira panze nechekure.
*Leah bbmn varikudei muno*, ndakapindura ndokut *vauya kuzorara nen nhas coz nezuro
ndakanokerwa padoor husiku saka ndange ndichitya kurara ndega*. Ndakaona shasha yakubuda
badoor yakanditocha ndokubva ati *hoo auya kuzoita security guard wako mochirara musame
blanket usina kucheka zvawakaita, iye akapfeka kashort chete*. *Leah apa wandiratidza wega
hunhu hwako, manje ini handina tym yekurwa nemi kana kuita cei, ini ndaenda mosara zvakanaka
musanditsvake*. *Mafana waita boe ndaisakufungira kut ungandidaro, anyway musare zvakanaka
usanditsvake hako bye*.

Kutya kwese kwandange ndiinako kwakapera ndikamhanya kunobata Welly ruoko. Ndisat
ndataura anything ndakaigadzikwa mbama ndikaona nyeredzi kut tai tai, ndakanzwa akut *usada
kundijairira wanzwa, tsek hure remunhu*. Weduwe ndakatoona kut munhu ari serious, kubvira
pandakatanga kugara naWlly akange asat ambondituka asi musi uyu ndakaona kut zvinhu
zvachinja sure. Ndakaedza kukumbira ruregerero but ndaitopedza tym, welly akatakura grocery
rese rainge auya naro ndokubva arova pasi usiku ihowo hameno ndekwani kwaiendwa.
Ndakasara ndakagara pakat pemukova, apa misodzi ichiyerera. Chokwad dai ndakaziva
haitungamire musha wangu ndiko kuparara kwavakaita.

Ndakaona bbmn amira pamberi pangu ndokubva ati *bby simuka tipinde mumba*. Ini nesimba
racho ndainge ndisisina ndainge ndoremerwa nepfungwa. Koo mwana aiva mudumbu ainge
achazochengetwa naani, koo bbmn wari kufungei nezvangu wachabvuma kugara nen ere for evr
ini ndrimukuru kwavari. Koo vakandiramba nchaita cei, ndichabyarirepi inin, zveshuwa ndin
ndainge ndaparadzanisa vana vanyamunhu hukama pakange pasisina. Bbmn akandibata ruoko
tikapinda mumba ndokurara hedu. Bbmn haana kumbotaura zvakawanda akangondit *dnt worry
bby, handikusiyi ndichamira newe kusvika mukufa*. At least mashoko ake akandirerutsao stress
yangu, asi hope hadzina kuuya. Mafemero aiita bbmn ndaitonzwa sevari muhope nangisa tese
taitodzishaya, koo dzaida kuuya sei pakadaro, umm zvakaoma asikana. Ndakanzw bbmn vakut
*xaa hope dzacho dzriramba kubata nxaa*, vaitaura vachipidimukira kwandiri vachibva watanga
kundikissa vachindipuruzira, ini ndikabva ndaresponder back. Stress yese ndokuita disappear
rudo ruchitsva.

*End of Chapter 02*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 04*

Ndakafumira kumuka ndikasuka ndiro dzangu ndikacleaner mukitchen. Sezvo vaiva mus
wesunday ndainyatsoziva kut bbmn vanoswera pamba hapana kwavaivanzo enda sezvo
vaisanwa doro, pluz mapiece job awaiita vaisashanda musi wesunday. Dai kukoshesa zuva
resunday kwavaiita vaizotonderao kuti kuna musiki, zvino kwangova kuzvipa zuva rekuzorora
chete. Ini ndaiita ndichinamata ndega hangu kunyanya panguva dzekurara. Saka mus uyu
ndainge ndazvipira kupinza bbmn pamiyedzo kkkk asikana kushaya mbereko kwakashata
unopedzisira wakuita nezvausingadi kut uitei chimwana chako. Ini hangu handina kumboda
kutsvaka mimba kure kwese kunze uko. Ndakaona zvrinane kut nditrye pana bbmn kuitira kut
mimba ikabata mangwana hazvizonetsa coz mwana anenge angorine mutupo umwe nevemurume
vangu, saka hapana chaizombobatwa unless paine afumura hapwa btwn me n bbmn. Bbmn
wacho dzaiita sedzisingadio mabbe coz hapana pendaimbomuonao akamira nemusikana kana
kumunzwao achitaura nezvemusikana wake,, ndakatoona kut bbmn vanenge vanorova ndega
ndonaka saka moto waiva muzhinji semunhu asat amborara nemukadzi.

Ndakanzwa bbmn vakukosora kosora ndikabva ndaziva kut vamuka vaakuda kubuda. Door
rekitchen rainge rakatarisana nevaranda, saka bbmn hapana pavaimbonzvenga napo. Ini
ndakabva ndanogara zvangu padoor rekitchen chaipo ndakatarisa kuvharanda ndokubva ndagara
ndakaita kuchonjomara apa ndainge ndisina kupfeka pent saka nyika yese yaiva pamhene kkkkk
bbmn ndainge ndavarongera kani. Ndakatanga hangu kutamba nekafon kangu
ndisingatombogaye zvangu kut kuneyi. Ndaingonamatira nechemumwoyo kut pasamboite anoti
gogogoi coz madeals ese aibva apinda musango. Aaah tym yakafamba apa bbmn haangabudi
ndakatanga kubhoikana mufunge, munoziya soo kana urikuteya tsoro dzako wachimirira kut
zvaurikuda zvichiitike woona pasina chrikuitika apa curiosity inenge yakukuvadza kkk
zvinongobhowa asikana. Ndakasvika pakuvarairwa ndave kutonakidzwa negame randaitamba
pafon ndokubva ndatokanganwa kut ndrikuteya bbmn ndokubva ndatodzikisa makumbo angu.
Ndakazoita zvekuvhunduka ndichinzwa door rake rave kukinurwa ndikabva ndakasikira kugara
deya rangu riya. Ndakanzwa tsoka dzake kufamba, hanty munongozivao kufamba kwemunhu
abva kumuka anenge achidhonza makumbo kunge anambuya dhegu. Ndakanzwazve door
redinng kukinurwa ndikabva ndaziva kut ndokutobudaka uku kwabbmn. Ndakazvidongorera
ndikanyatsoona kut zveshuwa nyika iripamhene zvayo bbmn waizotomedzera mate chete.
Ndakabva ndaita serious pafon apa tudikita twakatanga muhapwa twakatanga kuyerera apa
kahana kachirova. Ndakange ndakungobaya baya fon apa ndisikuziva zcandrikuita ndakatoseka
ndega ndaona ndaona fon yanyora kut *screen shutdwn*. Ndakanzwa bbmn vachivhura door ini
handina kumboda kuvatarisa ndakangoramba ndakatsikitsira pafon, ndakanzwa vachifamba
kuuya ini ndokutonyatsoita serious. Ndakanzwa tsoka dzabbmn dzakusanzwika ndikabva ndaziva
kut vamira, handina kuda kuvatarisa asi kumedzera kwavakaita mate ndakakunzwa coz kitchen
yaiva closer nevaranda.

Ndakabva ndat *bbmn mamuka cei* apa ndaivamhorosa ndakatsikitsira pafon yangu zvangu.
Bbmn vakamboramba vakanyarara ndokuzot *ndri boe hangu koo nhas kwakanaka ere*.
Ndakabva ndasimudza meso angu ndikat *ehe kungaipei zvako bbmn pane chashata ere*.
Ndaipindura ndakatarisana nabbmn, ndakaona bbmn vachirasa rasa maziso kusada kunditarisa
vachibva watendeuka kut vadzokera mumba. Ndakabva ndat *koo makuendep bbmn taurai nyaya
yenyuzve*. Bbmn akabva amira akatarisa pasi akandifuratira kudaro ndokubva ati *aah mudakut
nditarisep nemugariro vamakaita*. Ndakabva ndakasikira kut *aaah sry henyu bbmn*, ndaitaura
ndichigara zvakanakaka. Bbmn vakabva watendeuka vachibva vafamba kuuya mukitchen,
vakasviko pinda mukitchen vakanotara chimunya vakatanga kudya zvao. Ndakatangazve kugaya
kut ndovapinda neipi fut, plan yekutanga ndainge ndahwina coz nyika vange vaiona. Takatanga
zvedu kukurukura nyaya dzakasiyana siyana nguva dzichitofamba.

Ndakatora bucket rangu ndikaenda kutsime 2 tyms, ndapedza ndakapinda mumba mangu
ndikabva ndachinja hembe. Ndakapfeka kanini skirt kangu keblack kaiperera pekaitangira.
Ndakabva ndabuda zvangu nebhavha ndikasoka hembe dzangu 2 chete, koo ndaida kuwacha ere
ndaida kuekitira bbmn. Ndakanzwa bbmn akut *koo nhas gulez murikuzviita cei, musadaro
murikundikuvadza*. Ndakabva ndaseka zvangu ndikat *kkkkk chiiko bbmn hamuskuona kut kupisa
ere nduuda fresh air*. Bbmn vakabva vapinda mumba mavo, ini ndakabva ndatakura bhavha
rangu ndikaenda kuseri kwemba ndikatanga kuwacha ndakafuratira window ravo ndichiwacha
tuhembe twangu. Ndaiita ndichichekerera kukanda kaziso kuwindowa rabbmn , ndakavaona vari
pawindow vachindiyeva zvao i think vaitapirirwa nemagadziko angu coz aitova pamhene nenyika
yacho anenge aitoiona. Ndakabva ndabva ndasimuka ndokutarisa kuwindow ravo ndikabva
ndadhumhanisa maziso navo ndikaona vachimedzera mate. Ndakabva ndat *koo bbmn
kwakanaka ere kungomira pawindow kudaro* .Bbmn ndokubva ati *aah gulez musadaro imim
handichatogoni soo*. Ndakabva ndaziva kut zvangu zvrikufamba, ndakayanika tuhembe twangu
ndokubva ndapinda hangu mudinng. Ndakanyepera kuduster duster ndokubva ndat tym tym
pindikit mumba mabbmn ndisina kumbonoka. Aah asikana.....

*End of Chapter 04*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 03*

Welly ndainge ndakatanga kudanana nae ndrikuchikoro, ini ndaiva form 2 iye ari form 4.
Ndaisambofungira kut rudo rwedu tichaguma taroorana, ini ndaingot ndezvekuxul chete. Welly
akandimirira kusvika ndapedzao form 4 ndokubva tatanga kugara tese maresults asat atouya.
Chakaita kut ndizomhanyire kunoroorwa inyanya yekut ndaishungurudzwa kumba kwedu
munongozivao kuva nherera zvinhu zvakangooma. Ndakaudza welly situation yacho iye
ndokunzwisisa akabva anditoora nemazvo not zvekutisisa zviya. Ndakatambirwa kumba kwavo
zvakanaka zvekut ndakanwao kufara nekusununguka. Mainn vandaigara navo havana kufara
nekuroorwa kwangu coz dhongi ravo raivashandira vachirutuma zvese ndakange ndaakuenda.
Koo pane paaida kundii pamwana asri wake.

Welly akange ari first borne pamba pavo kuchitevera hanzvadzi yake Tresy uyo wandaidzidza
naye kuchipedzisira bbmn Bryn. Bba vavo ainge akashaya vachri kuprimary vese, mari
yekuchikoro haina kumbovanetsa nekut bba vavo aiva mucivil servant. Mhamha vavo akazoshaya
gore rechipiri ndaroorwa mushure mekunge mwana wavo musikana Tresy apihwa pamuviri apa
mukomana vacho achibva atiza. Saka mhamha bp yakavakurira nekuda kwestress vakafuma
wakafa. Mukomana waTresy akazouya after 4 mnths akat ndauya kunotora mukadzi wangu
zvinova zvakatotishamisa. Ndakatodemba kut dai akangomutora mazuva ekutanga iwayo
mhamha angadai asina kufa, but satan akange afamba. Tresy haanao kumboramba akatofara
kwazvo akatobvisirwa nemazvo vakaripisana zvikapera. Takasara tave 3 chete pamba apa
kusvika Welly azowanao basa kuHarare iro raakatscakirwao neshamwari dzake. Bbmn B
vakazopedzao chikoro vakatanga kungoitao chirovha muraini sezvo wainge wakafera O'lvl yavo.
Welly ashanda 3 mnths akabva awakisao ka2rooms kedu sezvo imba hombe yagara ichizova
yelast borne. Kaumba kedu kakapera 1 room yacho ndiyo yakange yasara kuiswa floor saka
ndaishsndisa 1 room chete. Welly akatondishamisa akat mumba medu handis kuzoisa property
yangu yeujaha ndodakut titange zvedu tri2. Ndakaona iri gd idea, takatotanga kurara pas chaipo
kusvika azotenga form rubber.

Mhuri yaana Welly waiti hatina hama, waiti bba vavo akapona ega vamwe vese vakaurava
munguva yehondo, iye akapona nekutiza achibva atoza kwavaigara zvachose akazoshandao
kune umwe musha achifudza mombe ndokuzopinzwao basa kuJailguard sezvo kwaisadikanwa
chikoro panguva yacho. Dzavaitoti hama dzavo vaivao vanhu vemuraini vane mutupo umwe chete
navo. Weduwe kushaya hama kwakangoshata unoshaya anokumiririrao mumatambudziko.

Dambudziko raiva pakat pedu naWelly kwaiva kushaya mbereko. Mhamha wakasvika mukufa
chaimo vasina kubata kamuzukuru. Pamba apa hapana aimboenda kuchurch vaisatomboziva
suwo reumba yamwari, ini pandakasvika zvakatondishamisao ndikatojoinawo. Kushaya kwandaiit
mbereko mhamha vaingondisimbisa vachit zvichaita muroora inguva chete. Ini ndaisatombogayao
zvakawanda ndaitoteedza zvaitaurwa namhamha. Murume vangu aisatomboitao hanya nazvo
aitoona sezvriboe, ndakazofunga kut mayb inyaya yekut haasi kushanda saka arikutoona zvriboe
kugara tri2 chete. Ndakazova nekushungurudzika nekuda kwekushaiwa mwana ndokubva
ndaruka zano rangu. Ndakagaya kuteya bbmn kut varare nen and hapana pendaizovapotsa coz
taiva 2 chete kunyangwe ndainge ndaakurara kukamba kangu. Chandaida kuona ndechekut ane
dambudziko pakat pedu ndiyan ini naWelly. Saka nerimwe zuva ndakamuka ndatoplanner kare
kut bbmn ndovahwina cei.
*End of Chapter 03*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 05*

Zveshuwa bbmn ndakange ndavakuvadza, pavakandiona ndichipibda muroom mavo


vakavhunduka zvisingaite but hapana action yavakakwanisa kuita. Bbmn vaitorova ndega
ndonaka, kkk hama maoko, apa vainge vakaita kudzwinzinyira vakatarisa mudega. Inio ndakabva
ndafara kwazvo coz zvandaida apa zvakange zvaakuchiitika. Ndakasekerera ndakamira padoor,
ndichibva ndafamba 1step ndokutendeuka ndichivhara zvangu door slowly ndichiita kuwainira lyk
dancing pole babes. Ndichingopedza kuvhara door ndisat ndatendeuka kutarisa kuna bbmn,
ndakanzwa ndabatwa muchiuno nabbmn. Ndakanzwa ropa kumhanya mhanya wena nemufaro,
koo vaidao kudii pamiedzo yakadaro kunze kwekutobata munhu. Weduwe bbmn waiwa pahasha
chaipo mubatiro wawakandiita ndakanzwa kunakirwa kusingatsanangurike. Madzimai mufunge
henyuka kubva mus uyu bbmn akange ave kurara kumba kwangu unless murume vangu varipo.
Maskat taiita kunge hanzvadzi nehanzvadzi comes nanheru aaaayas hazvitsanangurike zvaidao
kut mungozvionere moga nemeso enyu. Kunaka kwazvo murume wangu akabva auyao just after
a wk ndavakurara nabbmn, saka proof yekut ndiye muridzi wemimba yaiva clear. Umm
chimbopafungai madzimai kut unocheater mudiwa wako wewakazvitsvakira wega uchit *until i die
ndichikuda*, womufadza nemimba isiri yake kkkk isisu vakadzi zvatinomboita soo ini dai hupenyu
hwaidzokororwa ndaisada nekuzviita kana kuzvinzwa coz zvakandiparadzira musha wangu. Kune
varume mudzimba umo ndinot *zvenyu varume munochengeteswa vana venyu*.

Rina manyanga hariputirwi zvachose, vamwe vanhu havaitirwe zvakadaro vanoita sevanorota
sevanonyumwa sevanooneswa, hameno chii chinomboitika so kumumhu. Thats why kwakanzi
*munhu has no gud*, akarara anorota, akasvinura anokuona, akatofa worse anoita chipoko.
Kwandri hangu kana munhu akasvinura ndoona zvrinane coz ndoreader mind dzake ndobhaiza
bhaiza kkkk, haikona kunditedzerera asikana kkk munobatwa. Kutaura pachokwadi welly
ndaimuda asikana asi kushaya mbereko ndokwakakonzeresa zvese izvi. Madzimaika kana
mafunga kutsvaka mbereko kuna bbmn pliz itai ka1 kana ka2 chete morega coz kuzoramba
muchingot pamaona mukana moita, ndipo pakuzobatwa. Ehe bbmn vagara vanotonaka handizive
why kana muchifunga kut ndrikukunyeperai try it but pliz *musabatwe*, uyezve kana mazipirwa
musarambe muchida kuzipirwazve coz ndidzo nzviro nzviro dzekuzobatwa. Kunyangwe hazvo
stress yese yandaiva nao yange yamboraswa nebonde ratakaita nabbmn Welly abva kundioneka,
kuchingoedza evrything came back. Bbmn aingoramba achindishingisa achit *dont wrry bby
mwana ari mudumbu ndewangu saka papi pacho pandingakusiya wega, u a now my wife forever
and unondiitira xaa ndiwe une yese, blaz havaziwe vanhu vanerudo mhan vakapusa*.
Kuzondidaro umm ndaibva ndanzwa kut zveshuwa bbmn akanakirwa neni, plus arikutondida hvy,
ndaibva ndasekerera zvangu.

Koo kumbotya ani zvedu isu tainge tasara tri2, bbmn akange asarenderwa mukadzi nablaz.
Tainge takuchiita hwaSolo naMutsai paGutu apo, papi pacho pandairega kushaina nabbmn iye
bbmn wacho aindida. Bbmn anova baba vangu vanova vakandirera kusvika ndakura vakafona
vachindituka. Madzimai ndakatukwa zvichinzi *uri hure remwana haunyari kundinyadzisa, manje
kuno handidi kukuona gara ikoko kana ukadzingwa ikoko uchaona kwekuenda*. Handina
chandakakwanisa kupindura, baba vangu fo sure ndainge ndavanyadzisa, ndakaziwa hangu kut
welly ndiye aiva awaudza hapana mumwe. Ndakazongozvishingisa ndikat nechomumwoyo
*aslong ndirikudiwa neridzi wemimba*. Guhwa rakambofamba mumaraini asi isisu hatina
kumbozviteedza, taitowedzera wena, hanty ndivo vaitipa manyemwe. Vana muzvina guhwa
wakagumisira wanyarara watoona kut nyaya yacho haisisina value coz evryone ave kuzviziwa
pluz isisu wacho hatis kumira.

Aftr 3 mnths welly aenda kwatisina kumbofa takaziwa, ndakasununguka kamukomana kangu
tikakapa zita rekut Tafadzwa. Bbmn vaingoita mapice job mumaraini hupenyu hwedu huchitofaya.
Tafadzwa ainge akafanana nababa vake zvisingaiti, hapaimboda kubvubza kana kudii waingoona
wega kut uyu ndiBryan junior. Takagara for 2 yrs nekamwana kedu, Bryan achibva ati adaidzwa
neshamwari yake kubasa kuharare. Ndakarwadziwa kut ndave kusara ndega, ndichifarazve kut
daddy avana basa rineo mari yakawanda.

*End of Chapter 05*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*


*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 06*

Bryan akadaidzwa hake kubasa asi kutaura pachokwadi ndakaona achinetsekana, aisada
kundisiya ndega pamba apa but pakanga pasina yekutamba. Koo aigodii hake iye aidao mari.
Ndakasiwa mumba mungorine chikafu chishoma zvekut chaisatombopedza mwedzi. Ini zvekuita
maricho ndainge ndisat ndambozviiita, ndakatoona kut zvinhu zvaakutosunga zvino.
Ndakazvishingisa ndikat nechemumwoyo *kunze kunonyanyo sviba kwave kuchena*. After 2 wks
Bryan aenda kubasa upfu mumba wakabva wapera, ndakambofunga kunokwereta mumaraini but
ini zvekukwereta ndainge ndisat ndazvijaira. Nxt day yacho ndakamukira kufamba mumaraini
ndichitsvaka maricho, ndakaitao luck ndikawana pendakanzi ndishande for evryday but ndichirara
kumba kwangu. Basa raivapo raiva rekuchengeta vamwe gogo vainge vakabva kustroker saka ini
ndaiswera navo then manheru vana vechikoro vanenge vadzokao. Mai vepo aiva teacher saka aiti
akamborara pamba mamwe mazuva orara kychikoro. Ndakaona kut Mwari zveshuwa wane
nyasha neni, ndainge ndaakuwanao kamari kangu. Mwedzi powakapera ndakapiwa mari yangu
yaienderana ne2wks dzandainge ndashanda. Bryan akandifonetao akat ariikuya umm ndakanzwa
kufara weduwe.

Manheru acho Bryan akabva asvika apa aibfe aine mazigirosari, ndikatomubvunza kut why usina
kut ndiuye kunokytambira akat handide kukutambudza bby. Takawa nenguva yakanaka funny that
day coz tainge tasuwana zvisingaiti, mwedzi 1 kuita kunge gore. Bryan ndakange ndisina
kumuudza kut ndavao kushanda, akatoshamisika kuona chikafu mumba makarongeka. After 2
days i miss my luv again, ange akudzokera kubasa ndikasara ndichitamba yangu yenazuva ese.
Bryan mari ainge aanaozve saka ndaifonerwa evry kani umm ndaidiwa wasikana. Mwedzi
yakafamba gore rikapera zvinhu zvichifaya zvekwamunandi. After nearly 2 yrs Bryan akabva
atanga kujamba imwe mwedzi achit basa ririkuwanda, kana kufona ange aakuita pano neuko.
Ndakatanga kuita worried nazvo, ndakaona rima kumberi kweupenyu hwangu. Bryan akasvika
pakutorega kuuya kumba kwacho kuedza kumbofana gore dhaa kupera zvichingonzi *not
available* until *bad fo incoming call*. Umm kurambwa kwakadai kunorwadza asikana coz unenge
usingazive kut chii chakatora zvimbo kune umwe wako. Unomboramba wakamirira dzamara
wanetao. Ndainge ndichri kuenda hangu kubasa kwangu saka mari yekuendesa Tafadzwa
kuchikoro ndaiwana. Nekufamba kwebguva gogo wandaichengeta wakabva washaya, umm
ndakarwadziwa zvisingaiti ndakapererwa asikana. Ndakabva ndanzi basa rako hapasisina for sure
rakange risisipo, ndakaona kut lyf iya yave kuzochioma chaizvo.
Ndainge ndakurarama hupenyu unorwadza ndrindega hangu nemwana wangu. Ndakambofunga
kut ndibve zvangu pamba apa but kwekuenda ndakange ndisina. Ndainge ndangojatwa ndega
pamba pasri pangu, ndakafunga kut koo Welly akauya achindidzinga ndoenda kup.
Ndaingonamatira kut mwari vandichengete ndripo pamba apa. Bryan ndaitoziva hangu kut atova
nemumwe mukadzi ini handichadiwa zvachose, harare yange yamupandutsa. Koo pane
paaizosvika kup nen ini ndaiva mukuru kwaari, ange avhurikao njere. Ndakange ndakurarama
nekungoitao maricho zvema1 day kut mwana wangu aende kuchikoro. Pamwe pacho mabasa
acho ndaimashaya, ndodzokera kumba iwe, ndoswera ndakangogara pamba. Munongozivavo
mese kut vanhu vekumarizevha wagara wachizvishandra, saka kut uwane basa panenge
pakaoma. Ukawanao awandirwa nebasa, wotonamatira kut rirambe rakamuwandira uchimboita
tumazuva uripo.

Hupenyu hwekurarama seshiri hwakangooma askana. Ndine nguva yandakasvika pakugumirwa


chaiko, zvekushaya chekubata, mumba ndaingove nechibage chete. Ndakashaya kana mari
yekunogaisa chibage ichocho. Ndakaita nearly a wk ndichidya mangai asina salt chaiyo, luck
zvikoro zvainge zvakavhara vana vaiva paholiday saka taingoswera tese nemwana wangu uyu.
Ndinototenda Mwari kwazvo coz mwana wangu aisatombonetsa aidya zviripo achitofara
aisatombogaya kut kunei zvako. Ini ndin ndaitoshaya hope nekufunga kut koo mangwana
ndichaitei. Madzimai munoziva soo pane nguva yaunot kana nhamo yakakutsika konzi kunyangwe
ukazora mhando ipi zvayo yemafuta skin haichinje iyi, kunyangwe ukazora gaba rese riya
reVaseline, ganda haritomboratidzi kut pane chazorwa. Nhamo yakadaro ndiyo yakange
yandishanyika ikawana pekugara ikanyatsopfinya chitsero pandri. Kana kumaraini ndainge
ndaakusada nekuenda, ndaitonyara pendaisangana nevamwe kutsime coz ndainhuhwa nhamo.
Zvekut kunonamatwa ndainge ndakatorasa uko, iyeo satan wacho achibva aita manyemwe.
Ndakagumirwa nepfungwa ndikasvika pakurongedza hembe dzangu ndikat ndaakuenda kumba
kwedu. Ndakaburitsa mabag angu panze ndokubva ndakiya madoor ndikat zveupenyu ndripano
ndega ndazvitadza. Ndakashaya kut koo nakeys evanhu ndochimaisa kup, ndakagaya
kunomasiya panxt door pamaiGamu. Ndakasiya mwana wangu akagara nemabag panze apa ini
ndokunosiya makeys kwaMai gamu.

Ndakasvika mai gamu vachitodya zvao mazinyama nerice wena. Ndakaita sendichadonhedza
rute ndichiona chikafu, koo ndainge ndichaiziwa kup rice nenyama. Mai Gamu akatoshamisika
kundiona ndichisvika pamba pao ndakachena chena., hembe dzakanaka ndakange ndichinadzo
dzakawanda. Ndakakwazisana navo vakabva wandibvunza kut *kwakanaka ere*., ndakatsenga
tsenga mkanwa ndichishaya kut ndipindure kut kudii. Ndakazot *aaah ndaa ndaa ndrikukumbirao
kut mundisarireo nemakeys epamba pangu apo... Inin ndaakuenda kumba kwedu, zvrinane
nditambure ndriko ikoko*. Mai gamu vakabva wat *iwe mai tafa ita mushe wanzwa hauziriwe ere
wakambondiudza nhamo yavakakura uchioneswa namainb vako vakakuchengeta, unoda kunodiii
ikoko nekamwana kako ikako ufunga kut unotambirwa kkkkkk seka hako mai gamu.... Mai tafa
makeys ndivo andis kuzotambira....., hapana ambokudzinga pamba ipapo saka ndrikutoshaya kut
ukupatizirei... Asi parikuuya chipoko?.*. Ndakafunga nhamo yairehwa namai gamu
yandakambovaudza kut ndakakura cei. For sure ndakaona kut ndrikutotamba nemadhaka pasina
mvura, ndinosvika ndikaona nhamo mbishi ikoko. Ndakabva ndapindura mai gamu ndikat *iiiii
ndagumirwao mai gamu, kumba handina chekubata chaicho wk raakutopera ndrikungodya
mangai asina nesalt chaiyo....., ndodiiio madzimai*. Mai gamu kabva aseka zvake achit *kkkkkk
usagarire pfungwa wazvinzwa, ufunga kut warume wako pane achadzoka......, utadza kutsvaka
mumwe murume anokuchengetao ere, pfungwa ngadzishande madzimai*. Ndakapererwa
nezvaitaurwa namai gamu, ndikabva ndat *ndomuwanepio ini, kubva pakaenda Bryan hapana
kana akandinyengao mufunge,..., ndochinyenfa ndrini ere madzimai zvinozoita ere*. Mai gamu
wakakachamadzwa nazvo wakat *aaaah watii, asi wakasiwa wachekwa nyora dzeminyama kani,
nemunakiro wawakaita uyu woshaya akambokunyenga...., iiii inga zvakakuomera... Nxt wk iyo
dakumboendao newe kuchurch kwedu uwane rubatsiro, kwete zvako zvekurarama usingaziwe
musuo wechurch.* Takazokurukura nezvenhamo yangu yepamba, mai gamu vakabva wandipa
zvekunobika ndikavatenda kwazvo. Ndakadzokera kumba ndikaona mwana wangu atobatwa
nehope akangotsamira monac, ndakasiririswa ndikaita sendichadonhedza misodzi. Ndakakinura
madoors angu ndikatanga kudzorera zvinhu mumba., ndakamutsa mwana wangu akatoita
zvekuvhunduka. Tafa akabva andibvunza kut *koo mhamha hatichaendi ere kwatange trikuda
kuenda kuya*. Ndakabva ndangot *ehe mwanangu*, iye ndokut *ngei mhamha*, ndikamut
nchakuudza mwanangu taakurara manheru. Mwana wangu akabva atizve *mhamha ndarota
tichii.....*

*End of Chapter 06*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 07*
*Mhamha ndarota tri- tri- trikuneimwe nzvimbo soo, yakanaka, but ndange ndrikuita
sendaamuhombe ndichitamba neumwe musika mudiki kwandri but mhamhaka ummm nzimbo
iyoyo yange yakanaka zvisingaite*. Aaah ndakatoshamiswa nezvaitaura mwana wangu, it was first
tym kumunzwa achindiudza hope dzaanenge arota. Pendaitotamba nae ndichimubvunza kut
*warotei nhai mwana wangu* iye aingot *hapana mhamha, handiroti ini*. Ndakabva ndamubvunza
kut, *warota nguvai hope dzako idzi*, achibva ati *izvozvi pandange ndakarara apa ndimi
matondipatitsa ndange ndrikutofara hangu muhope ini*. Ini zvehope ndaisatomboita basa nazvo,
asi musi uyu ndakaona kut Mwari vane chekuita neupenyu hwangu kunyangwe ndainge
ndakamukanganwa. Munhu paunopererwa Mwari ndipo paanotangira, ndakange ndagumirwa
neupenyu nekuda kwenhamo, ndikafunga kuenda kumba kwedu asi Mwari akati *no*. Mwana
wangu ndakamushingisa ndikat *hoo inga wange uchinakidzwa, Mwari wachakutungamirira
mwanangu, zvawarota zvichazoitika dont wrry*. Ndakabva ndaenda kukitchen ndikanovesa moto
ndikatanga kubika. Mwana wangu paakanzwa mapoto kurira rira akabva auyao kukitchen achibva
ati *mhamha muri kubikei*. Ndakatarisa zvangu mwana wangu ndikaona akaita zvekumira
akabata muchiuno nemaoko ese apa kasmile kachirohwa. Ndakabva ndat *koo kunyemwerera
kudaro kwakanaka ere*. Tafa akabva auya kunogara pedyo nen ndookut *dakudya zvinonaka
yeeeh,.....maawanep mazai aya mhamha heee, mapihwa ndimai gamu ere*. Ndakabva
ndagutsirira musoro kut *hongu*, ndichinyemwererao mwana wangu. Tafa akabva atizve
*hooo,...ndosaka mai gamu chri chidhaf dhaf mhamha, arikusimba nekudya mazai...., madam
wangu wakati munhu ukadya mazai unosimba..., saka mhamha chengetaio huku ndisodyeo mazai
ndiiteo chidhaf*. Aaah aitaura zvake chokwadi mwana wangu uyu, ndakatoona kut inga mwana
wangu arikutondipa pfungwa dzandaisatombowe nadzo, ndainge ndisina kana huku zvao pamba
pangu. Taakataura nyaya dzakawanda kan nemwana wangu achifarira hake rice nemazai
zvandaibika.

Tapedza kudya ndakabva ndanogara zvangu pasi pemukotopeya mumumvuri sezvo kwaipisa,
mwana wangu akabva auyao akabva atorara hake kufa nehope. Ndakatanga kudzeya mashoko
andange ndaudzwa namai gamu. Chakatonyanyo ndishamisa ndechekut mai gamu yaiva first tym
yavo kundiitira favour yakadai kundipa zvekudya nemwoyo wese, apa vakandipa evrything.
Ndakashaya kut ndovatenda churudziii coz nemuromo ndakaona kunge waisakodzera coz wainge
wandiiitira zvikuru kuru. Mai gamu ndaisiita nyaya nae apo neapo asi ndakazorega ndaona kut
anodada, uye pendaiti kana ndaomerwa kumba kwangu ndikanomukumbira kana salt chaiyo,
ndaiipiwa ndichikonorerwa. Saka ndizvo zvakaita kut ndirege kunokumbira munhu chekudya
nyangwe zviome sei ndakange ndaakutofunga kut ndozvinoita vanhu vese. Ndakange ndisina
kana sahwira ndaitoona sendisingakodzeri kumirao pane vamwe vakadzi, ndaizvitarisira pasi.
Ndinotoona kut kusawirirana nevamwe kwangu kwakandibatsira kwazvo coz hapana
aizoshambadza nhamo yangu coz hapana aisvika pamba pangu. Hapana mashoko aizofamba
muraini kunzi ndine makuhwa. But kushata chazvo ndekwekut ukagara usina sahwira unogona
kufa nestress coz unenge usina wekuudzao nhunha dzako, dai asri mai gamu hameno hupenyu
hwangu ndingadai ndrichii.

Kumba kwandaida kuenda uko umm handiziwe kut chii change chandipindao. Hama dzangu inin
mai vangu baba vakafira mutsaona vese vachibva kuHarare. Saka takasara tichichengetwa
nabbmn nemukadzi wake. Tainge takazvarwa tri 2 chete, inin Leah nasisi vangu Rudo. Bbmn
aishandao kuharare ikoko, saka taisara namainn nevana vavo. Saka taishungurudzwa
zvinorwadza kan. Inin ndaiva mudiki kune first borne yamainin, kunashure kwefirst borne kaiva
nemusikana 1 nemukomana 1. Zvakaitika ndezvekudai soo, vaiva mus wefrieday inin ndakange
ndaaform 2 cc yangu vaiva form 4, Trish first borne yamainn aiva form 3. Musi uyu cc vakabva
wanditora tikaenda tese kutuchshop. Takasvika mukomana wacc akatotimirira achibva atenda
mazap nax nemabiscuits. Takabva tatobuda hedu pachikoro sezvo mus uyu kwaiva
nemacompetition ebhora. Takatanga kufamba hedu tichiteedza nzira yekumba mbijana mbijana.
Takashamisika kuonao trish achiuyao kumashure kwedu nemukomana wake vari 2, isu taiva
zvedu 3. Saka vanaTrsh hameno kwaifambiswa kuendwa, vave kupfura patiri Trish akabva
atijumbira mabuscuits ataidya tikamunyima cc vangu vakamuti, *tengerwao nemukomana wako*.
Trish akabva aridza zitsamwa vachibva waenda zvao.Takasara tichifamba zvedu lolo
tikazobhabhaisana nemukomana wacc tikaenda hedu kumba.

Takasvika pamba tikaona vamwe vese vatosvika tisu tega tainge tisat. Takapinda mubedroom
tikachinja hembe ndokuenda mukitchen wanei hamuna chekudya. Mainn vakabva wapinda
mukitchen wakabata zijamhu ndokut *makajaidzwa vana imim nhas dakumbokugadzirisai..., kuda
kuita tumahure mosvika tym yamoda pano, apa kutosvika nekutsva chekudya....mabuscuits
amanga muchidya iwayo ndooamuchararira. Handis kubika nerenyu nhas,...tumahure twevanhu*.
Mainn vakabva wagadzika cc vangu zishamhu riya richicrosser nechekumusana. Inin ndakabva
ndaona kut patoshata ndakabva ndatiza kubuda mukitchen muya. Ndichibuda padoor Trish
akabva andibata zvikanzi *hautize xaa, chimborohwai mandinyima mabiscuuts enyu saka
ndomubairo wacho*. Ndakaedza kubvidzura asi ndakange ndakabatwa zvinesimba. Cc vangu
ndaingovanzwa mhere mukitchen imomo. Ndakaonao vachibuda vachimhanya uku mainn
achiteera achidaidzira *mira hako, ukatiza pano hauchapadzoki*. Cc vangu havana
kumbozviteerera izvo vakabva watowedzera speed mainn akada kuteera asi akaona kut speed
yaacho hambomubat. Mainn vakabva wanhonga chidhina vachibva wapotsera cc vangu,
chikasvikorova kugotsi cc ndiye *dhiii pas*. Mainn vakabva wamhanya vachibva wasvika
komurovazve shamu mbiri , ndokuona munhu haasi kuchamboita action kana kuchema.
Ndakaona mkadzi mkuru apusa, inin ndakabva ndapukunyuka mumaoko aTrish ndichimhanyira
kuna cc vangu. Ndakasvika kumutsa cc asi chakange chave chando,,, umm ndakachema
weduwe.... nanhas ndikafunga kufa kwaCc vangu ndinodonhedza misodzi. Mainn hapana
chavakaitwa nyaya yacho yakatsikwa tsikwa. Inin ndakazongopedzao chikoro hangu asi ndakange
ndaakungotyira hupenyu hwangu. Ndinototenda mwari vakandichengeta kusvika ndiroorwe pasina
chandivinga. Bbmn ndivo chete vakange vasina kundivenga, vamwe vese ummm handiziwe kut
zvendange ndarongedza mitundu yangu ndaiti nda kupi.

*End of Chapter 07*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 08*

Zano randakange ndapiwa namai gamu ndakatopererwao naro kut ndodii. Inin kubva Bryan
paakatanga kurega kuuya kumba, handina kunyanyo ita worried kut dai ndawana mumwe
murume. Mafeelings angu ainge achri panaBryan ndichingot zvinwe achazodzoka. Ndaityazve kut
ndikaita mumwe murume koo Bryan akadzoka chii chaizoitika. Pluz umwe murume wendaiwana
aiva ani, imo muraini mese varume vaivemo vaiva nevakadzi vavo, ini zvekuputsa dzimba
dzevanhu ndaisada. Ivoo varume wacho hapana akambondipfimbao, inio wacho mafeelings
ekuda murume ndaimanzwa nechekure saka ndaisatomboita basa nazvo. Kutaura kwaita mai
famu achit unofanira kumboendao kuchurch ndakaona iri gud idea. Inin chandainge
ndachinyanyoda raiva basa kut ndichengete mwana wangu. Saka ndaitoti musi wandichaenda
kuchurch dai ndikawana anodao musevenzi kana anoda kuitirwao basa kumba kwake.

Handizive kut hope dzakandibatao sei ndrimundangariro dzangu, ndakazoitwa zvekupatitswa


naTafa achit *mhamha kunze kwadoka, mukai mubikezve mazai*. Ndakatoona kut mwana wangu
zveshuwa afara kudyao mazai, ange achamaziira kup ainge akapedzisira kumadya ndichri
kushanda. Ndakamuka ndikatora mubucket rangu ndikaenda kutsime, Tafa akat anoda kuendao
tikaenda tese. Tafa aifara musi uyu nyaya dzaingotaura dzaiva dzekungodya chete.
Ndakadzokera kumba ndikatanga kubika chikafu chemanheru. Nguva yekut tidye yakasvika,
tikadya zvedu apa mwana wangu aiita kunanzvira zvigunwe ndikatoseka ndega kut mwana wangu
anakirwa. Takapedza tikaenda zvedu mumba medu kunorara, ndisat ndarara ndakazvipa nguva
yekumbonamatao mwari, fo sure ndakanzwa kakurerukirwa mupfungwa.

The nxt day nguva dzava kumasika, ini ndainge ndakatozorora zvangu pas pemukotopeya
mumumvuri. Ndakatoshamisika kuona mai gamu vachit *gogoi pano*. It her first tym mai gamu
kuuya pamba pangu. Ndakadaira ndikat *svikai zvenyu madzimai*. Mai gamu vaitoratidza kufara
zvazvo ndikat *titambire kani*, ndichitambira sac bag ravainge vakatakura apa raitorema.
Ndakavat vagareo pasaga randainge ndakagara, ndokubva taomberana. Mai gamu vakabva wati
*hesi kan tafa, koo kubva wanyarara kut zii kunge urikuona chisionekwi...., huya undichingamidze
apa ndoda vana vane tsika ini*. Tafa wangu akabva akwazisa mai gamu, achibva ada kudzoka
kunogara kudivi kwangu, mai gamu vakabva ati *unoda kuenda kup...gara apa kana pamakumbo
pangu*. Ndakatoshamisika kut ndimai gamu wandoziva ere vakuita chisepe chakadai kumwana
wangu. Ndakanetsekana sure kut chisepe chavo chabvepi, waidii kusozviita kubva kare, ummm
ndakanetsekana askana. Tafa akangogara zviya zvekut amanikidzwa, asi aisambosununguka.
Takatanga kuita nyaya, Tafa achibva asimuka achibva aenda kunotamba hake kwake ega. Mai
gamu akabva ati *mai tafa ndakuigira grocery mumwe wangu, ubikire Tafa wedu uyu, usaswedze
mwana nenzara mudikani*. Ndakatoshamiswa nazvo kut zuro vainge vakandipa chikafu nhas
vave kundipa fut. Koo zvawakut *tafa wedu*, aah wedu pakudii. Ndakavatenda zvisingaite ndikaita
sendichadonhedza misodzi. Mai gamu vakabva wat *unotendei zvako mudikani, inga wani kutsva
kwendebvu warume vanodzimurana..., kanao isu vakadzi kutsva kwemagaro tinodzimura*.
Ndakabva ndatomboseka hangu, mai gamu ndokut *mai tafa nyaya hombe yandauira pano
ndeyekudai soo*. Vakabva wambotura mafemo apa wakanditarisa mumaziso chaimo, ini
ndakange ndaakutya kut nyaya yacho ndeyei. Akabva ati *mai tafa uri nxt door yangu, but
handiziwe kut why ndange ndakakuvenga. Ndainge ndakakuwenga ufunge hako, wsitondisemesa
pamberi pangu. Mazuva amakasvikirwa naWelly wako uina Bryan ndin ndaitova pamberi
kufambisa guhwa mumaraini. Kana pewauya kumbondikumbira salt ndaitoparidzira vanhu kut
nhamo yazomubaya mukadzi uya. Ndainzwa kutofara pendaiona mwana wako akapfeka unifom
yakabvaruka avhienda kuchikoro. Pliz mai tafa can u forgive me. Zuro ndakasiririswa pendakaona
uchiisvika pamba pangu ganda rako richiratidza nhamo kama muviri wako nekudzikira kwawaita
uku ummm ndakasiririswa sure*. Mai gamu vakazosara kupedza zvevaitaura ndavakutochema,
ndainge ndaita zvekutsikitsira musoro pasi ndichichema.

Pakaita karunyararo pasina arikutaura, mai gamu vaimbondipa tym yekuchema shungu dzipere.
Ndakazozimudza chiso changu ndikatarisa mai gamu ndione zvaanenge oda kutochemao.
Ndakabva ndat *mai gumu ndimi mega, nwari ngakuwedzerei makore akwanda kana pfuma yenyu
mwari ngaaiwedzere. Munoziva nekuteedza shoko ramwari. Mandiudza zvitsva
zvandaisambokufungirai, but handina tym yekubatikana nazvo coz mandiudza muchitokumbira
ruregerero. Madzimai musanetseka zvenyu mwari ndiye aiona mabasa enyu saka matoregererwa
madzimai, ini ndakuregereraio.* mai gamu wakabva wati *waita hako mudikani, i luv u.... Ndoda
kut timbofambe tese pakunamata mudikani ndodakut uone kubata kwaMwari muupenyu hwako,
ndoda kut mangwana upupure kunaka kwamwari. Nxt wk iyo handis kukusiya, u a now my best*.
Ndakabva ndat *Amen,ndosaka muripo mai gamu thank u vry much nerudo rwamandiitira, i knw
ndMwari akutumai chete coz zvamaita hazviitwe nemunhu panyama but pamweya*. Takazotaura
dzimweo nyaya tave kutoseka zvedu. Ndakavimbisa mai gamu kut kuchurch handis kuzorovha
tinoenda chete.

*End of Chapter 08*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 09*

Church yai gamu yaiva madzibaba yechishanu. Saka musi wechishanu ndakamuka ndikagadzrira
kuenda kuchurch. Tym tym ndakange ndapedza ndikakiya madoor angu ndokuenda kwamai
gamu. Ndakasvika mai gamu ave kutopedzao ndikanumirira, pasina chinguwa ndokupinda
munzira kuenda ikoko kuchurch. Church yacho yaive pedyo nemashops. Takafamba hedu
nhereka nhereka sezvo taiva pamberi penguva. Tai kurukura nyaya dzakasiyana siyana
tichisimbisana nekupanana mazano emukurarama. Mai gamu vaiva munhu mukuru zvekutoita
zera ramai vangu chaivo. Aiva nevana 2 chete mukomana nemusikana, wese vaiva kumaColleges
hameno macourse avaiita ikoko. Murume vao aishanda kuHarare. Saka mai gamu vaiva
nemushandi vavaigara nao, aifudza mombe nekuita mamweo mabasa. Mai gamu akandiudza kut
ane imba iri kuharare kubova kugara murume wake, ini chakandinetsa ndechekut ndechekut mai
gamu vacho havamboendio kuharare kwacho. Murume wake aiuya kamwevkupera kwemwedzi
oita zvimazua odzokera. Ndakashinga kubvunza mai gamu kut *why mai gamu musimboendio
kunogara kuharare nemurume wenyu, hanty mune mushandi ere munomusiya achichengeta
pamba imi mozodzokera henyu mvura yanaya maakuda zvekurima*. Mai gamu vakandipindura
kut *kodiii hangu ikoko, varume ava sometimes imbwa chaidzo. Ndakaunzirwa mukadzi wechipiri
ndisingafungire, saka ndakat handide kumuona kuno garai nae kuharare ikoko inio handitsikekoo.*
Ndakatoshamisika nazvo wena ndikatoshaya zvekutaura. Ndakazomushingisa kut *zvinowanika
madzimai chero imba yenyu muinao vana makakudza, pluz muchri kudiwa saka hapana
chakashata*. Ndakazoerekana tatosvika pachurch paya, takasvika paine vanhu vashoma
tikakwazisaba ndokugarao navo tichimirira vamwe.

Chinguva nguva ndakatabga kuona vanhu vachisvika vakasiyana siyana. Pane mumwe murume
akazosvikao tym yake ega ari ega. Ini ndakabva ndawarairwao maziso angu ari kwaari. Ndakaona
iyeo meso ake arikwandri, ndakabva ndatarisa hangu pasi, pendakasimudza meso kut
ndimutarisezve ndakaona akangongonditarisa. Ndakabva ndashinga kuramba ndakamutarisa,
ndikaona aiyazve iye wacho kana kumbonyarao. Bba ivavo vaiva handsome kan, apa iri mhitsa
chaiyo. Ndotym yevarume vakaimbwa naKapfupi kut *ndovarume chaio not vakanyorwa patoilet*.
Ndakatanga kunyaririra ndikabva ndabvisa meso angu kwaari, ndikatarisa hangu pasi.
Ndakatanga kuimaginer bba ava ndri necheapa pao, vachinditi bby ini ndichivat ddy. Mai gamu
ndiye akazotondivhundutsa achit nguva yechurch yaakukwana hande panzvimbo. Ini ndakange
ndave kure kan, mufunge asikana it was my first tym kuchiwa murume. Apa ndaisatombogata
zvangu kut ane mkadzi ere or not, ini ndaingo imaginer tri two chete. Ndakasimuka tikanogara
paground, vanhu vakatanga kuimba. Ini ndaingoti tym tym ndokanda maziso angu kuna madzibba
vaya. Chaindinakidza ndwchekut pese pendaivatarisa ndaiona ivo vakanditarisa, saka ndakange
ndaane confidance yekut hana dzedu dzaroverana saka ndatodiwa ini. Vanhu vaiimba
vachichinjana kuparidza, murume uya ndiye akazoita number 2 kupedzisira kuparidza. Vaiparidza
zveku compainera ini bba ava, ndakat nechomumwoyo dai vaiziva kut ndatovada kare vangadai
vasri kupedza nguva yavo vachiparidza kudaro.

Yakat yave tym yekushandirwa, ndakaona madzibba vaye vachishandirao vanhu. Ini
ndakamboda kunoshandirwa nao, but ndakanyara asikana ndikabva ndanoshandirwa neumwe
madzimai. Ndakanamatirwa ndikanamatirwa apa vaita vachinamata nendimi. Ndakanzwa
madzimai vachinamata vachituka, *ibva pamuranda wamwari, unodei kuranda kadzi wamwari,
ibva hapasi pako ibvaaa*, ndakatoshamisika kut koo iyi ndeipi koo aitukwa ndiani. Ndakangot
hameno ndichazwa paanopedza kunamata kut anot kudii. I think ndin ndakanamatirwa for a long
tym pachurch apa. Vakazot vapedza zvikanzi navo *mhai munombowanao tym yekunamata ere
mega zvenyu*. Ndakadzungudza musoro kut *kwete*, vachibva wat *mhai muri panguva
yakaoma, mototenda akut muweo pano nhas,. Handis kuda kukuudzai zvendapiwa pamweya asi
ndinoda kut imi muzvionere mega nekut munozot ndrikukunyeperai kana kut ndoda
kukuparadzanisai nehama dzenyu,,, ndine dombo randichakupai..munosvika moritswanya roita
mabedu akawanda the madedu acho moisa muroom imwe naimwe pasinga batwi batwi. Ndada
muisezve mamwe acho munzira nzese dzinosvika pamba penyu, rimwe racho mocherera pakat
pechivanze. Nxt wk iyo musarege kuuya kuno ndoda kut mundiudze hope dzamucharota kutanga
nhas*.Ummm ndakatenda madzimai ndikasimuka ndikanogara kwaiva nevamwe. Ndakaisa
dombo randange ndapuwa mukahand bag kangu. Ndakanetsekana kut chandtikuda kunzi
ndizvionere ndega chiii koo nyaya yehama iri kupinda papi. Handina hangu munhu
wandakafungira kut anova ndiye arikukanganisa lyf yangu, ndakangot ndanzi ndichazvionera
ndega soo i shall c.

Church yapera takapinda hedu munzira namai gamu takananga kumashops. Takasvika tikatsvaka
chekudya tikaenda panobikwa sadza tikatenga 3 plates dzedu dzesadza nebeef ndokutanga
kudya. Ndakashamisika kuona madzibba vendainge ndachiva vaya vachiuya patri vakabata
macane matatu edrink ivo vaineo ravo ravainwa. Vakasvika vakaisa pamberi pedu vskat *aah mai
gamu drink ramogara kut nditengere...oooyi,, handivimbise zvekunyepa kkkk, tosangana nxt
wk....ndine kwandri kumhanyira izvozvi*. Mai gamu vakatenda madzibba vaya, tikasara
takatarisana tichismiler. Tafa akafara kan,, koo drink ange acharizivira kup. Mai gamu vanenge
vaiona zvese zvaaitika btwn ini namadzibba. Ndakabva ndabvunza mai gamu kut *vanonzi ani bba
ava*, mai gamu ndokut *vanonzi madzibba Simba,.. mudealer dealer but handizive zvangu kut
vane mkadzi ere or havana but vaane gore rese vachiuya kuchurch vangori vega. Kushandra
vanhu kwacho anoita apo neapo not evrytym.* Handina hangu kuzoda kubvunza zvakawanda,
ndakabva ndangot *hoo*. Takapedza kudya ndokutenderera tenderera tichitsvaka kwaka shop
yakachipa zvinhu. Takabva tapinda imwe shop yaitengesa hembe dzevakadzi nevana.
Ndakaenda hangu ndivi raiva nepents, mai gamu akange ario kwake hameno chaitsvaka... Ini
ndaingoperekedzao coz ndaisava nemari. Ndakabata imwe pent yesky blue soo, ndikaichiwa
ndokuramba ndakaibata ndichiitarisa tarisa. Ndakanzwa inzwi kumashure kwangu remurume richit
*yered iyo ndio yakakufitai amai*.

*End of Chapter 09*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 11*

Ndakamboramba ndakaitarisa ichirira zvayo, pfungwa dzangu dzakange dzatova kure kut ndian
aifona uyu. Ndakafunga kut haasi madzibba Simba ere, kana ariye # dzangu adziwana kup.
Dzimwe pfungwa dzakandit ndiTaku coz ndiye ainge atora # dzangu. Ndakat rega ndidaire ndihwe
kut ndian adai kundifunga madeko anhas.
*hello*

Aaah mai Tafa muricei

*ndian*

Zvehasha ere mai Taku, matokanganwa inzwi rangu...inga tange tritese kumashops

*aah sry hako Taku...., hesi kan dia*,

Boe zvekut aricei Tafa

*ariboe hake, wafamba boe ere kwawange uchimhanyira*.

Haaa zvipiko ndafambira dhongi rakaoora, munhu wacho kwange kusina xaa.

*kkkkk hoo, zvagara zvichibhoo zvedi*

Aricei bba Tafa

*aaah-aaah bba Tafa variiiii varikubasa kuharare variboe zvao*

Watanga kunyepa kkk, why wambotsenga tsenga mukanwa usat wapindura. Pluz nguva iya
kumashops waramba wakanyarara pendakubvunza.

*aah iwe zvinei newe*

Ndoda kungoziwao zvangu

*its a long story xaa, ngatisiyane nao*

Ndoyandri kutoda kut tikurukure nezvayo yacho iyoyo

*zvinei newe iwe taku aah*

Taku wacho aitoita nharo wena, ndakatoshaya kut arikumbonyanyodei kwandri. Ndakamboda
kumusvisira but ndakangoerekana ndamuudza chokwadi. Lyf yangu yainyadzisa asikana, hameno
chii chakaita kut Taku ndimuudze. Taku wacho aitoratidza kudiriswao neni. Takataura nyaya
dzakasiyana siyana wena, achibva andiwimbisa kut achanditsvakira basa. Ummm kune vanhu
vanofona asikana, munozia ndaksita 43 mns ndripacall. Ndakabva ndatokanganwa kut ndaida
kunosota sota dombo rangu. Ndakazonge ndagara pabed makumbo aakurwadza nekumira ndichit
zvimwe munhu achakata fon. Paakat nchakutsvakira basa ndakabva ndanzwa kufara zvisingaite.
Chishuo chokuru chandaiva nacho kwaiva kut ndioneo basa ndichengete mwana wangu uyu saka
Taku ange auya zvakanaka. Ndakatanga hangu kufunga madzibba simba ndichitomuona ari
padivi neni ipo pabed. Madzimai zvange zvakandiomera kan, rudo zvarunoita sooozvakaoma.
Handiziwe kut hope dzakandibao sei ndakazopatika ndichinzwa chinhu chaindibaya baya
chandainge ndakararira. Ndakaona riri dombo riya randainge ndapiwa kuchurch. Ndipo
pendakarangarira kut handina kuzoita zvendaudzwa.

Mangwana makuseni ndakafumira kumuka ndikatora dombo rangu ndikaita sekuudzwa


kwandakange ndaitwa. Ndapedza ndakaita mabasa angu epamba, ndikazobika hangu. Mus uyu
ndakaswera hangu pamba nemwana wangu. Akat ave manheru ndapedza hangu kudya,
ndakaimba kambo kekurumbidza mwari ndikanamata, ndakanamata zvekut ndega
ndakanyatsonzwa kut munamato wangu wagamuchirwa. Ndainzwa kunge ndisirini ndichinamata.
Ndapedza ndakabva ndarara hangu,idzo hope dzacho ndokufarisa kutoramba kuuya kaani. Ndisat
ndabatwa nehope kudaro ndakanzwa muchiti wechinhu kudonha kubva pamusoro pemba.
Ndakarohwa nehana zvisingaiti, koo chaiva chii chadonha. Pamusoro pemba paisava nechinhu
saka zvakandinetsa. Ndakambofungira kut ndiSimon but muchit wacho hauna kuzoita zvekare.
Umm ndakanetsekana zvisingaiti, ndakange ndava kufunga kut zvimwe imbavha. Ndakazongot
mwari iwai neni, ndikazobatwa nehope nekufamba nenguva.

Husiku uhu munoziva ndakarota hope dzandisina kunzwisisa mufunge. Ndakarota ndri mainge
makaita semu cage hombe kwazvo yakagadzirwa nefance. Cage iyi yaiva yakavhurika pamusoro,
iri yeround kunge matank emvura aya ekuvaka aya. Ndainge ndichishaiwa pekubuda napo
ndichiingodzungaira ndrimo mukat imomo. Asi chakandinetsa pakange paine mumwe munhu
wechikadzi aiva kunze kwecage iyi. Munhu uyu handina kukwanisa kuona face yake, but skirt
yaainge akapfeka ainge yakafanana neyamainin vangu vakakura vachindichengeta. Ndakaedza
kudaidzira kut *help me* but inzwi rangu hapana kweraienda. Munhu kadzi uyu akabva atanga
kuseka hake zvairatidza kut arikuseka ini. Ndakanetsekana kwazvo, ndakaedza kut ndikwire fance
but maoko angu nemakumbo zvainge zvisina simba. Ndrimukunetsekana kudaro, ndakaona
umwe munhu kadzi achiuya achibva asvika kurova mukadzi aindiseka uyu. Umm pakarohwa
munhu kan kusara ati rabada. Mukadz uya akauya akandivhurira, ndakatanga kufamba zvishoma
nezvishoma ndichityao kurohwa. Ndave pedyo negate ndakaona mukadzi uya ari cc Rudo.
Ndakamumhanyira ndikasvikomumbundira ndokubva ndapatika.

Hope idzi dzakandinetsa madzimai, kunze kwakasvika mukuedza ndakangisvinura. Dzave kuma 8
makuseni, apa ndainge ndichitobika hangu breakfast..., fon yangu yakabva yapinda msg. Tym
yandakada kubata fon kut ndione kut ndian afona, pakabva papinda call *new number*.
*End of Chapter 11*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 10*

Ndakaita sendisina kunzwa, ndaida kut ataure fut coz inzwi rake ndainge ndada kurifananidzira.
Ndakambofunfa kut ndimadzibba waye asi ndakanzwa manzwi acho akasiyana kure kure, pluz
madzibba vange vatiudza kut pane kwavari kumhanyira saka ndakatoziva kut havazirivo.
Ndakazofunga kut mayb mushandi wemushop, but dzimwe pfungwa dzakati noo, vashandi
vemuno ndoziva vari vakadzi chete chete. Munhu uya akabva akosorera achibva ati *hes
chikomana, unonzi ani iwewe*. Tafa akabva afamba kuuya pambeei pangu i think aitya murume
uyu. Ini inzwi ndakatadza kuziva kut nderani..., ndakabva ndacheuka kutarisa murume uyu...
Ndakangot baa kumutarisa ndichibva ndakasika kutarisa pasi nekunyara. Murume uyu mufunge
asikana ange akatonditarisa kumeso chaiko apa achitondinyemwerera. Ini zvekutanga nekutarisa
munhu kumeso wandisina kujaira zvinondinetsa hangu sakandakabva ndatoenderera mberi
nekuringa ringa mapent aya apa ndakange ndaakusaziva zvandrikuita nekunyara zvine kakutya
mukat. Smile yemunhu uyu yakange yandirovesa hana, zvekut tuziya ndakatwinzwa twichierera
muhapwa umu. Murume uyu kutaura pachokwadi ai nge ari handsome, akarohwa kanyc shave.
Smile yake chokwadi yakanganisa ndikatadzs kuziva zvendaiita, face yake ndiyo takange yave
mumaziso angu. Ndakashaya kut koo nhas chii chrikuitika kwandri, why ndrikuchiwa varume vasat
wataura nen kana kundipfimbaiiiii zvonyadzisa asikana. Kutaura achokwadi murume uyu he was
handsome more than madzibba but pabody vainge vakaenzana.

Murume uyu akabva ati *Leeeah.........hes kan*. Ndakaramba ndakanyarara ndichibva


ndamutarisa ndichitangira kutsoka kukwira kumeso. Ndakadao kut ndirambe ndakamutarisao asi
smile yake yainge ichinditosvora, ndikabva ndatarisa hangu kudivi. Ndakabva ndat
*munondizivirep mkwasha*, murume uyu ndokut *waakutondiita mukwasha eere nhai Leah..... koo
ichi chimwana chako ere*. Ndakabva ndat *ehe ndevangu....kwakanaka ere*. Murume uyu ndokut
*umm Leeeah....koo kupindura zvine kau rough wakatanga riiin.... Inga wan taitamba tese
kuchikoro*. Paakat *kutamba tese kuxul* ndakabva ndanyatso kumutarisa kumeso kut
ndimufananidze asi ndakatadza kuziva. Ndakabva ndamut *kutamba tese kup, handikuziwei ini*.
Iye ndokut *a u still remembee the guy Takudzwa*. Ndakabva ndamboramba ndakamutarisa
ndichiongorora nekudzosera pfungwa dzangu ndichri kuchikoro, aaah ndakashamisika wena.
Takudzwa ange andichinjira zvachose, ange akura kuita murume chaiye, ini ndainge
ndakapedzisira kuonana nae musi wetakatora maresults. Ndakabva ndamuchingamidza apa
ndaakuita kakunyaririra. Munongoziva soo kana ukasangana nemunhu wewakambodzidza nae iye
achiratidza kut aane mari iwe uchri kutamba nhamo , pane kakunyara kaunoita soo. Ini ndainge
ndaakunyara asikana, apa Taku wacho ngaataurise. Akabva ati *saka wafarira ipi pent apa*.,
ndakanyara kushaya kwekutaris. Mai gamu ndakaona vamira zvao nechekure i thonk waitofunga
kut ndrikunyengwa coz maaction andaiita acho ummm kunge kasikana katanga kupfimbwa
kaisoshaya anokapfimbao. Ndakabva ndat *aaah ndrikungotarisao zvangu handis kuda kutenga*.
Taku ndokut *hoo, ndange ndat ukuda kutenga ndikat ndokubhadharira*, aaah Taku wacho
zvaitotaurao soo. Ndakabva ndat, *iiii zvichizobuda ere, kunditengera chinhu chisingazokumurwio
newe*. Takabva taseka zvedu tikakurukura dzimwe nyaya. Taku ndokut ange andiona ndichipinda
mushop, iyeo ndokutera.Takafamba kuenda kuna mai gamu ndokubva tabuda hedu panze. Mai
gamu ndakabva ndavapa introduction, Taku ndikamupao intro. Taka akabva ati *aricei bba Tafa*,
ndakashaya kut ndopindura kut kudii. Ndakabva ndaramba ndakatarisa Taku kumeso, iyeo i think
akabva aziwa kut pane nyaya ndokubva akasikira kuchinja nyaya. Taku akabva andikumbira fon #
dzangu ndikamupa ndokubva taparadzana hameno kwaiti ndrikumhanyira.

Takasara hedu namai gamu tikanopinda shop yaitengeswa grocery. Mai gamu vakabva wandit
nditore zvisikko kumba, ini nekuda kwenyadzi kwakunga zvishoma. Ndakaona mai gamu vave
kunhonga mbune vachibva wabhadhara mari yacho ndokubva tarongedza zvinhu zvedu
ndokuenda kumba. Tririmunzira mai gamu ndivo vakatanga zvikanzi navo *kkk mai Tafa
chimbondiudza mudikani....chii change chichitora nzvimbo btwn u namadzibaba Simba. Ndange
ndichiona hangu zvese zvange zvichiitika*. Ndakabva ndatanga kunyarara nyara ndichitsenga
tsenga mukanwa. Mai gamu ndokubva atizve *mahira madzimai kkkk, chitonamatirai kut zviite
muwaneo anokuchengetai naTafa wako uyu*. Ndakabva ndaseka hangu ndikat *aah mazviona cei
mai gamu,...kutaura chokwadi madzimaika.... Madzibaba Simba kubva tym yavasvika pachurch
meso angu ange ave kwaari chete*. Mai gamu ndokut *yaaa ndange ndichizviona hangu. Ini
zvatondifadza kut mumwe wangu pane zvaakuitikao zvitsva muupenyu hwake not kungogara
evrytym uri kumba uko unoonekwa naani*. Takabva taseka hedu, Tafa ainge achifamba hake
arikumberi kwedu zvekut zvetaitaura haimbozvinzwa. Takasvika pamba pamai gamu
tikambotandara ndokubva ndazomuoneka ndakuendao kwangu.

Ndakaavika zvangu kumba ndichingosmiler chete chete, ndaitoona zcemberi hangu ndichitamba
namadzibba simba ndichivayemeya hangu ndakarara pachichest pao. Ndakange ndaakutopenfa
kani kunge ivo vange vati vandiudza kut vanondida, kkkkk kunyuea murudo nemunhu asat
ambokuita mhoro chaiyo. Mwana wangu akasvika pakundibvunza kut *koo mhamha muri
kumbofara chiii*. Mwana wangu ange azviona zvedi kut ndrikufara, ndakabva ndamut *ndrikufarira
zvinhu zvetatengerwa namai gamu*. Takabva tatotanga kutaura dzimwe nyaya. Ave manheru
ndacekuda kurara ndipo pendakatondera kut ndapiwa dombo kuchurch zviya. Ndakabva ndatora
hand bag yangu ndikatora dombo riya. Tym yakange ndaakubuda padoor fon yangu yakabva
yapinda call *new number*.

*End of Chapter 10*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 12*

Handina kumboita maunguzwa ndakabva ndangoidaira ipapo,


*hello*

Hes cc Leah muricei

*ndri boe, ndrikutaurao naan*

Ndin Trish cc, kuricei ikoko

*hes kan mun'ina,...kuricei kumba, kuno kuri bhoo zvekut*

Kuno hakuna kumira mushe cc, mhamha varikurwara...., vangofuma vachit musana vawo unenge
wabuda mujoin saka havas kumuka, varikuramba vamba vakangorara. Varikut havatokwanisi
kugara chaiko varikurwadziwa..., tafonera baba but baba vati havana mari vachambotsva
kumasahwira avo. Isu kuno vati tisano kutsvakao mari yacho toda kuvaendesa kuchipatara....
Saka cc hamunao yamuinao ere tibatsirane.

*inga zvakaoma, ini kuno handina kana cent, hupenyu hwakatondiomerao dia. Ndichambotsvakao
mumaraini but handifungi kut ndoiwana*

Zvakaoma cc..., ok kana maiona mozondiudzao

*ok dia mira ndione*

Ok cc

*bye*

Munoziva soo zvimwe zvinhu zvoshamisa mufunge. Ndakatoshamisika kut aah Trish chaiye
kundifonerao, nehusinye waakaita kuuraisa cc vangu. Nhas ndopavakuona kunaka kwangu nekut
vaakuda rubatsiro. Manje handina nguva yekutsvaka mari yekurapisa mhondi. Kana akafa
handina basa nazvo and handimborwadziwi, coz vakandirwadzisa kare...apa nyaya yacho
ikatsikwa tsikwa. Chisi hachieri musi wacharimwa mufunge, revenge inouya wakarivara iye
watokanganwa fut aah. Hama dzangu regai ndikuudzei,,, kana ukaitira munhu chakaipa
musafunge kut kana wafa ndipo pauchandotongwa kugehena chete kudenga....noo gegena riripoo
pasi pano and kurwadza kwacho ucharipinda nyama nemweya zvripamwe chete. Paunofa fut
unosvika gehena racho rakakumirirazve kudenga ikoko. Chikumbiro changu ndechekut itai
zvamunoda kut vamwe vakuitirei. Mukadaro munenge magona chaizvo, kana maropafa acho
munoita ekuramba kan.

Kunyangwe ukagonera munhu 99%..., 1% yaunomutadzira iyoyo inogona kukuparadzanisai


zvachose, zvekutadza kumhorosana zvachose muupenyu. Mainn vakange vakandichengeta
mufunge,, kubva ndrichri mudiki kusvika ndiroorwe, ipapo ndinovatenda.... kunyangwe imba yacho
ndakaiparadza ndega nekusaziva kwandakanga. Husinye hwavakandiitira handife
ndakakanganwa. Ishe Jesu akat tinamate tichit *mutiregere mhosva dzedu sekuregerera
kwatinoita vanotitadzira*..., but inin oooh ndokundikana. Ehe pane zvinoita kuregerera nezvimwe
zvekut unoedza kuregerera but zvinodzoka zvichikudya mwoyo fut. Kana uchit waregerera munhu,
make sure hauchafungezve nezvekukutadzira kwaakakuita coz the moment yaunozvifunga
zvekare uchatangazve kutonga, iko kuchinzi kutonga ndekwamwari, saka hapana zvaunenge
waita. Kana waregerera munhu, chibva wakanganwa nezvazvo zvachose. Ukadaro wakunda,
ndokunonzi kukanganwira kunorehwa mushoko ramwari.

Ndakarangarira hope dzendainge ndarota husiku, ndikaedza kuzvibatanidza nezvandaudzwa


pafon naTrish ndikaona zviine link. Ndakanetsekana kwazvo kut saka chii chaizvo izvo zvrikuitika.
Ndakaremerwa kwazvo mufunge, zvaitoreva ere kut mainn ndivo vaindiseka ndrimu cage. Saka
kurohwa kwavaitwa nacc Rudo ndokwaita kut musana rutyoke ere. Aah ndakashushikana kwazvo
asikana. Ndakabva ndabika faster faster ndikat, ndoda kunoudzao mai gamu nyaya yangu iyi.
Chikafu changu chakaibva bho bho ndikadya, ndapedza ndakatorana naTafa wangu tikananga
kwamai gamu. Ndakatosvika mai gamu vari kuzvidyira kana, mai ava vaidya asikana.
Ndakavakwazisa tikaomberana tichibvunzana utano. Takabva tatanga kukurukura nyaya
dzakasiyana,,, vakada kutipa chikafu tikaramba sezvo matumbu ange akachazara.

Ndakazopira mai gamu nyaya yangu pamwe chete nehope dzangu. Mai gamu vakatomboramba
vakanyarara zvao vachidya. Vakazonditarisa kumeso chaiko vakat *mai Tafa..., mainn vako vane
chekuita nekutambudzika kwako..., even kuparara kweumba yako, kusada kwako kunamata,
nekusatowanao murume anopfimba.. zvese izvozvo i think ndiye arikushereketa.* Mai gamu
vaitotaura vari serious, ini ndakabva ndat *aaah kufungira munhu wausina kuona hakuna kunaka
koo mangwana ukazooba asiri iye unonyarirep*. Mai gamu ndokundipindura nehasha: *kufungira
chiii zvinhu zvripachena kudai heee, ini ndrikut ndiye trouble causer.....kana asri iye why muhope
imomo ange achikuseka akazorohwa na cc wako*. Ndakabva ndat *aiwa mai gamu...muhope
handina kuona face yake ini but skrt yaange akapfeka ndoyandafananidzira naye coz
ndakamusiya iriyo best skirt yake*.
Mai gamu ndokut *eeezve ndozvinoita varoyi kana vachiuya muhope haadi kuonekwa kumeso kut
umuzive, dzimwe nguva unogona kutorota mwana wake instead of her..., iwewe inyaya yekut
hausat vaakuziva kut hope dzinozvifambisa sei. Zvakafanana nekut ukarota munhu vauri kuziwa
kut arikurwa, ukamurota asimba ziva kut ave pedyo kufa. Hope hadziuye direct mudikani,...,
usambonunuzire hako mainn vako. Ndivo muroy vako ivavo ugare uchitozviziwa. Mari ndinayo but
handimbokupe .*. Ndakabva ndat : *aah handis kuda kuvarapisa ini eeeo, ngavazvionere ikoko*.

Ndakarangarirazve kut ndakange ndakanganwa kuudza mai gamu, muchiti wechinhu


chandakanzwa kudonha kubva pamusoro pemba. Ndakavaudza vakat *iwe kuchech hauna
kupiwa muteuro ere*. Ndikat *eehe ndakapiwa dombo namadzimai vakat ndinoritswanya kuita
mabedu akawanda, then mabedu acho wakat ndiise mumba nemunzira dzose dzinosvika pamba
nepakat pemukova*. Mai gamu ndokut *haaa saka yafa nyaya...., ndimainn vako vakakidibuka
kkkkk vakasangana nazvo kkk ayi*. Mai gamu wacho kuzototaura aine confidence kani. Ini
chokwadi nazvo ndakange ndisina coz handina munhu wandainge ndaona nemaziso angu.
Ndakarangarira mashoko amadzimai ekut *ndoda kut zvionere wega muhope dzauchasangana
nadzo kutanga nhas*. Ndakaona kut zveshuwa mainn vanenge vane chekuita nekutambura
kwangu. Takazokurukura dzimwe nyaya, ave masikat ndikabva ndadzokera kumba kwangu..

Akange ave manheru apa ndaingendatopedza hangu kunamata ndaakuda kurara. Fon yangu
yakabva yapinda call ndokuona ari Taku aifona.
*End of Chapter 12*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 13*

*hello Taku*

Hes leah uricei

*mushe uricei zvako*

Hapana xaa..., kungokufunga chete.

*kkkk kundifunga chii*

Aaah asi haudio kufungwa ere.

*ndoda but not newe...., kana mkadzi wako akakunzwa uchitaura kudaro anoti chii*

Kkkk mkadzi fut..., ndiweka mkadzi wacho

*kkkk i hope u a joking hanty?*

Kkkk its lyk im but its wat i want.

*ndikwanire Taku..., washaya vasikana ere*

Ndakatofara mus uya wetakasangana..., tichri kuchikoro ndaitoshaya kut ndokuudza cei kut
ndokuda coz u was my best friend.

*Taku stop that.., we a friends.*

Ndakamboedza kuraramba but Taku wacho aitova serious. Ndakazongomuudza kut


*ndichambofunga nezvazvo*. Kwaiva kungoramba hangu but kutaura chokwadi madzimai
ndakange ndatoda. Taku aiva mukuru kwandri ne2 yrs saka pange pasina chakaipa kut tiite
murume nemukadzi. Taku paakata fon ndakabva ndaita kurara nemanhede ndakatarisa mudenga
apa ndichinyemwerera. Ndakange ndaakuzvibvunza mibvunzo hobho usina anondipindura. Koo
taku arikurevesa ere. Koo ashaya vasikana ere vasina kumbobvira waroorwa. Anyanyo kudei
pandri mvana. Koo akazot *jokes* ini ndatoda munhu kare. Kooo kumba kwao vabereki vake
vanozonditambira ere nemwana wangu uyu. Ndakagaya kumuisira call me back kut andifonerezve
ndimubvunze mibvunzo yangu yaindinetsa, but ndakaona kut ndege ndaita speed.

Ndakatanga kucompare Taku namadzibaba Simba, ndakashaya wandinoda kudarika mumwe.


Ndakazoona kut its bttr kudanana naTaku coz takambotamba tese zvakanyanya saka ndakange
ndaakuziva mamwe mawkness ake. Pluz taku ange atondiudza kut arikundida. Madzibaba Simba
hapana chainge ambotaura neni, ndini hangu ndaitofungidzira kut arikundida. Hope dzacho
hadzina kuuya zvekumhanya ndiri kufunga nezvaTaku namadzibaba Simba. Zvekukut makuseni
ndange ndamboudzwa nezvamainn ndakange ndatozvikanganwa. Koo ndaive nebasa nazvo ere.

Makuseni ndakamuka ndikaita hangu mabasa angu epamba. Tym dzendakange ndaakuvesa
moto ndakaona mai gamu vachindifonera. Ndakadaira call yavo, vakandidaidza kumba kwao kut
ndivabatsire kukurukuta mukitchen mavo. Ndakabva ndatorega kuvesa moto ndichibva ndadaidza
Tafa wangu tichibva taenda kwamai gamu. Ndakasvika ndikakwazisana navo vachibva wandipa
dzimwe hembe zvidhende kut ndipfeke coz ndaizosvibisa dzangu dzakanaka. Takatanga hedu
kukurukuta mukitchen muya tichikurukura nyaya. Tafa ainge achitamba zvake kunze ega zvake.
Mai gamu handina kumbomuudza nezvaTaku, ndakati ndozomuudza kana taakudanana. Mai
gamu akabva ati *mai Tafa, pane munhu andikumbira fon # dzako. Ati ihanzvadzi yamadzibaba
simba*. Ndakabva ndat *mai gamu matanga kkkk, hanzi arikudzida dzei*.

Aaah asikana haikona kubvunza semusri kuziva zvrikuitika.

*kkk zvipi zvrikuitika mai gamu..., hapana chandrikuziva ini*. apa ndaitaura ndichiita kakunyaririra.

Haiwao tibvireipo apa.., saka mukunyaririra chii

*kkkkkk saka mamupa here fon# dzacho*.

No handina ndamuudza kut ndichatanga ndataura newe

*hoo..., dai mangomupa cheeeete*.


Aah koo zvaiita ndava ere.., usaite kunge usrikudaozve

*aaah kkkk kudei mai gamu*

Huhu musade kunditapa manzwi..., kuchurch uko maitotadza kunzwa shoko maziso ari kwaari.

*kkkkk mai gamu gaichipere nyaya yacho*

Haiperizve sahwira..., chingobvuma chete nyaya yako. Aka pane chandinoita ere ini....,
ndrikutofara kut manje manje unenge waane anokuchengeta

*yaaa muricorrect, but parizvino chimbomirai kumupa # dzangu kusvika ndazokuudzai*.

Why zve

*pane zvrikuitika*

Haaa kutamba hangu mai Tafa ndange ndichida kuziva kut sahwi wangu arikufungei about Simba

Takazokurukura dzimweo nyaya, tapedza kuita basa redu tichibva tageza. Tapedza takabva
tatanga kubika zvekudya. Tapedza kudya takatandara kusvika kunze kwava kudoka.
Ndakazooneka mai gamu ndikaddzokera kumba kwangu. Ndakasvika ndikaenda kutsime,
ndikabva ndatanga kubika, ndapedza takabva tadya tikazoenda kunorara.

*End of Chapter 13*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 14 *

Mazuva matatu akapera ndisina kana chandarota. Kwamai gamu ndaienda hangu evry day but
zvenguva diki ndodzokera hangu kumba kwangu. Taku haanao kumbondifonera, ndakange
ndatosuwa inzwi rake. Zvamadzibaba Simba ndakange ndatozvirasa mupfungwa dzangu.
Ndaitoswera ndichi imaginer tri tese Taku, kutaura chokwadi asikana ndakange ndatononokerwa
nekuva naTaku. Ndainge ndaakut ecrytym yandovhara maziso angu ndaiona smile yaTaku ndoita
ndoerekana ndakusmiler ndege apa ndichinyaririra. Tafa wangu ndaizomunzwa akundi vhunza kut
*koo mhamha munyemwerera chii*, ini ndaizongo muvhara vhara. Kubva zvandakabva kuchurch
ndakange ndaakungonzwa kuda murume. Zveshuwa i think pane zvaitoitika pandri b4 ndaenda
kuchurch. Ndakange ndarwirwa naMwari, kana hope neupenyu ndakange ndaanayo. Ndakange
ndakufungao zvri wiser. Mai gamu ange akandit ndimbomire kutsvaka basa ndione simba
raMwari. Akandiidza kut basa ndiro raizondivinga ndri pamba. Munoziwa kuchengetwa nemunhu
pane zvese zvaunoda achikuprovider, ini ndinonyara zvisingaite. Asi mai gamu akandit achaita
zvese kwandri ndichimirira basa kut rindivinge ndri pamba.

Wakange wave musi wechina manheru apa mangwana ndaida kuenda kuchurch. Ini ndakange
ndatova muhope. Ndakapatitswa nefon yairira, ndikaona ari Taku aifona. Ndakatombozvirova
kambama ndichidza kuziwa kut is it real, zveshuwa ndiye aifona apa fon yakatondipatitsa
ndichitonurota. Ndakadaira hangu fon yangu tikatanga kukurukura nyaya kusvika hope dzanyatso
kupera. Zvimwe nezvimwe Taku aifona zvenguva refu weduwe. Taku akazondibhabhaisa akat *i
luv u Leah.., gud nyt.* Ndakangoerekana ndapindura kut *i luv u too*. Ndakazvinyarira ndega
soo..., Taku ndainge ndamuda but ndainge ndisat ndaakuda kumuudza kut *nenio ndakuda*,
ndaida kuzomuudza after nearly 2 wks. Ndaisada kuzviratidza kut ndri desperate zvakanyanya.
Munoziva soo Taku akabva akata fon, after 2mns achibva afona. Ndakamborega hangu ichirira
ndokuzoidaira pava paya. Taku akat etym yake yange yapera saka ange achimborecharger.
Akabva ati ndidzokorodze my last words. Ndakamuudza kut zvawanzwa ndizvozvo, Taku akafara
zvisingaiti. Hatina kuzotaura zvakawanda tika bva tabhabhaisana. Ndakazobatwa nehope papera
tym.., ndakange ndaakutoona hupenyu huchiendeka ndiina Taku.

Husiku wacho ndakabva ndarota mainini wangu. Ndakavarota ndaita sendaenda kunovaona but
mavakange vari maita sekunge muchipatara. Ndakasvika pavari ndikada kuvamhorosa asi ivo
vakaramba, apa vainge vakanditarisa neziso raitaura. Ndakaramba ndakatarisana navo, vachibva
wati *wafarazve kut ndaachirema...,*vachibva waridza tsamwa. Ini ndakabva ndapererwao nazvo
ndikabva ndafuratira kubuda. Ndichingobuda padoor ndipo pendakabva ndapepuka. Ndakatanga
kufunga kut hope idzi dzrikumborevei chaizvo asi ndakazvishairwao. Koo kuzondit *ndizvo
zvawaidazve*, ndokutii ikoko. Ndakazongozvirerutsa nekuridza tsamwa ndikat hameno ikoko,
aslong zvangu zvri kundifaira. Makusena ndakafumira kuita biz biz kugadzrira kuenda kuchurch.
Ndapedza ndakabva ndananga kwamai gamu. Ndakatosvika maigamu ave kutopedzao,
ndikamumirira. Takapinda munzira tikatanga kufamba zvedu nhereka tichidya nyaya. Ndakabva
ndaiudzao mai gamu hope dzangu. Mai gamu akatoseka akat *kkkkk aaah inonzi go back to
sender....,*. Aitaura hake zvaanoda mai gamu, ini ndakabva ndat *ndandafunga kut ndinomuona
sezvo ndakaudzwao nezvekurwara kwake*. Mai akabva amira nekufamba akat *kuenda kup.., koo
paipinga hupenyu hwako akambouya kokuonao ere. Siyana nae unozoenda kana nxt mnth
ukumhanyei*. Ndakabva ndat *koo akafa ndisat ndanomuona*. Mai gamu ndokut *haafi
zvekumhaya dia, itym yake yekusafa and achasafa kwemakore akadaro. Kana wada komuona..,
enda but uchaona wasvikako kut ndiye muroyi wako, hanty akakuridzira tsamwa muhope...,
ukarota munhu achikuridzira tsamwa ziva kut haakude zvachose But pliz kana uriserious nekuda
kunomuona..., usaende usina muteuro*. Takatoerekana tasvika pachurch,, hatina kutora nguva
refu church yakabva yatotanga.

Musi uyu madzibaba Simba handina kuvaona havana kuuya. Panguva yendakange
ndaakunamatirwa madzimai vekundipa muteuro vakabva wandibvunza hope dzandakasangana
nadzo ndikamuudza. Akandit *wakakunda mudikan, Mwari ane chinangwa neupenyu hwako...,
usabatikane neurwere hwemuroyi wako. Kana wada kunomuona unondiudza ndokupa muteuro
coz unondobatirwa ikoko ukadzoka vapedzerwa*. Ndakabva ndamut atondigadzirire muteuro
wacho coz ndaida kuendako. Church peyakapera takabva taenda kumashops maigamu
vakatengera mwana vangu maunifoms manyowani. Ndakashaya kut ndovatenda nei mai ava,
zveshuwa uniform dzemwana wangu dzakange dzaakunyadza. Takapinda munzira kudzokera
kumba, ndakasvika ndikatandara pamba pamai gamu.., tym tym ndokuzoenda kwangu kumba.

*End of Chapter 14*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 15*

Taku akange akuchifona evryday manheru, aiti arikushaya tym yekuuya kondiona.
Ndakatombomuudza kut handina kugadzikana nerudo rwedu, ndine mibvunzo yandri kushaiwa
mhinduro. Taku wacho akandiudza kut nchazokupa mukana wacho wekut ndimubvunze kana
achinge auya kuzondiona. Zvikoro zvakavhurwa mwana wangu akatanga kuenda kuchikoro.
Ndakange ndaakusara ndega pamba ndisina wekutaura nae. Mai gamu dzimwe nguva auyao
kumba kwango totandara, inio dzimwe nguva ndichiendao kwake. Mai gamu ndovakange vatova
shamwari yangu. Ndinototenda mwari kwazvo, coz dai vasri mai gamu handizive kut ndingadai
ndri chii, uye ndripi parizvino. Muupenyu munhu unofanira kuvao neshamwari yaunotruster,
uchiudzao matambudziko ako ichikubatsira, iyeo achikuudza ake muchivatsirana.

Musi wechitatu ndozuva rendakaona ndakasununguka kut ndiende kunoona mainin wangu.
Kwaiva kungozvimanikidza asi kutaura chokwadi ndaisada. Wandaitove neshungu yekuda kuona
ndibbmnn coz ndivo vega vaiva nerudo nen. Ndivo vega vaipota vachindifonera, ini nekuda
kwenhamo ndaisafona. Musi uyu ndakamuka ndikagadzrira mwana akaenda kuchikoro.
Ndakasara ndichigadzrirao kubuda kuenda kkwamainn. Ndapedza ndakaenda kwamai gamu
ndikavaudza kut ndokwandrikumboenda. Ndakapinda munzira apa ndaifamba kwazvo, after 2 hrs
ndakange ndaakusvika. Ndakasangana neumwe musikana akandimhorosa, ndakatoshamisika kut
andiziva cei. Akandiudza zita rake akat anonz Lois. Lois ndainge ndatomukanganwa..,
pendakapedza form 4 iye akange ari 4m 1, kuchikoro taenda tese taigara same area. Lois
akandibvunza kut ndrikuenda kup ndikamuut ndrikuenda kunoona mainn wangu. Lois haana hake
kuzotaura zvakawanda akat enda unozvionerao wega zvriko.., hupenyu hwakasunama.
Ndakangot hameno rega ndinozvionera ndega ikoko. Ndakaparadzana naLois ndikaenderera
mberi nerwendo rwangu

*Gogogoi pano*, ndin uyo ndaisvika pamba pedu. Ndakaona kamwe kamwana kachiuya
kunonditambira apa kaiva neshena nemumusoro. Ndakaona Trish achibuda mukitchen apa
hembebdzacho dzainge dzakapfekwahaayas kunge dzakaturikwa pamuti. Ndakatoshamidiks kut
chii chaitora nzvimbo pamba apa. Pakange pandichinjira zvikuru, pakange paakunhuwa nhamo.
Zvakandinetsa mufunge kut koo asi babamn havachagari pamba ere. Ndakanyarara ndikat
hameno ndichabvunza hangu. Trish akamhanya kuuya kondimbundira, apa nezvaiva akaiita soo
ndakanyangadzwa mufunge, ndakamboda kuramba but ndakaona zvisingaite. Takapinda
mukitchen ndokuona kuine kamwe kamwana kscheche kaivemo. Kut ndinyarare zvakaramba
ndikabva ndabvunza. *koo mwana ndewako ere uyu*. Apakamwana kacho kairatidzikao zvrinane.
Trish akapindura *eee cc ndevangu*. Ini ndikat *koo kamwe karikunze uko*. Trish akat *ndekangu
fut*, ndakakatyamadzwa nazvo. Ndakabvunzazve kut *koo bba vacho varikup*, ndakaona Trish
akungonyarara zvikanzi nae *zvakaoma cc yedu yekungotizira iyi, ndakatizwa nemurume
ndikasara ndega ndikaona kut zvrinane ndidzokere hangu kumba, mhamha vakanditambira.*
Ndakabva ndabvunzazve *koo kadiki ndekake fut*, iye ndokut *aah kadiki ndekemukomana
aishanda panxt apo, pendakamuudza kut ndasne nhumbu yako, akabva atiza*. Ndakabva
ndatoseka hangu ndikat *iiiiiiinga hamusi kuitika murikutogadzira game park pano kkkk kut umwe
ndishumba umwe soko manje manje mhofu kkk*. Trish akabva atsamwa zvikanzi nae *saka
ndozvamauira kondiseka pano, imim zvemakasvikirwa muchirara nabbmn wenyu
mukatizwa...,ndakambouya kokusekai ere, nxaa*. Ndakabva ndatoti *aah koo wakarambidzwa
naani kuuya..., kana muchiita zvinonakidza ndoseka xaa*. Trish akabva aramba hake akanyarara
ndikabva ndamubvunza kut *varip mhamha*. Akabva andit *varimo mumba mubedroom*.
Ndakabva ndakabva ndabuda hangu ndikaenda mumba muya. Handina kumbonoka door
ndakasvika nekupinda.

Ndakapinda ndichitofara zvangu. Ziso rendakatambirwarendakatambirwa naro raitaura rega sure,


ndakabva ndarangarira hope dzandainge ndakarota. Ndakabvabndatambanudza ruoko kut
ndivakwazise asivvakaramba kundikwazisa vakaramba vakandidzvokora. Ndakabva ndat
*ndaiuya kuzokuonai mainn*, akabva aridza tsamwa *nxaa..., wauya koonazve kut zvewakaita
zvakabudirira ere...., manje ndikafa uchaiona nhamo*. Akabva anyarara zvake ndiye ziii.,
ndakashaya kut ndoti kudiii ndakazoti *kana ndrini ndakakutyorai msana saka maindikumbira mari
yekudii ini ndri muroyi wenyu. Manje naJesu hapana chinoitika kwandri manzwazve. Handina
kudeura ropa ini ndasiyana nemi makauraya cc wangu maiti zvichasvikepi, ndoobata yacho
yamakasangana nao. Imim mukafa munenge mangozvifira mega..., mukapfuka munenge
muchitopfukira vana venyu.* Trish anenge akanzwa kupopota kwandakange ndaakuita ndakaona
achipinda apa akashatirwa zvisingaiti. Inin wacho ndakatoshaiwa kut zvandange ndaakutaura
zvainge zvauya cei. Mainn akabva ati *Trish chimborova munhu haangauyi kotaura zvaanoda iye
ariye akanditeya kut ndityoke musana*. Trish akabva ati *kuteiwa kupi mhamha*. Ndakaona mainn
vakut boi boi mazizo vakange vareswa kutaura.., koo zvaizotaurika ere kut ndinomuka usiku.
Ndakabva ndat *sry nekuuya kwendaita ini ndaakuenda*. Ndakabva ndatobuda ndikasiya mai
nemwana vakatuzurirana. Ndava munzira ndakabva ndasanganazve naLois.

*End of Chapter 15*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 16*
Lois: *koo zvaunenge wakatsamwa zvaita cei*

Nxaa zvekuenderwa kumhepo ndozvandisingade, instead yekut vatondifarire kut ndauya kovaona
.., vakutonditi ndin muroyi, ndin ndakatyora mhamha musana nxaa.

*inga wanopenga fani..., kkkkk kudhunya chaiko*

Ndasiya ndavapedzera, ndatoona kut ndikanyarara vanozondijairira

*wagona Leah dai vatosiya vambovarova...., last mnth vakaedzerwa vari kumagarden kazasi uko
vasina kupfeka..., nhas waakut iwewe ndiwe muroyi kkkkk vanotopenga mainn vako*

Aaaah watiii...., akaedzerwa asina kupfeka?.

*eee iwe akange asina kana kai zvako kaange akapfeka...., kutotyoka musana ikoko anenge
akasangana nazvo mudzimba imomo*

Aaah inga ane shai mainn ava..., koo zvendaona pamba pari jangi asi bbmn wangu
havachatambiripo kani.

*Aaah asi hapana chauri kuziwa kani kkk. Bba Trsh vaaane 6mnths vasisauye pamba.., hanzi
aakugara nemumwe mkadzi ikoko. Akatora Taurai chete achibva anogara nae ikoko*

Aaah inga zvakaoma..., akatizirei hanzi akatizirei pamba... Ko Tino aripi.

*Tino akaroorwa uyo, atoone mwana kutaura kudai..., Bba trish manzwireo andakazviita hanzi
akat atiza huroyi hwamai trish. Hanzizve akat mai trish varikunyanya kutonga pamba arikusiya
vana vachiita zvavanoda.., hanty vaona trish nezvivana zvake..., ndonyaya yacho iyoyo*

Inga zvakaoma saka Taurai ndiye aakada chete.

*eee hanzi ndiye ega mwana mukomana saka ndikamusiya hapana zvandinenge ndaita.... Saka
ave kutodzidza ikoko..., ava vakangosiwa namai vavo hanzi chimboitai zvinoda mai venyu but
muchachema nae mangwana*

Umm zvakaoma dia...., zvinonyadza ufunge.

*kkk pakaiipa kani*


Takazokurukura dzimwe nyaya naLois uyu, tym tym ndokuzoparadzana. Ndakange ndatodhiniwa
kare saka ndaitofamba kunge ndadya mbanje. Ndakazoerekana ndatosvika pamba pangu.
Ndakasvika ndikada kubika but ndakanzwa kusatoda ndichibva ndaenda kwaMai gamu. Kwamai
gamu ndaitoziva kut hakushaikwe zvekudya. Ndakatosvika maigamu akarara zvake mumumvuri.
Ndakasvika ndikagarao tikakwazisana, mai gamu akatoshamisika kut ndatodzoka akandibvunza
kut *kwakanaka ere kwavabva kana kut hauna kuzosvikako*. Ndakakabva ndati *chimbomirai
kubvunza izvo..., mabikei ndine nzara mbishi*. Mai gamu akabva ati *enda mukitchen unozvionera
wega*. Ndakasimuka ndikaenda mukitchen ndikapakura chikafu changu ndikadzoka kunogara
kwaiva namai gamu. Ndakatanga kumurondedzera mafambiro ese nezvakange zvaitika
nezvandakaudzwa naLois. Mai gamu akatokatyamadzwao nazvo akat *hanty ndaikuudza kut
mainn wako muroyi iwe uchimununuzira kkkk manje wangozvionera wega*. Ndakatoseka hangu
tikazokurukura ndimwe nyaya. Ndakazooneka mai gamu ndave kudzoka kumba kwangu. Mai
gamu akabva andit nditore chikafu chekut Tafa asvike achidya kana abva kuxul sezvo inin
ndakange ndisina kubika.

Ndakatosvika Tafa atova pamba kare. Ndakasiririswa nemwana wangu mufunge, apa ainge
akarara padoor akatofa zvake nehope. Ndakamumutsa ndikamupa chikafu akatanga kudya
tichitaura nyaya hedu. Ndakazoenda kutsime kunochera mvura.., ndakabika kudya kwemanheru
tikawana kudya kwedu tikanorara. Ndisat ndarara ndaitanga ndanamata kutenda musiki. Mwana
wangu ndaimudzidzisao kunamata kut akure achiziva kut mwari ndiye muiti wazvose. Madzimai
vana havadzidziswe kunamata kana vakura munenge muchitovatadzira. Ndichingopedza
kunamata Taku akabva afona.

Hi Daddy

*hello my Queen hw a u*

Ndri boe ddy i miss u

*i miss u too my luv..., 2moro unenge uri free ere dakuuya kuzokuona*

Ehee ddy ndenge ndiri free..., munoda kundionera kupi.

*habdizive ndotonzwa newe*

Ok ddy munouya kumba.

*hoo.., but unouya kumashops kuzonditambira coz kumba kwako handikuziwe*


Ndouya ddy dont wrry.

Takazokurukura dzimwe nyaya dzakasiyana siyana. Ndakanzwa Tafa mwana wangu aakut
*mhamha ndiDdy vangu ere vamamuri kutaura nao*. Ndakashaya kut ndomuudza kutii mwana
wangu uyu. It was his first tym kundibvunza mubvunzo iwoyo. Ndakazongomut *eehe ndivo*,
mwana wangu achibva ati *hoo achauya riini kuzondiona ndoda kuvazivao*. Ndakabva
ndangomuvhara vhara ndikat *kana akuuya ndichakuudza*. Mwana wangu haana kuzobvunza
zvakawanda akabva arara zvake. Ndakasara kuzorara hangu asi zuva remangwana rakange
ratondinonokera mufunge. Hope dzacho dzakatomboramba kuuuya wena,,, ko dzaiuya cei ini
pfungwa dzakange dzave kure.

*End of Chapter 16*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 17*

Mangwana kuchiedza ndakamufumira kugadzrira mwana wangu kut aende kuxul. Ndichipedza
ndakatsvaira chivanze ndichibva ndacleaner mumba macho boe boe. Ndakada kumbobika but
ndaisanzwa kuda kudya, saka ndakabva ndagara zvangu apa fon iri pedyo nen. Zvisineio Taku
akabva afona akati ndiuye kumashops. Ndakageza faster faster ndichibva ndapfeka
zvinoyevedzao. Mai gamu handina kumbomuudza kut ndrikuenda kumashops, ndakangobuda
chinyararire. Ndave kusvika pamashops Taku akabva andifonera akat ave kutosvikao.
Takavimbisana kut tisangane pane imwe take way. Ndasvika ndakaisira Taku msg kut ndasvika,,.
, ndichipedza kusenda msg ndakaona Taku achitosvikao. Ndakambofunga kut ndimhanye
kunomumbundira, dzimwe pfungwa dzikat ramba uri ipapo. Taka paange aakusvika ndakabva
ndasimuka pachibhenji chandakange ndakagara. Ndakafamba 2 steps ndichibva ndamira apa
hana yangu yairova kan. Ndainge ndizere mufaro mumwoyo mangu, ndichizvibvunza kut ndini ere
Leah. Taku ainge akaita kunditarisa kuneso chaiko achinyemwerera. Ini ndakange
ndaakungonyaririra zvangu. Akasvika tikasimudza maoko ake kuratidza kut arikuda hug, ini
ndakange ndisina kuzvijaira izvi zvekupanana mahug paruzvinji. Koo ndaida kudiio pakadaro,
ndakabva ndangoshingao ndichibva ndamutambirao nehug yacho yaaida. Takamboramba
takadao, Taku wacho achindi grizira kumusana. Ndakanzwa kuda kuramba takadaro mufunge.
Ndakanzwa ropa rangu kumhanya mhanya, i think kana ndaive netsinga dzakange dzakavhara
musi uyu dzakavhurika. Zvandainzwa zvacho ndrikutoshaya kut ndonyatso kuzvitsanangura sei.
Takazoregedza tikagara pasi tikatanga kukurukura.

Takau akabva atenga machips nedrink tichibva tatanganga kudya. Taku mutarisire waaindiita
umm ndakange ndaakunyara asikana. Taku akamboda zvekundipakisa ndichibva ndamboramba..,
ndakazobvuma ka1 chete. Tapedza kudya akabva ati handei, tichibva tasimuka tikatanga kufamba
hedu takabatana ruoko. Takanopinda mune imwe shop yaitengesa magroceries. Taku
akanditengera zvinhu zvakawanda zvekut takarwadziwa nazvo kutakura. Taku pakubhadhara
akabva aburitsa $100 yakabatana. Ndakaona kut zveshuwa kune vanhu vane mari. Change yacho
akabva anditambidza akat chengeta ndeyako. Ndakabva ndaisa mari iya muhand bag mangu.
Takarongedza zvinhu zvedu tikapinda munzira kuenda kumba kwangu. Taifamba tichisangana
nevanhu vekumaraini munzira. Ndaiona vanhu vachiita kunge vachapinda musango nechiringa
vachititarisa. Vaitoshamisika kut ndin ere ndairemerwa negrocery apa ndichifamba nehandsome
man. Ndainge ndakapinda kani madzimai.

Takasvika svika pamba tichibva tapinza zvinhu mumba. Taku akabva agara zvake pabed ini
ndichirongedza grocery zvakanaka naka. Ndakabva ndabvunza Taku kut *ndokubikirei ddy*., Taku
ndokut *nthing bby im only hungry of u*. Apa aitaura achiiuya pandri, achibva andibata muchiuno
ndokubva tatarisa mumaziso chaimo. Taku akabva ati *i luv u Leah*, i replied *i luv u too Taku*.
Zviso zvedu zvakabva zvasangana tikatanga kukisana. Nguva yakange yafamba ndisat
ndambokiswao kuna a touch zvayo. Ndainzwa zvichiita kuflowa kunge ndisat ndambopinda
murudo. Taku akatanga kundipuruzira magadziko achindikisa muhuro. Asikana ndakange ndatova
kudenga rechinomwe chairo, ndakange ndave kufemera pamusoro. Taku akabva andikandira
pabed achibva auya pamusoro pangu akatanga kundikisazve. Akatanga kundibvisa hembe
dzangu 1 by 1 at a tym. I waz not satisfied kut ndirare naTaku saka ndakabva ndamut *stop
Taku*. Taku wacho haana kuita nharo akabva arega zvaita ndokut *whats wrong bby*. Ndakabva
ndat *sry Taku..., i afraid to sleep with u....., i dont knw yo status n u dont knw mine*. Taku akabva
ati *pliz Leah trust me im hiv negative*. Ndaiva neweakness nemaziso aTaku sakachese
chaaitaura akanditarisa ndaibva ndaitobvumirana nae. Handina kudaira zvaakataura, iye achibva
atangave kundipuruzira achindikisa. Taka akabva atanga kubvisa hembe dzake, ndakada
kumbomut ngatisaite izvozvo nhas but mafeelings akange andikurira. Ndaifunga but
ndaikundikana kuzotaura ndobva ndaita kunge ndavharwa inzwi.
Tapedza tese takabva tarara kunge tabikwa bikwa. Ndini ndakazotanga kupepuka ndikabva
ndamutsa Taku. Takatanga kukurura nyaya inin ndichibva ndazot *ddy can i ask u something*.
Taku akabva agutsirira musoro kut hongu go ahead.

*End of Chapter 17*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 18*

Me: *mkadzi wako arikupi*

Taku: *i handina kubvira ndaroora ini....., ndiwe mkadzi wangu*

Me: *stop joking Taku...., i need to knw why u decided to be my husband*

Taku: *unozvida zvei zvese izvo nhai bby...., iwewe ziva kut ndokuda chete n u shall be my wife
for ever*

Me: *Taku kani ndiudzeo inga wan ndakakuudzao history yangu*

Taku: *u knw wat bby...., its a long story. Mazuva aya petakapedzisira kuonana kuxul handina
kutora long tym ndakabva ndatorora. Ndakagara nemkadzi wangu 3 yrs no mwana saka vavereki
vakabva wandit chimbofamba famba zvimwe unowana rubatsiro. Saka takaenda kwaumwe
godobori soo but problem haina kuwanika. Kuenda kumaporofita zvese zvikaramba.
Takazoendazve kuna doctor tese tikatariswa zvikanzi hapana problem evrything is ok. Saka
takabva tatopererwao tikabva tagara for 6 mnths. Rimwe zuva ndainge ndisina kuudza vanhu kut
ndrikuuya saka ndakangouya kubva kubasa chinyararire. Ndakabva ndashandisa imwe nzira
yetaimboshandisa kare saka tainge taakusaishandisa. Ndave kuda kusvika pamba ndakabva
ndanzwa vanhu vaitaura musango. Ndakangot hamenoo vanhu vari ikoko, saka ndakazonzwa
kuseka kwakaita umwe vavo ndikanzwa riri inzwi remukadz wangu. Ndakabva ndapindao
musango imomo ndikavasvikira mkadzi wangu akatoita kugara pamakumbo ekamwe kamuface
kaigara panxt pedu. Ndakabva ndatomutora picture akachagara pamakumbo kudaro ndikavasiya
vari 2. Ndakasvika kumba ndikaudza nekuratidza vabereki vangu pic iyoyo. Vakat zvri kwauri
kurega or kuenderera mberi mese. Ndakabva ndatoburitsa hembe dzake dzose panze iye
paakasvika akamboedza kukumbira sry but hapana akamunzwira tsitsi. Inin ndakabva ndatoudza
habzvadzi yake nekumusendera pic yacho. Akazorongedza hembe dzake akabva arowa pasi....,
ndakazofona ndichida kuziwa kut asvika ere zvikanzi hongu.*

Me: *hoo inga zvendakangofanana nemukadzi wako wani*

Taku: *kkkkk iwewe i knw wakabva neko waakuziwa kuipa kwazvo*.

Takatangazve kubatana naTaku wangu tikaitazve bonde kepiri. Taku ndainge ndakusada kut abve
pedo neni. Ndakange ndaakutonzwa kunakidzwa zvangu nekuramba ndiri mumaoko ake. Nguva
dzakange dzatofamba trimo mumba. Taku akabva ati arikunzwa wiwi achibva abuda panze ini
ndikasara ndakarara hangu nemanhede pabed. Ndakanzwa inzwi ramai gamu richit *makadiii
mkwasha*. Ndakanyatso kuteerera ndikanzwa zvedi ndiye wena achitotaura naTaku. Ndakabva
ndapfeka bhobho ndokubva ndabudao. Ndichingobuda padoor mai gamu akabva ati *nhai asikana
kutadza kundiudzao kut maane mkwasha*. Ndakanyara mufunge, mai gamu ndainge ndisina
kumbovaudza nezva taku. Ndaiti ndichazowaudza nekufamba kwenguva. Mai gamu wacho
akabva atoenderera mberi akat *ndasvika kut gogoi gogoi hapana adaira. Ndaikat rega ndinoke
door sezvo chihuri chisina kupfekerwa it means munhu ari inside. Handina nekuzonoka kwacho
ndange ndatonzwa kut mainn vangu nhasi vashanyirwa*

Ndakanyara mufunge madzimai, ndakabva ndawakwazisa. Taku akabva auyao kunogara petaive.
Mai gamu ndakabva ndamupa introduction vakafara kut Taku munhu anoratidzika kut ane hunhu.
Mai gamu vakabva watotisimbisa kuita kunge teter chaiye. Mai gamu haana kuzogara akabva
adzokera kumba kwake. Taku haana kuzogara akabva ati ave kuda kudzokera.
Ndakamuperekedza akat achauyazve pawkend kuzoona Tafa. Trimunzira ndipo
pendakazobvunza Taku kut anomboshanda kup akat *parizvino handis kushanda but ndine
mashares kune imwe minning company*. Ndakamubvunza kut mari yacho wakaiwanep akat
akaiwana kwaChiyadzwa akaita musoro nao. Ndakazodzokera ndave kuda kutosvika pamashops.
Ndave munzira kudzoka ndakatanga kuzvibvunza mibvunzo yakawanda about my future
ndikatopedzisira ndave kurohwa nehana. Taku ndainge ndarara nae tisina kudzivirira soo it means
ndatotakura Taku jnr mudumbu umu. Koo taku wacho andinyepera kut ari negative, koo history
yake iri yekundinyepera. Koo akasazondiroora ndozodiii, ndonyarirepi. Mibvunzo yese iyi
ndakaishairwa mhinduro.

Nxt day raiva zuva rekuchurch, ndakanotorana namai gamu tikaenda kuchurch. Mai gamu
aifamba achindiraira, achit ndisazoite fut mistake yekuita chipfambi kunyangwe zvikadii. Ini fo sure
ndainge ndadzidzao chose kut kutsvaka zvakawanda mangwana zvinokuparira. Ndakavimbisa
mai gamu kut ndava munhu kwaye chaiye. Takasvika kuchurch tikapinda church zvakanaka.
Madzibabs simba handinazve kuvaona...., handina kumboita deal nazvo coz ndainge ndisisina
basa nae. Ave manheru ndabva kuchurch ndakafonerwa naTaku akat haachakwanidi kuuya
wkend. Akat adaidzwa kuSA nablaz wake saka aiti arikutobuda mangwana chaio.

*End of Chapter 18*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 19*

Kunyangwe hazvo Taku akandivimbisa kut handikukanganwe bby ndodzoka ndokutora. Inin
pfungwa dzangu dzakange dzatova stressed.., ndakapererwa mufunge. Koo taku wacho
akasadzoka, koo mwana wake ndichamudiii, achachengetwa naani, future ichatengwa naani. Koo
inin wacho ndichazowanao ere anondiroora nevana 2 ivava. Ndakanetsekana mufunge madzimai,
hupenyu uhu hauna chakanakira chimwe. Ndakatomboeredza misodzi ndichichema upenyu
hwangu. Ndakazorangarira hope dzandainge ndakamboudzwa naTafa achit arota ari kunzvimbo
yakanakisa kwazvo achitamba nemumwe musikana aiva hanzvadzi yake. Ndakava nehope
neupenyu hwangu, but Tafa kutaura kwaakaita aiti akange akura...., saka zvaireva kut rugare
ruchauya ndakura ere or ndafa. Kunyangwe zvazvo maroto ari maroto..., ini aTafa ndakaabeliever.
Taku akange andisiira mari pluz mazigroceries koo pazvichapera nchaita cei. Zcekuramba
ndichichengetwa namai gamu ndainge ndaakusada. Zvonyadzisa mufunge henyu madzimai...,
mkadzi mukuru apa nemhuri fut wochengetwa neumweo nkadzi aneo mhuri yake. Kunyangwe
ukanzi feel free zvangogara zvichirema nekunyadza.

Ndakaenda kwamai gamu kut ndivaudzeo ma1 angu aya. Ndakasvika vakatorara zvao vakatoit
zvekuvhunduka. Takatanga kukurukura nyaya dzimweo ndichibva ndazopinza yandavinga
mudariro. Mai gamu vakatoseka zvao vachit *kkkk yowe....., wati kudiiii.. Kkkkk inga
zvakakuomerai madzimai. Iro zemo racho makatadza kuricontroler ere...., kubva matovhura
makumbo first day.... Honai manje zvaitika, aaah iyo yenyu yekubva maperera musat manyatso
kuzivana munozviiitirei. Hupenyu ndewako uyu...,kunyangwe ukawana basa hapana kwaunosvika
coz manje manje unenge wakurirwa. Anenge akukuchengeta ndian manje..., ndoramba ere
ndichingoti oooh tambira.., mangwana ooh tambira. ,mangwana achozve ooh tambira..
,zvinozoitao ere kana neweo unenge waakusanyara ere. Madzimaika zivai kwamuri kubva moziya
kwamuri kuenda. Hama chaidzo hauna.., even dzekwamai hapana inombokufonera iwewe ndiwe
unotombofona but unotoona wega kut ndezvekutomanikidzira*. Mai gamu vaitotaura idi sekunge
jee, ini ndakabva ndati *kana ndakatobatira mimba ndichatoibvisa coz mwana wacho
anochengetwa naani*. Mai gamu vakabva wat *watii..., eee wati kudiii.., koo zvewaita kubatirira
uchichemerera apa uchiziva kut hamuna kudziwirira waiti zvichagunepi. Ndikuone waibvisa
nhumbu iyoyo bhasopo*. Ndakabva ndat *aaah saka mukuda kut ndizvidiiiio mai gamu...,
ndonyarirepi*. Maigamu vakaita sevachandirova nembama akat *iwe iwe iwe..., kura wazvinzwa.
Koo wati warambwa ere zvewakuita pfungwa idzodzo, koo mimba yacho wati waziva kut unao
ere or hauna. Chibva watonyarara nyaya iyoyo*. Ndakatoona ndega kut ndrikutopenga.., fo sure
ndainge ndamhanya kufungira zvandis kuziva kut zvichadiii.

Ndakazodzokera kumba kwangu kwava kudoka. Kuzot tava kudya mwana wangu akabva ati *koo
ddy wangu varikuuya riin kuzondionao*. Ndakashaya kut ndomupindura kutiii mwana wangu uyu.
Ndainge ndakamupromiser kut anouya wkend.., zvino wkend yacho ndipo pabuda zvimwe.
Ndakazomuti *achauya dont wrry mwanangu*. Tafa aisava nenharo, saka akabva atosiyana
nenyaya yacho. Panguva dzekurara ndakamirira kut mwana wangu abatwe nehope. Ndaida
kunamata zvine simba saka ndaisada kut mwana wangu anzwe zvimwe zvezvandainamata.
Ndakanamata zviya zvine simba, hope dzikazondibatao ndaneta nekukungofunga.

Wk rakat dhaa kupfuura apa Taku haana kumbofonao kut akafamba cei. Ndakawedzera kudyika
mwoyo, ndakaona kut hupenyu hwangu hwuri kutubgamirwa nasatan. Ndakange ndaakungogara
ndakanyarara..., mwana wangu akasvika pakundibvubza kut why ndisri kuita nyaya. Ndakatoona
kut ndaakushungurudza mwana wangu., saka ndakazongozvishingisa kut zvichanakavinguva
chete. After wk nehalf apa ndaitova zvangu kwamai gamu.., pakabva pasvika mumwe murume
akange akatakura bucket akat arikutengesa fresh hove. Fon yangu yakabvao yarirao ipapo...,
ndakaona dzri new number +27...... Ndakarohwa nehana kut ndiani aifona...., ndakabva ndat regai
ndinodairira kwangu ndega. Ndichisimuka kudai hwema hwefish nyoro dziya hwakabva
wandikanganisa ndichibva ndamhanya kunorutsa.

*End of Chapter 19*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*


*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 20*

Handina kuzotokwanisa nekudaira fon yangu, uku mai gamu akatoramba akanditarisa
achiratidzwa kusiririswa nen. Zvakange zvatowe pachena kut munzwa wakabaya ukasiya uturu.
Hana yangu yakatomborowa apa ndainge ndaakunyara murume aitengesa fish uyu. Fon yangu
yakabva yarira zvekare, ndakamboramba ndakaitarisa ndichibva ndazoidaira.
*Hello*.

Hie bby hw a u

*hie ddy i miss u...., since makaenda kutadza kundiudzao kut masvika mafamba cei*

Vrry sry bby pane zvange zvichiitika...., ndakafamba hangu boe

*hoo..., aricei bro wako*

Ari boe zvekut..., aricei Tafa wedu.

*ari boe hake..., arikutogara achindinetsa kut wamunoti ddy ddy pafon why wasingauyi
kuzondionao ere*

kkkkk aaah unomuudza kut achazouya hake...., inzwi rako bby hariso remazuva ese wat is going
on

*nothing ddy ndimi murikushaisha kunzwa*.

No bby i knw u dont lie to me...., wat is going on

*aaah i i i im pregnant...., so i was wrried kut wakanditiza*.

Taku akafara achinzwa ndichimut ndaane nhumbu. Akabva ati *pane munhu achakutumira mari
paEcocash nhas..., usaswedze mwana wangu nenzara*. Takataura zvakawanda naTaku wangu
mufaro wangu ukadzoka. Taku akazokata fon achit etym yapera. Asi haana kundiudza kut
anodzoka riini..., aingoti haaziweo.

Ndakafamba hangu kudzokera pendandigere, mai gamu vainge vachitobva mukitchen kunisa
hove dzevange vatenga. Akabva ati *aaah asikana mukwasha wangu ere ange achifona*.
Ndakabva ndagutsirira musoro kut *hongu*apa ndichismiler. Mai gamu ndokut *kkk ndazvinzwa
hangu kut ndiye arikutarwe nae...., zvino maudzweizve zvamunenge murikuite happy
semuchabate denga*. Ndakabva ndawedzera kusmiler zvangu ndikat *hapana....,kungofara kut
ndataurao nae*. Takabva tatotanga kuseka hedu ndikazomuudza zvimwe zvezvataikurukura.
Ndakamuudzazve nezvemari yandaida kusenderwa. Mai gamu vakabva wat *chivai nehope
neupenyu hwenyu madzimai...., kwete zvekuita tupfungwa twisina basa.*.

Tichitaura kudaro fon yangu yakabva yapinda msg kuivhura kudai aaah. Ndakafunga kut handis
kunyatsoona ndichibva ndadzokorodzazve kuwerenga. Mai gamu akabva ati *chiii fut nhai mai
Tafa*. Ndakaramba ndakat zii..., pfungwa dzangu dzakange dzatova kure ndainge ndakutoona
rugare muupenyu hwangu ndichitoshainirao vamwe. Mai gamu akabva abvuta fon yangu ini
handina kumboita action. Achipedza kuverenga akabva ati *kkkk unondityisirei apa....,
ndrikutofunga kut pane afa ini nxaaa...tsvee zvekufara maakusuwa*. Ndakabva ndat *unexpected
favour inosuwisa asi hamuzvisiwe*, takabva tatoseka hedu. Ndakange ndatumirwa $300 mufunge.
Ini ndaitotarisira kut ndichatumirwa $ 20 or $30. Mai gumu akabva ati *chinzwaka mudikani
usatambise marii iyi coz u never knw kut mangwana zvichadii. Saka mangwana tofumira tese
ndokuperekedza kwaMutare tinohodha hembe dzemubhero dzakawanda, todzigeza nekuaina
woita kaFlea market kako pamagrocer apo*. Ndakabva ndat *ndosaka muripo mai gamu....., apa
mataura manje..., mauya nedama rizere nenutsenge. Haa ini ndagarika mai gamu*. Ndaitotaura
ndichiita chiomberra maoko ndichifara chaizvo. Ndakabva ndatotenga ettym ye$5 ndichibva
ndafonera Taku. Ndakamutenda akanditi *kana yapera unondiudza bby wosenderwa imwe*. Umm
ndakamutenda mudiwa wangu uyu...it was my first tym kubata mari yakawanda kudaro muupenyu
hwangu. Ndakazokata tikatanga kutaura dzimwe namai gamu. Ndakazovaoneka ndichinge
ndaakudzokera kumba kwangu.

Ndakasvika kumba ndizere zvangu nemufaro ndainge ndrikufara kani. Ndainge ndrikuona zvinhu
zvese zvrikufaya kan. Mangwana makuseni ndakafumira kugadzrira Tafa kut aende kuxul, uku
ndichigadzrirao zvangu. Tafa akandit *mhamha munondiuyirao zap* ndikat ndokuigira mwana
wangu. Ndichipedza kupfeka ndawe kutokita door rangu mai gamu akabva asvikao achit handei.
Mwana wangu akange atobuda kare kuenda kuchikoro. Takafamba tikasvikka pamashops
ndikamirira makombi. Hatina kutora long tym kombi yakabva yasvikao tikakwira. Kombi yacho
yaimhanya zvao zvekut nenguva pfupi takange tatosvika mutare. Takaenda kuSakubva kumaflea
market tikahodha hembe dzedu. Takazadza machanh'ani bag 2 mazihombe aya. Takazonotengao
zvekudya ndokuenda kurange kut tidzokere kumba.

Mwana wangu ndakamutengera mazap akange ataura ndikamutengera nechocolate. Ndaitoda


kumutengera ice cream but ndaisvika yanyunguduka. Takapinda mukombi tikadzokera kumba.
Takadzika pamashops pedu tikatakura mitundu yedu kuenda kumba. Ndakasvika mwana wangu
atobva kuchikoro paakandiona ndichisvika akafara kumhanya kuuya kuzonditambira. Mai gamu
haana kuzogara akabva ati achauya mangwana kuzondibetsera kuwacha nekuaina. Takasara
tichifara nemwana wangu uyu achidya zvake chocolate... koo aizivirep yaitove first tym yake
kuidyao. Akange ave manheru apa ndaitobika zvangu ndakaona fon yangu ichipinda call from
bbmn.

*End of Chapter 20*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 21*

Bbmn wangu vakange vaane nguva vasat vambondifonera. Hana yangu takarova mufunge, koo
kwaitei..., asi mainn vafa kani. Ndakangot hameno rega ndinzwe kut arikutii.
*hello bba*

Hes mwanangu wakadii hako

*ndinofara hangu bba varicei vamwe vese*

Vamwe vanofara wena..., aricei mwana

*mwana ari boe zvake*


Urip mwanangu.

*ndrikwendakaroorwa..., ndakangotizwavndikasiwa ndega saka ndakat ndichabvao pano kana


ndadzingwa.*

Hooo....,Hanty wakaudzwazve kut mainn vako vakatyoka musana havas kugona kufamba....., inin
kumba ndaakasotizako i think its now 7 mnths ndisat ndatsikako

*aah makatizei bba saka mainn varikuchengetwa naani*

Huroyi wamai wako ndakausarender apa arikujaidza vana kut vaite zvavanoda pamba pangu.
Saka ndakat rega ndimbofurwe nemhepo ndrikuno but handifunge ndichadzokako unless kwafiwa.

*Munodaro nei bba hamuone kut murikukanganisa ere*

Kukanganisa pakudiiii..., iye ndiye akatondikanganisira...., kufa kwakaita cc wako kwakandirwadza


ndikashingirira hangu but ndakaoona zvrikuenderera mberi ndikaona zvri nabe kut ndimusiye ega.

*inga zvakaoma..., ndakafonerwa naTrish achindikumbira mari yekurapisa mai ndikazoenda


hangu kundovaona but zvawakandiitira zvakandirwadza handina kuzokwanisa kut
ndimbokurukura tichitandara ndakabva ndatopetuka*

Aaah ndine church yendakupinda kuno yeumwe pastor soo..., ndakaudzwa zvakawanda kan.
Kushaya mbereko kwawakamboita kusvika mukuparara kweumba yako ndiye mai vako ivavo,. Iko
zvino Trish ndiye arikushandiswa ndrikutoshaya kut ndomununura cei...., chikomana changu
ndakatora ndrikugara nacho kuno.

*iiiiii zvaari mashura chaiwo..., cc vangu vakauraya uku wodazve kut ndiite rombe....,
chendakavatadzira chii chaizvo. Mwari ndiye anotonga hazvina hazvo ndava.*

Usacheme mwanangu ndikawana tym ndichauya tombokurukura nekuona mwana...., but pliz
namate zvine simba kana usina church yauri kupinda, tsvaka inokuitira coz ungafe usina
chauinacho nekuda kwevakaipa.

Takakurukura kan nabbmn wangu, ini ndaitodaira zvimwe zvacho kunge ndisina zvandrikuzivao.
Bbnn vakazondikumbira ruregerero nekundituka kwavakaita mazuva andasvikirwa naWelly ndiina
Bryan. Ndakaudzwa zvakawanda kani ndikaudzwazve nezvemukadzi vake mutsva akat atova
nepamuviri manje mamje mwedzi yake inenge yakwana. Bbmn vangu vakaratidza chido neni,
ndikanzwa kusununguka kut ndichine hama dzinondida. Ndakaita sendichapisa poto ndripafon.
Zuva remangwana ndakamukira kuita tumabasa twepamba ndapedza ndichibva ndatakura bag 1
rehembe dzendakange ndatenga ndichibva ndaenda naro kwamai gamu. Kwamai gamu kwaiva
nemvura pamba saka ndokwaiita kuwachira than kudzika kurwizi. Ndakasvika mai gamu
vachitobika tikakurukura ndikasocker hembe dziya dzese tym tym ndokudziwacha. Ndakadzokera
kunotora rimwe bag tikawachazve dzaivemo. Ndakazosiya ndarongedza hembe dzacho kwamai
gamu tikat tozoaiyina rechimangwana. Uumm takabata pfubvu day retakadziaina ini ndaiva
neayini yangu maigamu yavo. Takabata basa mufunge musi uyu. Apa hembe dzacho ngadzinake
kutodarika atenga maEdgars kan Fashon plaza. Takasarudzao dzedu dzakanaka
ndikasarudzirazve mwana wangu. Maigamu vakabva wanditi ndofanira kutanga ndanamatirwa
muteuro kut bizness rangu rifaye. Saka ndakamira kuenda kunodzitengesa kusvika mus
wechurch.

Zuva rechurch ndakaenda kuchurch ndikanamatirwa muteuro wangu kut vanhu vatenge zvinhu
zvangu kunyangwe zvakashata. Ndakabva ndagadzrisa mapapers e permission kut nditengese
hembe. Mai gamu vakabva vandibatsira neimwe mari vakat ndiite zvekuvakisa kari kashade
kemapuranga. Takatsvaka vakomana vekut vavake kashade kacho tikavapa mari yacho. Monday
yacho ndipo pendakazoenda nehembe dzangu. Mwari anoshamisa uyu asikana. Ndakatengerwa
mufunge ndaiita sendri kutengesa goridhe mahara. Hembe dzacho hadzina kumbogara kwenguva
refu dzakange dzatopera. Ndikaendazve kunohodha dzimwe zvichitofaya. Zuva rechurch
ndairikoshesa mufunge...., ndaisaenda kuflea market ndaiita zvekuchurch chete.

Mazuva akafamba gore rikapera apa kadumbu kangu kainge kakuoneka kut iyo imimba. Taku
kunyangwe aindifonera each and evrytym handina kumbomuudza kut ndaakuita zveFlea market.
Bbmn akange akugara achigonao paadira ini ndichifonao pandadira coz mari ndainge ndaanayo.
Munongozivao kana uchiswera kuruzvinji unopedzisira vakuzivikanwa nevanhu vakawanda kana
masahwira anowanda. Pane murume akatanga kungondifarira achiuya nguva zhinji kuzotandara
neni. Takadzamara taakuwirirana tatove mafriends but handina kubvira ndambomubvunza kut
anoita nezvei pamashops pedu ipapo. Mazuva ekutanga ndaifunga kut mayb arikundida but
ndakazoona kut hazvis rizvo. Taku aitondifonera iye aripo haaimboratidza kusvotwa kana kuita
kaujealous. Murume aingodaidzwa nevanhu kut Fatso fatso, saka nenio ndozita randaimudanao
naro.

Taku aigara achibdibvunza kut why ndisri kumbomukumbira mari..., ini ndamunyepera kut
ndinenge ndichinayo. Mwadzi yangu peyakange yave mudhuze Taku akabva anditumira mazimari
ekut nditenge future yemwana.
*End of Chapter 21*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 22*

Ndakange ndachikurirwa zvino.., zvekut kana kuenda kuflea market ndakange ndisisazvikwanise.
Mari ndainge ndichingotumirwa naTaku saka hapaba chaindinetsa. Mai gamu ndiye akange
akuuya achindibatsirao mamwe mabasa epamba. Mwaka iwoyu ndakange ndisina kurima coz
mari ndainge ndaanayo yebizness rangu pluz yaibva kuna Taku. Ndainge ndagarika asikana.,
nhamo ndakange ndaiudza kut ndadzokera kuma recovery fo sure ndainge ndadzoka. Mafreinds
angu ekuflea market akange akugara achingofona vamwe vachinditxtira. Ndaitoshaya kut
kufarirwa kwakadai kuchri kwega ere or pane chavarikuda pandri. Mazuva ekut ndinosununguka
akange ave pedyosa..., saka ndakati zvrinane ndinogarira ikoko sezvo kwaigarirwa kana uchida.
Mai gamu vakandiperekedza vakandisiya pahospital chaipo. Mwana wangu ndakange ndamuudza
kut ukabva kuxul ukasvika ndisipo unoenda kwamai gamu ndiko kwaucharara kusvika
ndadzokera. Ndakagara 1 day chete nyoka dzichibva dzaruma ndikaenda kumaternity ward.
Handina kumbogara long tym takange ndatobatsirwa nekamwana sikana.., apa ngaanake kutodza
mai. Ndakarara kumbozorora ndikanzi ndichabuda mangwana. Ndakazopepuka ndikatanga
kuyamwisa mwana wangu, ndipo pendakatanga kufonera mai gamu ndikafonerazve Taku. Taku
akafara zvendakanzwa ndega pafon.., akabva ati achanditumira mari wk raiteera yekut nditenge
fon inoenda paWhatsapp. Ini zvewhatsapp ndaisava nedeal nazvo coz ndaisava nehama dzacho
dzekutaura nadzo. Taku aida kut ndimusendere mapictures emwana wake.

Masikat ndakaona mai gamu vachipinda, tikakwazisana vachibva waona hao kamuzukuru kavo
ndokut *yowe zvairi duplicate yamai kkkk...., apa netwumasikitira twababa*. Takabva tatanga
kufara hedu,, mai gamu vachibva wandipa maaples avange vandiigira. Takazobuda tikaenda
kumba tikasvika Tafa asat abva kuxul. Mai gamu vakandit ndinombogara nao nyama dzichisimba
but ndakaona zvisingaiti ndakavat ndinokwanisa kuita evrything. Zvinodao kushinga nadzimai
kwete kubva waita mbodza zvekut unotadza nekuzvigeza chaiko. Tafa paakasvika hapana
chaakamboona hake.., akazoshamisika ndaakuyanwisa mwana wangu ndopaakat *aah mhamha
mwana mamutenga kup*. Takabva tatanga kuseka hedu namai gamu,.., mai gamu achibva
azomut *atengwa kumashops*. Taka ndaimufarira pakut aisabvunzisa bvunzisa aikasira
kugutsikana nezvaunenge wamuudza. Mai gamu vakabva wasiya vandibikira sadza vakazoenda
havo kumba kwavo manheru. Taku akazondifonera manheru achindibvunza zita remwana...,
ndakamut ndimi baba vemwana ipai mwana zita ini handina. Taku akabva ati *ok my luv
ummm...,wat about Keisha*. Ndakatoshamisika nezita racho wena....., koo ndainge
ndakamborinzwa kup. Ndakabvabva ndat *yaa riri boe*, aah kubva ipapo yakange yangove bba
keisha mai keisha.. Nxt day mai gamu vakauya zve makuseni chaivo vakasvika ndichangobva
kumuka kut ndigadzrire Tafa kut aende kuchikoro. Mai gamu vakaita nearly a wk vachiuya
kuzondibatsira mabasa kusvikira ndasimba. Shamwari dzangu ndakazodziudza kut
ndasununguka, dzikaronga zuva rekundishanyira tikawa nenguva inofadza. Bbmn bba vangu
ndakavaudzao kut ndozvrikuno wakashamiswa nazvo kut ndrikumbozvifambisa cei.
Ndakamutsanangurira zvishoma chete iyeo achibva anzwisisa.

Taku akazonditumira mari yekut nditenge fon nekutengazve chikafu. Ndakatenga bango chairo
rekutsvairao, ndainge ndichida kushainirao vamwezve. Ndakabva ndaisisa Whatsapp yacho
ndikaudzwa mashandiswirwo acho. Ndakat ndasvika kumba ndichibva ndatora mwana wangu
mapic akawanda ndikabva ndamasendra Taku. Pasina nguva ndakaona aratidza kut aopenwa
ndikaona yanyora kut *is typing*. Ndakamirira kut msg yaityper ipinde, ndakaona zvri kunonoka
ndichibva ndasenda kut *ddy nyorai zvinopera kan*. Ndakabca ndaona yatonyora kut *last seen
....*, apa msg yendainge ndasenda yainge isat yapinda yange yangoisa 1 tick. Ndakat zvimwe ari
pabasa ari biz achapindura hake. Ndakabva ndatombotsveta fon ndikatanga kutamba hangu
nekamwana kangu. Ndakatarisazve App kut ndione kut pane chachinja ere ndakaona no change
wena. Ndakangot ndozoona manheru paanenge ave free. Ndairamba ndichichecker kusvika
manheru but paisava nechange. Ndakaedza kufona but haina kupinda., ndakaedzazve papera
kanguva but yakarambazve kupinda. Ndakatanga kuita worried kut chii chatora nzvimbo kuna
Taku. Kana hope hadzina kuuya easy ndainge ndaakufunga zvakawanda.

Mangwana kuchiedza ndakatanga kubata fon yangu kutarisa kut ndione kut msg yangu
yakazopinda ere. Ndakaona pasina kana nechange last seen haina kumbochinja. Ndakaedza
kufona but yairamba kupinda. Asikana ndakaremerwa mufunge ndakagadzrira Tafa kut aende
kuchikoro but pfungwa dzangu dzainge dzave kure mufunge. Mai gamu vakabva vasvikakao
vakaona ndakasuruwara ndikavaudza zvaitika zvrikuitika. Maigamu vakandishingisa but kutaura
pachokwadi i was worried. Wk rakasvika mukupera ndichingozama kufona but yaingoramba.
Mwedzi dhaa kupera no change, umm weduwe ndakashushikana zvisina anopindura mibvunzo
yandaiva nao.
*End of Chapter 22*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 23*

Munoziva soo asikanaka..., ukaona mface akukumbira mapic ako after that obva arega kutotaura
newe zvachose.., wotoziva kut u a not gud for him. Apa unenge wanyatso kumusenderao mabest
one..., koo unenge uchiziweio. Inin chakatora nzvimbo kuna Taku ndakachishairwao,
ndakambofunga kut asi aona mwana achiratidza kut haasi wake ere. Ndakafungazve kut asi
abvutirwa fon newakomana..., aah mufunge henyu ndakanetseka. Mai gamu aimboedza
kundiwaraidza but achingoenda soo..., ndotangazve kufunga dzimwe nguva ndaitombosvimha
misodzi. Ndakatanga kuonda nekufunga.., chainyanyo ndishungurudza aiva Keisha, koo
ndaizomuchengeta nei.., bba vake zvevangoita disapear. Vana voita hupenyu hwekukura vasina
bba ere., kusvika riini zvinhu zvisingachinjeo pandri. Ehe kunonzi hupenyu ivhiri vamwe vachit
makata anoshura materu, materu acho achishura makata. But inin zvange zvandinyanyira..., gore
rega rega nguva yemufaro yaiva shoma. Tafa achri ega ndaitoshaya chekumupa kut adye tichidya
mangai asina salt chaiyo..., koo vave 2 ndinoita zvekuvadii. Handina zvangu kurasa tariro..,
ndaingot nerimwe zuva mwari vachandizarurira rugare for ever..

After 2 mnths ndakatanga kuenda kuflea maket kwangu. Pari panyaya dzekutengerwa ere..., aiwa
ndotenda mwari. Ndaitengerwa zvaitosvotesa mufunge, ndaienda kunohodha 2 tyms per mnth
vamwe vachienda once per 2mnths. Kana yaiva miteuro.., ummm miteuro yacho ndoipa sando.
Sezvo pakange pasisina umwe munhu aindipa mari, ndakange ndaakushandisa mari yangu zvine
hungwaru. Chakange chakutonyanyo ndirwadza kutenga, chaiva upfu. Munoziva kutenga upfu uri
kumusha soo apa minda uinao yekurima zvinoda uine mari isingaperi. Ndakange ndaakudemba
kut dai ndakarimao kana padoko paienderana nekutakura kwandainge ndakaita. Pluz mai gamu
ainge ati anondirimira nemombe dzake., ini nenungo pluz mazimari andaitumirwa naTaku,,
ndakaona kurima kuri kupedza nguva. Mai gamu ndiye akange akuita achindipao chibage achit
ndisabva ndatenga evrything. Garden chairo ndainge ndisina mai gamu ndiye aindipa maveg.
Kubva pekaenda Bryan ini ndichisara ndichishanda kwendaichengeta gogo vaye, handina
kuzomboita zvegarden. Kumba ikoko ndokwandakange ndakutora murio. Pakazopera basa
ndainge ndainge ndaakut kwandawana maricho ndobva ndavakumbira nemurio. Pamwe pacho
ndopiwa wakawanda ndoufusha. Ndakange ndisat ndaakuenda kuchurch satana ainge
akandiputira. Panguva yandaitambura dai ndaitorima maveg ndichitengesa ndingadai ndisina
kumbotambura zvakanyanya. Zvisineio chimwe nachimwe chinoitika for a reason. Mai gamu
vakandinunura vakandidzidzisa kunamata., upenyu hwangu ukachinjao,. Ini ndin ndakazouya
ndozvikanganisirazve ndega, dai ndakaramba kurara naTaku fo the first tym, ndingadai
ndaingochema kut Taku achadzoka ere chete not kuchemazve kut mwana wake ndomuchengeta
nei.

Vanhu kubasa vakatanga kundibvunza kut chii chaizvo chri kutora nzvimbo pandri. Ndainge
ndaakuswera ndakati zii apa ndichiwedzera kuonda. Ndaingovanyepera kut ndrikudzikira
nekuyanwisa. Fatso haana ndiye aiva best friend yangu taiudzana matambudziko edu tichipanana
mazano. Fatso handina kumbomusvisira nyaya yangu ndakamuudza zvese about my lyf. Ndiye
akange akutonditengra sadza palunch, dzimwe nguva ndaizomurambira ndotengao ndega.
Ndainge ndakut ndikaswera ndisina kuona Fatso handaitonzwa zvakanaka hameno chii chaitika.
Fatso uya zvaakazondiitira rimwe zuva uumhu aayas. Hembe dzangu ndaisadzokera nadzo
kumba ndaidzichengetesa mune imwe shop ndichibhadhara. Saka ndakanyatsot ndaakurongedza
hembe dza mumabag apa mwana achibva atanga kuchema ariko kumusana. Ndakamboedza
kumunyaradza zviya zvekumubhebhura but akaramba achichema. Zvisineio Fatso ndopaakasvika
akat *unochemedzerei mwana chimbomuunza kuno zvimwe anonyarara*. Kungotorwa
kwaakaitwa naFatso akabva anyarara. Ndakapedzisa kurongedza hembe dzangu ndikabva
ndanodzisiya kushop kuya. Ndakadzoka ndikatenda Fatso ndikat andiberekese mwana wangu
ndiende. Fatso akabva ati *dont wrry nhas ndrikuda kumbokuperekedza*. Ndakatofara kut
ndinenge ndiineo wekukurukura nae munzira. Takat taapakat nepakat kut ndisvike kumba, apa
kunze kwainge kwaakusviba.

Kubva mazuva endakadzokera kumusika , Tafa ainge akusvikira kwamai gamu ndozomutora
ndabva kubasa, sakadzimwe nguva ndaizosvika kwatosviba. Fatso akabva andiudza kut
aakudzokera.., ndichibva ndatomutenda ndikat andiberekese baby wangu. Fatso akabva ati *mai
tafa pane nyaya yandoda kukuudza*. Ndakabva ndamut *taura tinzwe ndeyei*. Fatso akabva
atanga kupfimba, ini ndaitofunga kut zvimwe pane imwe nyaya yakakosha yaari kuda kundiudza.
Apa aitondipa pressure kut ndimubvume ipapo. Ndakamurambira ndikat *Fatso xaa u a my friend
pluz une mukadzi wako. Usade kucheater mkadzi wako coz mangwana uchagona kuzondirovesa
kana kuzviparadzira imba yako sezvandakaita nekusaziva kwendakananga*. Koo zvaimbonzwika
naani zvese zvendaitaura. Pekutanga ndakatimbofunga kut zvimwe arikutamba .., ndizoone eeeh
munhu ari serious. Apa akabva aramba kundipa mwana wangu achit tanga wapindura
zvinondifadza. Ndakatoona kut ndikaita zvekutamba handiende kumba. Ndakabva ndaita
sendaramwa ndichibva ndatanga kufamba kuenda kumba ndikat *sara nemwana wacho
akachema uchaona zvekuita*. Fatso akafunga kut ndichamira kana kudzoka, ndakanzwa
akumhanya kuuya achibva asvikondibata ruoko akatenesa kut nditarisane nae. Apa ini ndange
ndabhipa kare, ndakabva ndamurova mbama padama, ndakaita sendarova mudhuri wemba.
Haana kana kumbozungunika ini ndin ndakatosara ndichirwadziwa ruoko rwangu. Fatso wacho
handiziwe kut chiwindi chake chaiva chei uye anyinda nei. Akabva andibata muchiuno
akandidhonzera paari achibva andikissa pahuro uku rumwe ruoko rwakabata mwana.

*End of Chapter 23*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 24*

Sekutamba sekunge kuseka wena, ndazama kupusha Fatso pandri but nesimba racho ndakange
ndisisina. Handizive kut kwaiva kugarisa ere ndisina murume kana kut Fatso aiva nejuju...,
handizive but his touch n kiss was too powerful. Mafeelings angu akapicker very very fast less
than a second, ndikange ndakutofemera pamusoro. Fatso akabva amira kundikissa achibva
anditarisa mumaziso. Ini ndakamutarisao neziso riya rekut wamirirei kan. Ndakangoerekana
miromo yagumhana,, umm takakissa zvekut kana mbavha yakahwanda yaikosorera. Apa magaro
aya achiita kupuruzirwa ombopfanyiwa pfanyiwa ochibva anzi kambama. Ini ndakange ndatopinza
maoko angu mut-shirt yaFatso ndichipuruzira musana ndombouya padumbu nepachest.
Zvekumbofunga kut Fatso anogona kundidonhedzera mwana handina kumbozvifunga ndakange
ndaakutonakirwa ini. Iyeo Fatso wacho haanayo kumboita mistake akaramba akamubata ne1
hand iyoyo. Takazonzwa vanhu vaikurukura kuuya ndipo petakaregedzane apa simba rakange
raderera. Ndakabva ndatora ndega mwana wangu ndichibva ndamubereka. Hapana akataura
nemumwe ndichibva ndarova pasi ndikasiya Fatso akamira akanditarisa.

Ndave munzira ndakatanga kuzvituka ndega kut wat i was doing. Koo dai vasri vanhu vatanzwa
kutaura zvange zvichaguma kup. Iwo mafeelings angu abva anyanyoita maitirei kutadzao kuzvi
controler. Dai kuri kupiwazve imwe nhumbu ndinyarirep,,,.., koo Taku akadzoka achiona ndaane
imwe mimba ndaiti kudiii. Kana kupiwa aids ndaitopihwa coz handifunge kut pane ange
akagadzrira btwn us. Ndakazvituka sure...,fo sure ndakange ndaita hubenzi mufunge., kuita
hureshe chaihwo. Ndakafamba ndikasvika kumba ndikavesa moto ndikasiya ndaisa mvura achoto
ndikanotora Tafa. Mai gamu handina kumbowaudza yatambika munzira. Ndakavaoneka
ndikadzokera kumba ndikatanga kubika tym tym tikadya tikanorara.

Mangwana ndave kubasa Fatso akabva auya semazuva ese tikatanga kuita nyaya. Akabva
azotanga kungondicoommnter zvri swt ndikambotanga ndichimutuka king dzamara
ndaakutoshaya zvekumupindura. Akabva azondibhabhaisa akat nchauya maskat. Ndakasara
ndichinyatso gaya nezvaFatso uyu but ndakashaya way forward. Dzimwe pfungwa dzaiti rega
kudanana naye dzimwe dzichit dananai koo ndingasvika kup ndichikuvara netsoro. Ndakazongot
hameno chero zvaitika. Palunch ndakaona Fatso atouya nemacarelyt 2 imwe yakazara nyama
imwe sadza. Ndakatoshamisika kut koo nhas kwakanaka ere, apa akabva ati ndezvangu ndega.
Ndakakwara zvangu nekudya nyama , kasadza ndakangotsokodora ndichibva ndarega. Fatso
wacho haana kumbogara kwenguva refu achibva atoenda. Ndri kudya kudaro pakabva pasvika
umwe murume wechidiki achibva ati *hes kan mai tafa..., koo mashaya mari yedrink ere nhas.
Mirai ndinokutengerai*. Murume uyu akabva atonanga pane imwe shop yaiva pedyo. Ndakasara
ndichinetseka kut ndiyani murume iyeye, he was nw to me. Apa ainge akapfeka formal akapfinyira
mukati kuratidza ugentle man. Ndakaona akuuya akabata litre refanta wena svikei
nekunditambidza akat *feel free mai tafa inwai zvenyu makasununguka*. Ndakabva ndat *koo nhai
mkwasha mandizivira kup*. Iye ndokut *aah mai tafa ndogara ndichipfura pfura pano wani
ndichitombokuonai muine umwe murume anonz Fatso*. Ndakabva ndat hoo *inga maita basa.....,
saka munonzi bba ani*. Akabva ati *haa munongondit Krumer ndozita randodaidzwa nevazhinji
pano*. Ndakabva ndat *hooo saka zvemat munogaro pfura pfura nepano munenge muchiendep
munoita nezvei*. He replyed *ndine kashop kangu paseri apo ndinotengesa maspare parts emota
nezvimweo*.
Takakurukura nyaya kwenguva refu achibva azondibvunza kut ndinoenda kumba nguvai ndichibva
ndamuudza tym yandobuda, achibva azoenda hake.

Ndakasara ndichinetseka kut koo nhas iluck ere, kufarirwa ere kudiwa ere ummm mus uyu zvange
zvakanyanya. Ndaisimbotengerwa hangu zvekudya nemafriends angu but musi uyu it waz
toomuch. Fatso yes he waz showing kut anondida koo uyu ati anonzi Krumer andifungirei.
Ndakazongodiyanao nazvo ndikatanga kutofunga nezvaTaku ndikatomboedza kufonera # dzake
dzikaramba. Ndakabva ndatodzideleter neshungu, kut ndisasarambe ndichidziona. Tym
dzendakange ndaakurongedza ndakaona Krumer uya auya achibva atanga kundibatsira kusvika
ndapedza. Achibva anditakurira mabag embatya dzangu kuendesa kushop yandaimachengetesa.
Akabva andiendsa nekubutcher akanditengera nyama, ndakanetseka mufunge kut koo bba ava
vandifungireiko. Akabva ati anoda kundiperekedza, kut ndimurambire ndakaona zvisingaiti
nefavour yese yaakange andiitira iyi. Fatso kubva palunch handina kuzombomuona ndaakutotya
kut koo akauya achindiona ndiina arikuzvit anonzi Krumer , chii chinoitika. Ndakange
ndakungotya kudzamara tabuda pamashops tava munzira. Krumer akabva atangao kundipfimba,
apa aisaita zvepressure zvaiitwa naFatso. Krumer aitaura zvakadzikama zvine humwari mukat
achisanganisa nemaverse emubhaibheri. Mashoko ake aiva akarongeka aineo musoro,
zvairatidza kut mhunhu ari serious. Ndakamurambira kunyangwe zvake aiti haana mukadzi, akat
mkadzi wake waakange akaroora aiva nechikwambo vaigara vachirwa mumba mazuva ese saka
akazosiyana naye. Krumer akazondibhabhaisa akadzokera hake ini ndikaenda kwangu kumba.

Ndakasvika nekwamai gamu ndikatora Tafa tikaenda kumba. Hope musi uyu hadzina kuuya
zvekumhaya. Ndaitopishana nepfungwa kut koo chiii chrikuitika kwandri. Ndakafunga mashoko
aitaurwa naKrumer paandipfimba ndikaona aine musoro zvekut aiva pachokwadi pluz aizotogona
kundiroora. Fatso ndakange ndatova newkness paari, pfungwa dzekut tirege zvetatanga izvi
dzaivepo asi change chasara ndini kut ndisimbe. Ndakaona zvri nane kidanana naKrumer than
Fatso coz fatso wacho aiva nemukadzi hapana paizombondiroora.

*End of Chapter 24*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 25*

Minyama yekushaya anokupfimbao sometimes zvri ryt. Inin pendakange ndisat ndaakunamata
ndaiva ndakaputirwa nemunyama wekut hapana murume aimbondionao. Kubva pendakatanga
kunamata ndakatanga kuchiva varume ivo varume vacho vanondipfimba ngavawande. Kukura
kwako pakunamata ndiko kukura kwemiedzo inokuvinga. Ini handizive kut kupfimbwa yaive
miedzo ere or not..., asi dai ndainge ndakaroorwa ndichitogara nemurume yes ndaiti miedzo. Apa
varume vese vaindipfimba hapana akange asina mari dzake vese vaitoratidza kut vane zvinhu
zvavo. Ini nekuda kalyf kepamusoro ndaitadzao sei kudyira pakadaro. Dai ndaiva nemaziso
emweya ndingadai ndisina kumbopindana neyese yaiitika muupenyu hwangu. Mai gamu ndiye
akange akandikoka kuchurch asi zvakange zvaakuitika muupenyu hwangu ndaitombosvija
pakuzvibvunza kut koo kunamata kunoitisa ruchica ere nechipfambi. Pfungwa kufunga dzaifunga
handid kunyepa but mwoyo nenyama zvaizokurira pfungwa. Madzimai kana paine aneo wkness
seyangu pliz tsvaka deliverance nguva ichipo hupenyu hwako husat waenda kwenhando. Havas
varume chete vanochiva.., kana nesuo vakadzi tochivao but kut tizviratidze hazviiti zvonyadzisa.
Tinenge taakungonamatira nechomwoyo kut *ndipfimbeo kan hausi kundionao ere, inga ndogezao
wani*. Tikaona zvrikunetsa ndopatinozoshandisa body language. Kozoitao vamwe varume vekut
ukamuona achifamba apo haumvomuchiwe but paanokupfimba soo manzwi anobuda mumuromo
wake umm so swty zvekut unotodao chete.

Nxt day ndakange ndisrikuda hangu zvekunonoka kubva kubasa saka ndakakasira kurongedza.
Ndava kutobuda pamashops kuenda kumba ndakaona Fatso angova pamberi pangu, ndakasvika
tikamhorosana ndikatomubvunza kut koo why nhas kusambobatika akat ange ari biz. Akabva
andibvunza kut koo nhas kwakanaka ere kukasira kuenda kumba ndikat kuri boe kungada kuipei
zvako. Akabva ati ndimirireo pane zvandoda kutenga, ndakabva ndamumirira achibva anotenga
zvaiida. Ndakaona akuuya akabata plastic bag rine chingwa nezvimweo. Takabva tatanga
kufamba kuenda kumba tichikurukura zvedu nyaya. Hameno chakandit ndinyatsoongorora zvaiva
muplastic bag muya ndione inga mune chicken. Ndakazvibvunza ndega kut ndeyangu ere or
ndeyake. Handina kuda kubvunza ndakangonyarara. Ndakaonazve kamwe kapack kairatidza kut
ndekema protector, hana yangu ichibva yati baa nechekure. Ndakabva ndaziwa kut nhas
chakatochaya saka munhu uyu ndomudzinga cei. Uku nyama irikut ndagarisa ini ndisat
ndamborangaridzwa. Fatso i think akazviona kut pfungwa dzangu dzaakure, fo sure dzaivao kure
ndaishaiwa solution. Kut ndit munhu chidzokera ndakaona zvisingaiti ndakangot hameno ikoko.
Ndakanzwa Fatso aakundibvunza kut koo urikumbofungei, ndakabva ndatomuvhara vhara kut
asabvunze fut. Ndakasvika pamba ndikabva ndakinura imba yangu ndikapinda. Fatso akange
akamira zvake panze achibaya baya fon yake. Ndichrimo ndakabva ndaona Fatso achipinda
mumba mangu achibva atovhara door ipapo. Ndiye pandri nhaa kutotanga kundikisa apa mwana
ari kumusana. ZvaFatso zvaingova zvechibhinya bhinya mufunge. Musi uyu umm ndakapiswa
zvandisat ndamboitwa kana nani zvake. Ndainge ndakungonamatira kut dai protector rikasaputika.
Ndakasara kuzasi uku kuchipisa umm Fatso aiva shasha oooh i surrender. Paakapedza
akangobuda akandisiya ndakarara nemaremba.

Mangwana acho kubasa Fatso handina kumbomuona, Krumer ndiye angopfura pfura nepabasa
pangu. Ndiyezve akatonditengera lunch, apa ndainge ndaakutya kut koo akasvikirwa naFatso
aripano achinditi bby bby, chii chinoitika. Ini ndainge ndisat ndamubvuma ndaiti
ndichazomubvuma ndamboona huserious hwake. Ndakasvika pakuenda kumba Fatso ndisina
kumbomuona. Krumer ndiye akauya akandiperekedza. Akatangazve nyaya yake yezuro nezwana,
ndakaona kut ndikaita utera munhu anogona kuramwa ndikasazomuona fut. Ndakabva
ndamubvuma akafara kwazvo, haana kuzomboda kudzokerera munzira akabva ati ndoda kuziva
paunogara. Takasvika pamba achibva akumbira kupinda mubedroom ndichibva ndamutendra.
Takagara zvedu pabed ndikatanga kuyanwisa mwana wangu iye ndokubva atanga kutobatao
rimwe zamu rangu nekundikisa. Ndakabva ndatobvisa mwana pamukaka tikatanga kukisana.
Nguva diki diki munhu akutondibvisa hembe atova pamusoro pangu. Ndakatoona kut pano
ndinopiwa mimba ndakabva ndamut atore maprotector aiva mudrawer akasara nezuro. Krumer
aiva murume pasina mufunge, nguva diki diki akange atorara uko nemanhede atopedza basa.
Kutaura chokwadi hapana chandakanzwa, akabva andisiira $20 achibva aenda. Dai isiri mari
yaakandipa aah ndainge ndatofunga kumuramba. Saka ndakaona kut bonde haagoni but bag
anobudisa. Fatso bag airuma achifuridzira but pabonde ainyatsoita nemazvo. .

Ndakadanana nevanhu ava for 2 mnths asi chaindinetsa hapana pevakambodhumhana pandri. Ini
ndaitonamatirao kut dai vakasadhumhana. Krumer hapana day yaakambondinakao pabonde, mari
yake ndoyandaingoda chete coz aibudisa bag. Munoziva kune varume vakanaka pachimiro but
bonde vasingagonii, kozoitao vakanaka pachimiro bonde racho vari shasha mamashoko vari
shasha zvekare. Ndinot kune vese madzimai ane varume shasha kwese aiwa makakomborerwa.
Rimwe zuva ndrikubasa maskat mai gamu akandifonera akat ndimhanye kumba kwake izvezvi.

*End of Chapter 25*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 26*

Ndakasiya ndarongedza mbatya dzangu ndikanodzidlsiya kwandaidzichengetesa. Ndakapinda


munzira ndini uyo kwamai gamu. Ndakasvika pamba pao pakat zii kunge pasina munhu
ndakadanidzira *gogogoi pano...., pane vanhu ere*. Ndakabva ndafonera mai gamu uya achibva
adaira akat *pinda mumba ndri mubedroom mangu*. Ndakapinda mumba ndikanopinda
mubedroom make, wanike munhu ari mumachira nemaskat machena. Ndakabvunza *koo
marwarei madzimai....., kubva maita kupinda mumachira nemaskat kudai*. Mai gamu akapindura
akat *zvakaoma mudikan...., since mng handisat ndamuka. Ndambobikirwa tuporidge
nemukomana wangu webasa uyu zvino asoenda kumafuro nemombe. Saka ndambozama kut
ndimuke pendange ndakunzwa nzara ndikakundikana kumuka ndosaka waona ndakufonera*
Ndakabvunza *koo chii chri kurwadza....., zvatanga nguvai*. Mai gamu akabva amuka achibva aita
zvekugara apa aiita kugomera, akabva apindura akat *aaah ndrikungonzwa kupera simba muviri
wese... , zvatanga pakat peusiku dia*. Ndakabva ndamubvunza kut ndimubikire chii,
ndikamubikira zvaange ataura. Ndakabva ndafonera Fatso kut anditsvakire mota kut ndiendese
mai gamu kuchipatara. Fatso wacho haanao kutora tym akange arosvika. Ndakabatsira mai gamu
kufamba tikanopinda mumota. Mota yakabva yasimudzwa takananga kuchipatara apa yaiitwa
kuvhetemeswa. Takasvika kuchipatara mai gamu vaka attendwa, ini ndaifunga kut mayb imalarira
but matest akaitwa pakashaikwa hosha. T°c ndoyainge iri high. Vakabva waAdimtwa zvikanzi
hazviiti mudzoke naye kumba nhas mangwana tinoda kumuita mamwe matest.

Fatso akabva ati *bby saka ukusara ere or tibva tatodzoka tese*. Mai gamu paakanzwa ndichinz
bby akabva andit ndeee neziso raitaura. Ndakabva ndapindura Fatso kut ndimirire panze
ndrikuuya. Fatso akabva abuda ndikasara..., mai gamu akabva ati *Fatso ndiani wako*, ndakabva
ndat *ndiye wandrikumbodanana naye mazuva ano but ane mkadzi wake*. Mai gamu akabva ati
*iweka iwe...., waakuda kuputsa dzimba dzevanhu..., ita asi magumo acho uchazviona*.
Ndakashaya kut ndopindura kut kudii, mai gamu akabva ati *nditambidze fon ndifonere bba gamu
nevana vangu*. Ndakabva ndamutambidza fon yake achibva afonera murume vavo nevana vake.
Ndakabva ndawoneka mai gamu ndikat ndichauya mangwana kuzokuonai. Mai gamu akabva
andibhabhaisa ndikabva ndatobuda hangu. Ndakatosangana naFatso akuuya kunondidaidza kut
nditore mwana wangu uyo wandainge ndasiya mumota sezvo vana vasingatenderwe..,
ndakasvika ndikapinda mumota ndokubva tatodzokera hedu. Takasvika pamashops tikadzika ini
ndokubva ndatonanga kumba streight.

Nxt day mai gamu akandifonera akat akunzwa zvrinane, akat akasara achibairwa madrip.
Ndakazoenda kunomuona maskat ndikamutengera mabanana nema apples. Ndakasvika zvedi
munhu arikuratidza kut zvave nane. Akbva ndiudza kut doc amut anobuda mangwana ,
akandiudzazve kut bba gamu nevana varikuuya mangwana zvekare. Pakapera visiting hour
ndakabva ndadzokera hangu kubsa kwangu. Ndakafonera vanhu vekuchurch ndikavaudza
nezveurwere hwamai gamu. Nxt day maskat ndakaendazve kuhospital, ndakasvija ndikaona
maigamu akatogara panze nevana vake nemurume wake vakat varikumira mota yaida kuvatakura
kuenda kumba. Hameno mota yacho yaiva yaani yakange yafonerwa. Ndakaomberana navo
ndikapiwa maiitroduction, tikazivana. Mota peyakauya ndakabva ndapindao ndikanoburukira
pamashops. Ndakaudza mai gamu kut ndichauya kuzokuonai mangwana kusen. Ndakabva
ndadzokera hangu pabasa pangu.

Mangwana kusen ndakaebda kunoona mai gamu, bba gamu nevana vakabva wandikumbira kut
ndizosare ndichichengeta mai gamu. Ivo vakat caakudzokera kubasa vana kuchikoro. Musi uyu
handina kuzokwanisa kuenda kubasa, bba gamu nevana vakazobuda maskat kudzokera harare.
Nxt day makuseni ndakafonera sahwi wangu andaitamba naye kubasa ndikat anditengesereo
mbatya dzangu kwezvimazuva coz ndakabatikana parizvino. Ndakaita mazuva ndisingaendi
kubasa ndichiswera namai gamu, mai gamu kugwinya kwakaramba aigoti ndrinane but asingapori.
Fatso naKrumer ndaivachinjanisa umwe aiuya mangwanani umwe masikat, mai gamu
ndaingovasiya ndat *nchamboona pamba kut pari cei*. Handina kumbomuudza kut ndoyandri
kutamba. Rimwe zuva vanhu vechurch vakabva wafona kut vachauya nxt day. Ini ndikagadzira
gadzirao pamba pamai gamu nekwanguo kut panyatsooratidza kut pane vanhu vasvinhu. Zuva
remangwana rakasvika vanhu vekuchurch vachibva wazouya havo kumasikat. Ndakarohwa
nehana ndichiona madzibba Simba aripoo. Aah pfungwa dzangu dzakabva dzatoenda kure,
madzibba Simba vakange varowa mufunge nearly a yr. Takabva tadhumanisana maziso soo umm
ndakakasira kutarisa side ndichiinge ndakunutarisa zviya zvekubira,, ndione iye maziso ake ari
pandiri. Vanhu vakaita minamato vakasiya miteuro yakut maigamu vazoshandise. Ndakabva
ndaendao navo kwangu kunosiya vaita munamato. Minamato seye yaiitwa ndaisatombova nebasa
nayo ini pfungwa dzangu ndainge ndichitonetseka kut ndotaura cei namadzibba simba.. Vakasvika
mukudzoka mufunge ndisina kumbokwanisa kut ndombotaureo namadzibba Simba.
Chandaingoda kwavari ifon number dzavo..., kana ivo vanenge vaitodao dzangu chete coz
ndaiona kamuitiro kaaita kairatidza kut ane zvaari kuda kutaura kwandri but ari kurespector
vamwe vake. Ndainge ndatoronga zano kut ndikangovana fon # dzake ndomut azouya
kuzondishandirao sezvo aiva muporofita. Zvisinei hazvo musi uyu zvakaramba ndakat
ndichavabata chete rimwe zuva kuchurch ikoko.

Rimwe zuva sahwi wangu akandifonera kut ndiuye kunotora mari yembatya aiti dzakapera dzese
kutengwa. Saka ndakamuudza kut ndouya nxt day maskat. Nxt day yacho hameno chaiitika pandri
ndaingonzwa kubhoika ndaisada kunzwa kana neaindifonera saka ndakabva ndadzima fon yangu.
Ave maskat ndakabva ndapinda munzira kuenda mumashops kunopiwa mari yangu. Ndakasiya
ndaudza mai gamu kut ndrikuenda kumashops kubopiwa mari yangu. Saka ndakabva nenzira
yekwamai gamu iyo yainozosangana neyekumba kwangu nechekumberi chaiko. Ndichangobva
kupinda mumain road paiparadzana nzira yekwangu neyekwamaigamu nedzimweo ndakabva
ndapinda musango kunozvibatsira. Ndakazvibatsira boe boe pendakange ndakudzokera munzira
ndakanzwa vanhu kutaura. Ndakabva ndateerera ndinzwe zvaari Fatso naKrumer apa vairatidza
kut vaita zvekusangana. Ndakabva ndafamba kuenda pedyo ndinyatso kunzwa nekuvaona.
Ndakadongorera ndione zvedi ndivo havo wena. Ndakanzwa Fatso aakut *koo kudzokera
wakabata kaplastic bag asi mai muponesi wedu haako*. Krumer akabva ati *umm ndamboedza
kumirira xaa kuedza kufona haasi kubatika..., chimboedzao zvimwe unosvika aveko*. Fatso
ndokut *ini ndrikutot ariko ini ndamboedzao kufona ikaramba kupinda saka ndangot ndozvionera
mberi..., aah kana kusina ndotodzokera pano*. Ndakaviruka nehasha kut Fatso ndiye arikundit
*mai muponesi* ndakabva ndabuda pachena ndikasvika kuvakwamura mangwat ndikat *wamuri
kut mai muponesi ndiyani heee ndiudzei....., chinzwai mese handichadi kukuonai kumba kwangu.
Muri imbwa dzevanhu handichada anondifonera pakat penyu...., satan*. Ndakapopota kan musi
uyu.., ndakange ndarwadziwa kut chokwadi chokwadi Fatso naKrumet aitova masahwira saka ini
ndaitoitiswaka. Apa vakutondit mai muponesi fut..., ummm zita iri rakandirwadza mufunge
nyangwe nanhas ndikazvifunga ndorwadziwa. Kushaya murume kwakangoshata mufunge ndiko
kwakasakisa kut ndisvike pakupiwa zita. Ndakabva ndangovasaiya vari 2 hapana akapindura
vaingoramba vakanditarisa ndichivatuka. Ndakasvika ndikapiwa mari yangu ndichibva ndadzokera
kumba. Mai gamu akandibvunza kut *koo kusuwa suwa nhad chii chaitika*. Ndakangovhara vhara
ndichibva ndatochinja nyaya. After 3 dayz apa ndaitove zvangu kumba kwangu makuseni.
Mushandi wemombe wamai gamu akabva andifonera akat *mhanyai kuno izvozvi plizzz*.

*End of Chapter 26*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 27*

Kubva pakatanga mai gamu kurwara..., ndainge ndaakurara kumba kwavo tese. Saka ndaifuma
kuvabikira ndoita mabasa epamba tym tym ndozoendao kumba kwangu, ndotym yandaidaidza
zvikomba zvangu. Musi uyu ndakasiya mai gamu vakagara muvharanda vange vachit vari kuda
kugara pane zuva saka sezvo akange achiri mangwanani muvaranda mavo maipinda zuva.
Ndakatovasiya vachitotaura nyaya saka kudanwa kwandakaitwa kunzi huyai izvezvi, umm
ndakarohwa nehana mufunge. Koo chii chaitika fut, asi mai gamu vafa ere umm ndakamhanya
asikana apa nemwana kumusana. Pfungwa dzaiita kupingirishana kut koo chamboitika chaizvo
chiii. Kusvika kwendaikaita ndakaona mai gamu vakat tasa apa mukomana webasa
achingogumirwa akavatarisa. Ndakadana *mai gamu..., mai gamu imi..., mai gamu kaani* ndainge
ndaakutochema., ndichimuzunguza. Mai gamu akabva agwinha kamwe chete, achibudisa mweya.
Ndakachema zvekuchema zviya.., sure ere mai gamu vatoenda ere, inga satan haana chakanaka,
koo maporofita akatadzao kuona ere kut ndozvichaitika. Weduwe kufirwa nemunhu anokuda iwe
ychimudao zvinorwadza mufunge. Mai gamu ndiye aive best friend yangu chete ndakarwadziwa
idi. Ndakaona mamwe manxt door aakuyao anzwa mhere yendaikwetsura, svikei inga zvaari
mashura.

Ndakatanga kuudza bba gamu zvese nevana vake nfichivafonera. Kumazuva rovira bba gamu
nemudzimai wake wechitwo vakange vatosvika. Ndakaona murume mukuru achichema kut pfiku
pfiku, fo sure ainge arwadziwa. Gamu nehanzvadzi yake vakazosvika nxt day yacho. Haiwa vana
vskachema ivavo senge musikana wacho ummm kutombofenda chaiko. Zvimwe zvese
zvakazoitwa mufi akavigwa vanhu vakaparara zvao kukasara hama dzepedyo mbatya
dzikazogoiwa. Nekufamba kwemazuva vese vakange vapera kudzokera kudzimba dzavo
kwangosara tete vavo chete kuitira vaya vaiuta kuzobata maoko. Ini ndini ndakange
ndaakutotandadzana navo.

Hupenyu hwangu ndakaona kut hunenge hwaakuenda kwenhando. Aindibatsira akange asisipo,
hama ndainge ndagara ndisina, ska ndaizoudzao ani zvinondishungurudza. Ndainge
ndakaunganidza mari yangu yekut ndinohodha dzimwe mbatya. Zuva rendaida kunohodha
mbatya, Keisha akabva afuma achirwara zvaisatombonzwisisika. Ndakaenda nae kuhospital
svikei temperature yakakwira hvy. Akabva anzi ngaambopihwe bed rest for some hrs but hapana
chakachinja achibva adimittwa. Ndakabva ndafonera nkomana wekwamai ganu kut
azondichengetereo Tafa. Urwere hwemwana wangu ndakaushairwao kut chii chri kurwara mwana.
Matest ese akaitwa but hapana hosha yakabatwa, tempreture haina kumbodzika. Wk takasvika
mukupera ndrimo muchipatara nemwana wangu apa aisada kuyamwa. Ndakange
ndaakungonamatira kut mwari musatoreo mwana wangu. After wk nehalf ndopakaitao zvri nane,
mwana akadischargwa bill remari yacho umm ndakagumirwa mufunge mari yese yabdaida
kuhodha yakaperera kuchipatara. Ndakatenda mwari kut maita henyu maponesa mwana wangu.
Ndakasarirwa nekamari kashoma kekungotengao zvekudya.

Munoziva ndakadzoka pazero chaipo, nhamo iya yakange yakuchinditamba tsvina. Kufa kwakaita
mai gamu kuchurch ndakaenda kaviri chete ndichifunga kut zvimwe madzibaba Simba
ndingavaone, ndikavashaya..., ndikabva ndaramwa nekuenda kuchurch kwacho. Ndakambofunga
kut ndifonere Krumer tidzokererane sezvo aibudisa mari, kutsvaka number dzake mufon hamuna.
Ndakabva ndatopusa mufunge., ndakafunga kuenda kunomutsvaka kumashops but ndakaona
zvichinyadzisa koo ndaizonyadziswa ikoko. Ndakat its btter nditambure hangu ndega mwari
achandizarurira. Sezvo yakange yave nguva yekurima ndakange ndaakupona nekuita maricho
mumaraini, kut mhuri yangu irarame. Ndambofonera bbamm bba vangu vakandipa pavakagonao
napo vachit zvinhi hazvis kufamba zvakanaka. Gore iri ndakarimao chibage changu chakawanda
coz nhamo yacho ndakange ndaiona.

Takange taamuna december toward xmas.., ndainge ndakatorara zvangu pasi pemumango
nevana vangu. Ndakanzwa kut *gogogoi pano* ndakasimudza msoro kut ndione kut ndiani
andifungao nhas. Ndakashamisika kuona ari tete Tressy..., ndakarohwa nehana kut nhas
kwakanaka diko. Asi vauya kuzondidzinga pano..., vakandidzinga ndinoendepi nevana vangu ava.
Ndakavadaira ndikasimuka kunovatambira, takakwazisana vakabva vatogarao pasi pemumango.
Tete Tressy vaitoratidza kufara zvao zvendaitovafungira ndakatoona kut handizvo. Takakurukura
nyaya achibva azot *mai tafa nyaya yandauyira pano yakamira yakadai soo*. Kuzodaro hana
yangu ichibva yati baa kurova. Akabva ati *ndakafonerwa naWelly 2 days ago achit akasangana
naBryan muHarare. Welly aifunga kut Bryan ari kuno, saka akandituma kut endapo kumba
undoona kut kuna ani...,kwakamira cei. Akanditizve anoda kuuya kuzotambira xmas nemhuri yake
kuno saka akanditi kana Leah achri kugarapo sekusiwa kwakaita naBryan..., ndakanzi ndikuudzei
kut hanzi fambai fambai nguva ichipo hanzi handis kuda kusvika ndichikuonai. Saka handiziwe kut
muchapadiii mai tafa. Ini ndangotumwao naWelly, handina masimba nepamusha pano*.

*End of Chapter 27*

[23/05 20:18] Blexii: *MAI MUPONESI*

*BY B BLEXII*
*+263 78 308 0949*

*Chapter 28*

Tete Tressy akazosara kupedza zvaitaura ini pfungwa dzakange dzaakure. Ndakagumirwa
madzimai..., hupenyu hwangu ndakahuona huchinanga mudondo. Tete Tressy akamboedza kundi
comfoter but inin ndakange ndatoguta kare nenyaya yake. Kana nepfungwa dzekumugadzrira
chekudya hadzina nekuzombouya. Akandiwoneka akat *akudzokera mai tafa mosara muchiona
yekutamba...., hanty Welly munongomuziwao kut haadi zvema funnies*. Ndakangodaira zvangu,
iye achibva arova pasi..., ndakashaiwa nesimba rekumuperedzao. Ndakasara ndikasvimha
misodzi, Tafa akasvika pakundibvunza kut *mhamha muchemei*, ndakabva ndanyarara ndatoona
kut ndaakuremedza mwana hapanao chaanoziwa. Ndakatanga kurangarira zvese zvakaitika
muupenyu hwangu kubva mukufa kwevabereki wangu, kufa kwaCc vangu, kushungurudzwa
kwandakaita namainn ndichikura, kuroorwa kwangu, kucheatah Welly ndaakudanana naBryan
kuparara kweumba yangu, kutizwa kwendakaitwa naBryan. Kutambudzika kwandakaita
ndikazonunurwa namai gamu. Kuuya kwakaita Taku muupenyu mangu akandisiira dambudziko,
kudanana kwandakaita naFatso naKrumer, kupihwa zita kunzi mai muponesi, kufa kwamai gamu,
kurwara kwemwana wangu nenhamo yandatarisana nayo iyi yekudzingwa pamba. Umm
ndakaona kut hupenyu hwangu ingori nhamo yega yega. Pese pendaiti zvinhu zvaakufaya,
mufaro wacho waibva wandisiya mumatambudziko.

Husiku hwemusi uyu ndakarota ndakagara mumucheto meroad ndiine vana vangu nemabag
angu. Ndaiita semunhu uya agumirwa neupenyu asina kwekuenda. Ndakaona cc vangu
vachisvika pendakange ndri akat *dont cry my leah..., this is the end of yo poverty*. Ndakabva
ndapatika ipapo, ndakanetsekana kut cc varikumboedza kutii. Ndakarangarirazve hope
dzakamborotwa naTafa musi wendange ndaakuda kudzokera kumba kwedu ndikaona zviine
kakumatcher. Ndakabva ndapfugama ndichibva ndatanga kunamata kut mwari azadzise mashoko
andaudzwa nacc wangu. Ndakava nehope neupenyu hwangu, hope idzi ndakavimba madziri. Nxt
day ndakazonyatsokufunga ndikat pano handibvi, welly wacho ngaauye hake kana ada
kundiuraya anondiuraira pano. Koo ndaida kuenda kwaani kwandaisvikotambirwa nevana vangu.
Ndakati chinouya chinondiwana ndri pano.

Mazuva haana kumira kufamba, wakange wava musi weUnity day zuva rakacheka nyika.
Ndakaona kamwe kamota kachisvika pamba, kamota aka kaisava katsva kwandri.
Ndakazorangarira kut ndaisikaona pamashops kachihaiwa haiwa nevanhu. Ndakaramba
ndakamira zvangu padoor pangu, Tafa aitotamba nemota yake yemawaya mumukova, Keisha
ainge akarara zvake. Ndakaona Welly achiburuka mumota muya nekamwana kasikana
kaakugona kufamba. Ndakaona mumwe mukadzi mudhaf wechipwere achiburuka apa airatidza
kut ane mimba. Ndakabva ndatoziva kut ndiye mkadzi waWelly. Welly paakaburuka akaramba
akanditarisa neziso raitaura, ini ndakange ndaakutotya kut ma1 aya atotanga. Keisha akabva
atanga kuchema, i think akapeputswa neruzha rwaiita kamota aka. Ndakapinda mumba mangu
ndikatora mwana wangu ndikanogara padoor ndichibva ndatanga kumuyanwisa. Ndakaona welly
akuburutsa zvinhu mumota..., achipedza mota yakabva yarova pasi. Welly akabva atanga
kutakura zvinhu zvake achizviisa muvaranda kuimba hombe. Mukadzi wacho akabva auya
kwandri achitosekerera akandikwazisa akatondiombera kut *makadii maiguru*. Ndakatoshamisika
nekusununguka kwaange akaita. Welly akabva adaidzira akat *Bbe pinha makeys epano
nechimunhu chautaura nacho ichocho*. Ndakaona mkadzi waWelly akunditarisa achiratidza
kuremerwa nemanzwi aWelly ndakabva ndasimuka, mkadzi waWelly achibva ati hunzai mwana
ndisare nae. Ndakabva ndamutambidza mwana wangu ndichibva ndapinda mumba ndikabuda
nemakeys aya ndichibva ndapa mkadzi waWelly. Akabva aenda kune murume wake zvese
nemwana wangu, ndakanfe ndaakutya kut Welly akabvuta mwana wangu akamupwanyira pasi.
Tafa kakange kangot tuzu kachiona vanhu vakachena. Kamusikana kamwana kaWelly kakabva
katotanga kutamba nemota yaTafa yemawaya vachibva watotanga kutamba wese. Welly
akatambira makeys aya achibva akinura door akatanga kupinza zvinhu mukati. Mkadzi wake
akabva adzoka achitofara nekamwana kangu...., zvaitoshamisa mufunge Keisha wacho kaitoseka
zvako. Mukadzi waWelly akabva andiudza kut anonzi mai Keisha. Aaah ndakabva ndamuudzao
kut mwana waakabata anonzi Keisha , tichibva tatotanga kuseka hedu. Ndakaona Welly akuuya
akasunga kumeso achibva asvika akat *iwe leah, zvewakaudzwa naTrssy wakaita hee, uuda
kuzviita nhubu pano nhai kutotonga musha usri waki manje nhas unopabva pano, mirauone*.
Ndakashaya kut ndomutsanangurira cei situation yacho. Ndakaona akuenda pamupeaches
achibva avhuna zishamhu rake. Ndakanzwa muviri wangu kut *zhrrrra*, mai keisha akabva
anditambidza mwana wangu achibva ati, *pindai mumba maiguru mukiye door*. Ndakatambira
mwana wangu ndichibva ndaramba ndakamira ndichida kuona zvaida kuitwa naWelly, ndakaona
akuuya neshamhu yake ndichibva ndapinda mumba ndichibva ndazvikiira imomo. Ndakanzwa
zvakunetsana nemukadzi wake, mai Keisha aiti *bba keisha musadaro hazvisrizvo zvinoitwa koo
mukaurata munhu munoita cei, kutadza kumutendao kut akakuchebgeterai musha wenyu. Yes
akakutadzirai but munomurera, motaurirana mune zvakanaka obva pano mune zvakanaka.
Mumba hausi kuzomupinda umu, rova ini first, handizvo zvawabvira kuHarare kuuya kuzoda
kushungurudza munhu, tauya kuzofara isu aaah*. Ndainzwa door richirohwa rohwa ndakange
ndaakutya kut rikavhurika ndopona nere nhas. Ndakange ndaakutyirazve tafa wangu kut
acharohwa kunze ikoko. Ndakanzwa vaakutukana vachienda wese kuhouse.

Ndakaramba ndakazvivharira mumba mangu, ndichitya kubuda panze.Ndakademba ndega kut dai
asi mai Keisha nhas ndaiitwa murubvu rubvu. Iye mai keisha kana kumboita shanje kwandri
ndakaona kut zveshuwa vanhu takasikwa takasiyana. Ndakazonzwa papera chinguva padoor
pangu pakunokwa, ndinzwe inzwi ramai Keisha richit *mai guru vhurai door*. Ndakabva ndavhura
door mai Keisha vachibva wapinda, tikatanga kukurukura nyaya. Akazondisiya asheedzwa
naWelly, ndakaona Tafa akupinda mumba akat *mhamha vanhu vauya pano ndivanaani...,
ndaane shamwari yangu inonzi Keisha..., anezita rakafanana neremwana wenyu*. Ndakashaya
kut ndomupindura kutiii mwana wangu ndakazomut *ndibba mukuru namaigura*. Tafa
aisabvunzisa zvakawanda ndozvendaimudira. Takabva tatotanga kukurukura nemwana wangu.
Ndakazonzwa mai Keisha akuuyazve mukamba kangu achit *mai guru hamuchadi nekubuda
panze ere....., mvura munochera kup ndiperekedzeio.* Ndakabva ndabereka mwana kumusana
ndichibva ndabuda ndikanotorao bucket rangu, mai Keisha aiva nerake nyowani ravange vauya
naro. Takabva taenda kutsime, tadzoka takaendazve kuhuni tese. Pakubika ndakaramba ndikat
ndozobika ndega mapedza. Ndainyara kubika musoni vamwe vachibika nyama.

Kutaura chokwadi Welly ange andimarker zvachose, ainge akugara akangosunga kumeso. Ndaiti
ndikanuona ari panze ndaimhanya kunozvivharira mumba, zvaiva mupfungwa make
ndaisazviziwa. Mai Keisha ndivo vaizondidaidza toita nyaya tichifara hedu. Ini kwaiva kubgofarao
kwefake,, ndainetsekana kut so wats nxt. Kutaura shuwa ndaisagutsikana nekuva pamba apa. Mai
Keisha ndaitomushsirwao kut munhu uyu akamboita cei chaizvo...., kutaura chokwadi ini
handizvigoni hangu. Tafa aitoswera achitamva naKeisha mukuru. Achitopihwao madrink
nemabiscuits, pane welly wacho paaida kumunyima ere hanty aiva mwana wemunin'ina wake.

Musi wa24 makuseni ndichitotsvaira mumba mangu, ndainge ndaakuburitsa marara padoor.
Ndakaona bango remota richisvika, umm ndakarohwa nehana kut ndiyani atitsika pano.
Ndakazongofunga kut haa zvimwe mafriends aWelly, ndaksonao Welly wacho achitonetsekso
kutarisa kut ndiyan ari kuda kuburuka. Ndakabva ndatora karata kendaita kadust pan ndichibva
ndaisa marara angu ndokurasa. Ndichibva kunorasa marara ndakaita seindaishaisha kuona.
Ndakasukuta maziso ndikaona kut its real, Taku mufunge. Ndakabva ndakanda mutsvairo
nekarata kaye pasi ndichibva ndamhanyira kumota. Ndakasvikoita zvekumujambimgira tikaita
setichadonha. Pakaitika kaeloquent silent tichidyanana mukanwa, ndakaitw kubatwa kut nhaa
chaiko. Ndakafara kan musi uyu, kana Welly nemukadzi wake wakatozvishairwao kut ndini
ndavingwa nemhene. Taku akabva ati *bby ita faster faster kurongedza hembe nekugeza zvese
nevana tirove pasi, ndrikumashure kwenguva*. Handina kumbobvunza kut kuenda kup ndakabva
nda godaira kut *okay ddy*. Ndakabva ndaita faster faster kuita zvendainge ndaudzwa. Taku
akabva adzokera zvake mumota make. Nguva diki diki ndakange ndatopedza kugeza Keisha
ndichibva ndamupfekedza ndikaenda kunomupa ddy wake ndikasiya vachitamba wese mumota
inomo. Taku aiita kufara kani achitamba nekamwana kake. Ndichibva ndanogezao zvese naTafa,
ndapedza ndakabva ndatakura mabag angu Taku achibva anditambira akaisa mabag angu
mumota. Ndakabva ndanowoneka mai Keisha naWelly, mai keisha achibva atobuda neni mumba,
Wlly akaramba akanyarara haana kupindura anything. Ndakabva ndanokiya umba yandaigara
ndikapa mai Keisha makeys acho. Tafa kakange katopinda mumota kare katogara kumberi
chaiko. Ndakaenda namai Keisha pamota ndikava introducer kuna Taku. Ndakazovabhaisa
ndikapinda mumota, Taku achibva asimudza mota. Handina kuzombodzokazve kumusha
zvachose. Umm Taku aiita kufara neni trimumota, ndakamubvunza kut *koo Taku chiii chakaitika
kubva wambondikanganwa kudaro*. Taku akabva ati *bby chimbomira kubvunza zvese izvo...,
tozotaura mumwe musi*.

*END OF SERIES*

Thank u all fo reading my novelmurambe muchinditsigira ndimi munondipa manyawi.......

*Koo Leah naTaku vaienda kunogara kupi?*


*Koo Leah akazosiya hunhu hwake ere, nekutadza kuramba wese amupfimba?*

*Ngatisanganei muSeason 2 yaMAI MUPONESI*. ndatenda hangu.....

Você também pode gostar